RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/15 pp. 23-26
  • Kutarisira Vakwegura—Denho Netuso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisira Vakwegura—Denho Netuso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Misengwa Yetsika neyapaMagwaro
  • Kubata Nezvitambudzo Zvinosanganwa Nazvo
  • Kurasikirwa Norusununguko
  • Kuvachengeta Vachishingaira
  • Kubata Noundonda
  • Zvinodikanwa Zvendangariro Zvinofanira Kuitwa
  • Vatarisiri Vanodawo Tarisiro
  • Kunewo Tuso
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mhuri yechiKristu Inobetsera Vakweguru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kuchengeta Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kuita Zvinodikanwa Zvavakura Vedu—Denho yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/15 pp. 23-26

Kutarisira Vakwegura—Denho Netuso

SHINETSU, mushumiri wechiKristu, akanga achifarikanya mugove wake zvikuru kwazvo. Mhuri yake yavatatu yakabatanidza amai vomudzimai wake. Ivo vakanga vachishanda nomufaro neungano duku yeZvapupu zvaJehovha, vachidzidzisa vanhu Bhaibheri, kutozosvikira rimwe zuva iye akakumbirwa kurangarira kufamba nomudzimai wake kuti ashanyire dzimwe ungano. Kwaizoda kutama vhiki riri rose. Iye akafadzwa nekariro yacho, asi ndiani aizotarisira Amai?

Mhuri dzakawanda pakupedzisira dzichasangana nedenho yakafanana—nzira yakanakisisa yokutarisira nayo vabereki vanokwegura. Kazhinji kazhinji mufungo muduku unopiwa kunhau yacho apo vabereki vanenge vane utano hwakati nakei uye vachishanda. Zvisinei, zvinhu zviduku zvingazivisa kuti ivo vari kuchembera, zvakadai samaoko anodedera sezvavanoedza kutungira tsono kana kuti yeuko inokundikana sezvavanoparapatika kuyeuka apo vakapedzisira kuona chinhu chakarasika. Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, itsaona yakamwe kamwe kana kuti chirwere inoita kuti munhu azive nezvezvinodikanwa zvavo. Chimwe chinhu chinofanira kuitwa.

Mune dzimwe nyika vabereki vanofarikanya utano hwakanaka zvikuru vanoda kugara makore avo apashure navakwanyina vavo vari voga panzvimbo pavana vavo. Mudzimwe nyika, zvakadai somunyika dzakawanda dzokuMabvazuva neAfrica, itsika kuti vakweguru vagare navana vavo, zvikurukuru mwanakomana mukurusa. Zvikurukuru ikoku ndokwechokwadi kana mumwe wavabereki achirwara. MuJapan, somuenzaniso, paavo vane makore 65 ezera uye kupfuura uye vachirwara kusvikira patambanuko yakati, vanenge 240 000 vanotarisirwa pamusha nemhuri dzavo.

Misengwa Yetsika neyapaMagwaro

Kunyange zvazvo tiri kurarama muchizvarwa umo vakawanda vakava “vanozvida vamene,” vasina “chidakadaka chomuzvarirwo,” isu nenzira yakajeka tine misengwa yetsika neyapaMagwaro kuvakweguru. (2 Timotio 3:1-5, NW) Tomiko, uyo anotarisira amai vake vakwegura, vakarohwa nehosha yokupera simba kwetsinga, akataura musengwa wetsika uyo akanzwa apo akataura pamusoro paamai vake, kuti: “Ivo vakanditarisira kwamakore 20. Zvino ndinoda kuvaitira zvimwe chetezvo.” Mambo akachenjera Soromoni akapa zano, kuti: “Teerera baba vako vakakubereka; usazvidza mai vako kana vachembera.”—Zvirevo 23:22.

Kufungira mano kworudzidziso kana kuti ruvengo zvomubereki asingatendi hazvibvisi nhungamiro iyoyo yapaMagwaro. Muapostora wechiKristu Pauro akafuridzirwa kunyora, kuti: “Asi kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” (1 Timotio 5:8) Jesu akagadza muenzaniso nokuda kwedu apo, sechimwe chezviito zvake zvokupedzisira asati afa, iye akaronga kuti amai vake vatarisirwe.—Johane 19:26, 27.

Kubata Nezvitambudzo Zvinosanganwa Nazvo

Gadziridzo dzakawanda dzinofanira kuitwa navose apo mhuri dzinobatanidzwa pashure pokugara dzakaparadzana kwamakore akawanda. Idzi chinjo dzinoda rudo rukuru, shiviriro, uye kunzwisisana. Kana mwanakomana mukurusa, kana kuti mumwe mwanakomana kana kuti mwanasikana, akatamisira mhuri yake mumusha wavabereki, gadziriro itsva yakakwana yemigariro inozvipa imene. Kungava nebasa idzva, zvikoro zvitsva nokuda kwavana, uye nharaunda itsva yokujairana nayo. Kazhinji kazhinji kuchareva mabasa akawedzerwa nokuda kwomudzimai.

Kuchava kwakaoma zvakafanana kuti vabereki vachinje. Ivo vangava vajaira mwero wakati wokuva voga, wokunyarara, uye worusununguko; zvino vachava nemheremhere yavazukuru vane mbavarira neshamwari dzavo. Ivo vakajaira kuita zvisarudzo zvavo vamene uye vangaitira pfundepfunde kuedza kupi nokupi kwokuvatungamirira. Vabereki vakawanda, vachideya kuona zuva apo mhuri dzavanakomana vavo dzichauya kuzogara navo, vakavaka dzimba dzakaparadzana pedyo kana kuti wedzero kumisha yavo dzine mikoto inobatanidza, kuchigovera mwero wakati wokuzvimirira nokuda kwavose.

Uko musha uri muduku, gadziridzo huru zvikuru dzingava dziri madikanwa kuwanira nzvimbo vasviki vatsva. Vamwe amai vakaseka sezvo vakayeuka kuti vanasikana vavo vana vakashatirwa apo fanicha yokuwedzera nezvimwe zvinhu zvakaramba zvichipinda mukamuri dzavo dzokurara kuti vawanire nzvimbo ambuya vavo vane makore 80 okukura. Zvisinei, zvizhinjisa zveizvi zvinetso kazhinji kazhinji zvinozvipedza zvimene sezvo vose vanosvika pakuziva kudikanwa kwegadziridzo ndokuyeuka zano reBhaibheri rokuti rudo “haruzvitsvakiri fariro dzarwo rumene.”—1 VaKorinte 13:5, NW.

Kurasikirwa Norusununguko

Chinetso chakakomba nokuda kwomukadzi wechiKristu chingavamba kana murume wake asingagoverani kutenda kwake uye achisarudza kutamisa mhuri kuti igare navabereki vake. Zvinodikanwa zvokutarisira mhuri zvingaratidzika kuva zvinodokukuita kusingamubviriri kudzikamisa misengwa yake yechiKristu namamwe mabasa ake. Setsuko akati: “Murume wangu akarangarira kuti kwakanga kune ngozi kusiya amai vake vakati ivei ndonda pamusha vari voga, uye aida kuti ndive pamusha nguva dzose. Kana ndaiedza kuenda kumusangano, aishatirwa ndokunyunyuta. Pakutanga, nemhaka yomugariro wangu wekare wechiJapan, iniwo ndairangarira kuti kwakanga kusina kururama kuvasiya vari voga. Asika ipapo, pashure penguva yakati, ndakaziva kuti zvinhu zvingagona kupedzwa.”

Hisako aiva nechinetso chakafanana. “Apo takatama kuti tigare nemhuri yomurume wangu,” iye anoshuma kudaro, “iye, nemhaka yorutyo rweizvo hama dzokunyama dzaizofunga, aida kuti ndichinje rudzidziso rwangu ndokurega mibato yangu yorudzidziso. Kuipisa zvinhu zvikuru, pamaSvondo hama dzokunyama dzaigara pedyo dzaishanya, kuchikuita kuti kundiomere kuenda kumisangano. Uyezve, vana vaida kutamba nehama dzavo dzokunyama panzvimbo pokuenda kumisangano. Ndaigona kuona kuti umudzimu hwedu hwakanga huchitapurwa. Ndaifanira kuita chimiro chakasimba ndokutsanangura kumurume wangu kuti rudzidziso rwangu rwakanga rwusiri chimwe chinhu chokuchinjwa sesutu yezvipfeko asi rwaikosha kwandiri. Pashure penguva yakati, mhuri yakagadziridza.”

Vamwe vakapedza chinetso chokuwana nguva yokusununguka yakawanda kupfurikidza nokuita kuti mutarisiri wemba wenguva isina kuzara auye kuzobetsera zuva rimwe kana kuti maviri pavhiki. Vamwe vakawana mwero wakati worusununguko rwenzendo dzomunhu oga nomubato wechiKristu kupfurikidza nokutsvaka yamuro yavana vavo, hama dzokunyama dzapedyo, kunyange shamwari dziri muungano. Varumewo vakakwanisa kubetsera pausiku nokupera kwamavhiki apo vanenge vari mumusha.—Muparidzi 4:9.

Kuvachengeta Vachishingaira

Kuchengeta vakwegura vachishingaira ndiimwe denho inofanira kunanganwa nayo. Vamwe vakwegura vanofara kugovera mukubika namamwe mabasa pamusha. Ivo vanonzwa vachidikanwa kana vakakumbirwa kuchengeta vana ndokuwana gutsikano mukutarisira bindu duku remirivo, kutarisira maruva, kana kuti kugoverana mubasa rakati.

Vamwe, zvisinei, vanoda kurara zhinjisa rezuva ndokukarira kushandirwa. Asi kuvachengeta vachishingaira sezvinobvira kunoratidzika kuva kunokosha kugarikano yavo, kugara nguva refu, uye kusvinurira kwendangariro. Hideko akawana kuti kunyange zvazvo amai vake vakanga vari muwheelchair, kuvaendesa kumisangano kwakanga kuri chaizvo nyanduro amai vake vaida. Ivo vaigamuchirwa noushamwari navose uye vaibatanidzwa mukurukurirano. Ngwariro yaipiwa kwavari pakupedzisira yakatungamirira kukubvuma kwavo kufunda Bhaibheri nomumwe mukadzi achembera. Varoorani, avo vane mubereki anotambura nehosha yepfungwa, vanoenda navo kumisangano yavo yechiKristu. “Ivo havawanzoda kuita chinhu chipi nechipi,” ivo vakadaro, “asi vanofara pamisangano. Vanochingamidzwa noushamwari, naizvozvo vanouya nokudisa. Tinorangarira kuti kunobetsera zvikuru nokuda kwavo.”

Shinetsu, adudzwa pamavambo penyaya, akapedza chinetso chake kupfurikidza nokuwana furati nokuda kwaamai vomudzimai wake riri pakati penzvimbo iyo iye aibatira somushumiri anofambira. Iye nomudzimai wake nokudaro vaigara navo pakati peshanyo dzake kuungano dzakasiana-siana vhiki rimwe nerimwe. Mudzimai wake, Kyoko, akati: “Amai vangu vanonzwa kuti rutivi runokosha rwebasa redu uye vanonzwa vachidikanwa. Ivo vanofadzwa apo murume wangu anovakumbira kubika zvokudya chaizvo.”

Kubata Noundonda

Sezvo vabereki vanochembera, mwero yakasiana-siana youndonda ingatanga, naizvozvo vanoda ngwariro huru zvikuru. Ivo vanokanganwa mazuva, nguva, mwaka, uye zvipikirwa. Ivo vangakundikana kugera vhudzi ravo nokugeza mbatya dzavo. Vangatokanganwa mapfekere nokuzvishambidza vamene. Vakawanda vanova vanovhiringidzika, nepo vamwe vachiva nenguva yakaoma yokurara usiku. Pane kombamiro yokuzvidzokorora vamene ndokushatiriswa kana kukaunzwa kungwariro yavo. Ndangariro inovanyengera uye inovavhiringidza. Ivo vangataura kuti chimwe chinhu chakabiwa kwavari kana kuti mbavha dziri kuedza kupaza imba. Imwe mhuri ine vanasikana vana yaifanira kutsungirira pomero dzisina hwaro dzenguva dzose dzechakaipa chevatano. “Kwakanga kusina kunaka,” ivo vakadaro, “asi takangodzidza zvedu kutsungirira pomero dzacho ndokuedza kuchinja nhau yacho. Kusabvumirana naMbuya kwakanga kusina maturo.”—Zvirevo 17:27.

Zvinodikanwa Zvendangariro Zvinofanira Kuitwa

Zera rinounza miedzo kuvakwegura. Kune zvirwere zvinotambudza, kurasikirwa nokufamba-famba, uye nhamo yendangariro zvokutsungirira. Vakawanda vanorangarira kuti upenyu hwavo hahuna nhungamiro kana kuti donzo. Ivo vangarangarira kuti mutoro ndokutaura chishuvo chokufa. Ivo vanoda kunzwa vachidiwa, vachiremekedzwa, uye vachibatanidzwa. (Revhitiko 19:32) Hisako akati: “Isu nguva dzose tinoedza kubatanidza Amai mukurukurirano yedu apo vanenge varipo, kuvaita nhau apo kunobvira.” Imwe mhuri yakaedza kukurudzira kuzviremekedza kwasekuru wavo kupfurikidza nokuvakumbira kuitisa kurukurirano yezuva nezuva yorugwaro rweBhaibheri.

Munhu anofanira kuvavarira nguva dzose kuchengeta murangariro wakafanira wavakwegura. Varwere vari pamubhedha vanoita pfundepfunde apo vanorangarira kuti vari kuzvidzwa kana kuti vari kubatwa noruzvidzo. “Amai vakanga vakasvinura,” akatsanangura kudaro Kimiko, uyo akagara navamwene vake vakaremara, “uye vaiziva apo ndakanga ndisina mwoyo wangu mukuvatarisira kana kuti ndakanga ndichizvidza.” Hideko aifanirawo kushanda pachimiro chake chendangariro. “Pakutanga ndakavhiringidzwa apo ndaifanira kutarisira vamwene vangu. Ndakanga ndave ndiri piona [mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha], uye ndaipotsa ushumiri. Ipapo ndakaona kuti ndaifanira kugadziridza kufunga kwangu. Kunyange zvazvo ushumiri hwapaimba neimba huchikosha, urwuwo rwakanga rwuri rutivi runokosha rwokuteerera mirairo yaMwari. (1 Timotio 5:8) Ndakaziva kuti ndaifanira kutanga rudo rukuru nokuzviisa munzvimbo yavamwe kana ndaizova nomufaro. Hana yangu yainditambudza apo ndaingoitawo zvangu zvinhu nepfungwa yomutoro. Apo ndakava netsaona uye ndairwadziwa, ndakafunga nezvavamwene vangu namarwadzo ayo vaiva nawo. Pashure paikoko kwakanga kuri nyore zvikuru kuti ndiratidze ushamwari hukuru nokuzviisa munzvimbo yomumwe.”

Vatarisiri Vanodawo Tarisiro

Kusingafaniri kufuratirwa ndiko kudikanwa kwokutaura kuonga kuuyo mutoro wokutarisira vakwegura unowira zvikurukuru. (Enzanisa naZvirevo 31:28.) Vakadzi vazhinjisa vanopfuurira kutarisira misengwa yavo vachinzwa kana kuti vasinganzwi kutaura kwokuonga. Apo tinorangarira icho basa ravo rinobatanidza, zvisinei, kutaura kwakadaro kwakafanira zvamazvirokwazvo. Ivo sezvingabvira vachava nokuchenesa, kugeza, uye kubika kwomuraudzo kwokuita. Rangarirawo nzendo dzokuchipatara kana kuti kuna chiremba, pamwe chete nokudyisa kana kuti kushamba murwere akwegura. Mumwe mukadzi, uyo akatarisira kwenguva refu vamwene vake, akati: “Ndinoziva kuti kwakaomera murume wangu kukuisa mumashoko asi, asi anondiratidza mudzimwe nzira kuti anoonga zvandiri kuita.” Mashokowo zvawo okutenda anogona kukuita kuti kuratidzike kuva kwakafanira.—Zvirevo 25:11.

Kunewo Tuso

Mhuri dzakawanda dzakatarisira vabereki vanochembera kwamakore dzinotaura kuti ikoku kwakadzibetsera kusakurira mavara echiKristu anokosha: tsungiriro, kuzvibaira, rudo rusina udyire, shingairo, kuzvininipisa, uye unyoro. Mhuri dzakawanda dzakaswedera pedyo zvikuru mundangariro. Betsero yokuwedzera ibanza rokukurukura zvikuru navabereki ndokusvika pakuvaziva zviri nani. Hisako akataura pamusoro pavamwene vake, kuti: “Ivo vaiva noupenyu hunofadza. Ivo vakatambura zvakawanda. Ndasvika pakuvaziva zviri nani uye ndadzidza kunzwisisa mavara ari mavari ayo ndisina kuziva kare.”

“Kwaiva nenguva kare ndisati ndafunda Bhaibheri apo ndaida kuwana chatanuro ndokutiza mugariro wacho,” akatsananguro kudaro Kimiko, uyo akatarisira vabereki vomurume wake nambuya vake vanorwara. “Ipapo ndakarava kuti tinofanira ‘kutarisira . . . chirikadzi mudambudziko radzo.’ (Jakobho 1:27) Ndinofara kuti ndakaita unani hwangu, sezvo zvino pasina mumwe wemhuri anogona kunyunyuta nomazvo pamusoro pezvitendero zvangu. Hana yangu yakachena.” Mumwe akati: “Ndaona nameso angu ndimene miuyo inotyisa yechivi chaAdhama uye zvino ndinonzwisisa zvinotova zvikuru kudikanwa kworudzikinuro.”

Iwe uchakurumidza kugamuchira mumwe mutezo wemhuri yenyu kumhuri yako here? Kana kuti zvichida uchave uchitama kundogara navabereki vako vakwegura here? Unonzwa rutyo here? Ikoko kunonzwisisika. Kuchava negadziridzo dzokuita. Asi uchazviwana umene uchituswa zvikuru mukutarisana nedenho yacho nenzira inobudirira.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vakwegura vanoda kunzwa vachidiwa uye vachiremekedzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe