Kakavadzano Yekare-kare Nehama Dzomuroorano
“HANDINGAGONI kushivirira kuona chiso chenyu!” Fujiko akajwiririkira vamwene vake, Tomiko. Fujiko akanga aneta nokuva anorairwa pose pose. Kunyange zvazvo akanga akwanisa kuramba akaterama pachiso, akanga achirarama mushungu. “Ndainzwa kushatirwa mukati mangu,” iye anodaro. “Ndakanga ndisati ndirini. Handati ndaigona kushivirira kurarama nenzira iyeyo zuva riri rose.”
Mumwe muchembere anogara oga bedzi muJapan anoti: “Ndakasiiwa nomwanakomana wangu nomudzimai wake. Zvino handichafanira kunetsekana pamusoro pavamwe, uye ndinorarama sezvandinoda, asi ndinonzwa ushoma apo zuva rinonyura.”
Kakavadzano yekare-kare pakati pavamwene nomuroora ndeyavose. “Nomutoo wokuzvidemba,” anotaura kudaro Dulcie Boling, mupepetinhau wamagazini yomuAustralia, “vamwe vakadzi nguva dzose vachava vane godo nomuroora wavo. . . . Hapana chaunogona kuita, kunze kwokutsungirira pasina kunyunyuta.” MuMabvazuva, kunotova nengano dzechembere dzinosiiwa mumakomo, chiito chinoparirwa navaroora vadzo.
Nhasi, iyi kakavadzano yakaoma zvikuru kupinda nakare kose. Mukuwirirana nezviverengero, nduramo iri kuwedzera, mhuri dziri kuva shoma, uye mukaha pakati pemwero wenzufu dzavarume navakadzi uri kukura. Chii chave chiri muuyo? Vakadzi vakawanda zvavanorarama kupinda mumakore avo omuma 70 nomuma 80, kakavadzano pakati pavamwene navaroora vavo yave nhangemutange inorwadza, kwete nhangemutange yamamita 100 yayaichimbova.
Ko Vakweguru Vanodei?
Pasinei hapo nekakavadzano dzakadaro, vabereki vakwegura vanoda kutarisirwa sei kana vane chisarudzo? “Kwamakore ane makumi maviri akapfuura,” anodaro Jacob S. Siegel naCynthia M. Taeuber, vanzveri musayenzi yokunyora huwandu hwamarudzi avanhu, “vose vari vaviri varume navakadzi vakanga vakakombamira zviduku zvikuru kukurarama navamwe vanhu kana ivo vakanga vasichinazve mukwanyina.” Elaine M. Brody, aichimbova mutarisiri weBato raMabasa Avanhu, anowedzera kuti muUnited States, “kurarama wakaparadzana nehama dzako dzokunyama igadziriro inodiwa pakati pavakweguru.” Kazhinji kazhinji, vana vavo vanogara pedyopo, vachishanyira, nokuvatarisira.
VokuMabvazuva vanokuda neimwe nzira. Mukuwirirana nenzvero yamarudzi ose yakaitwa neSangano Rokutarisira Nokutsinhiranisa muJapan, voruzhinjisa vavakweguru vomuJapan neThailand vanoda kugara nehama dzavo. Nzvero yakawana kuti 61 muzana yavakweguru muThailand uye 51 muzana muJapan inoita kudaro chaizvoizvo.
Chokwadika, ichi chisarudzo ndechavosewo muMadokero. Vabereki vakwegura zvikuru kana kuti ndoda vanowanzogara navana vavo. MuFrance ndokwavose kuna avo vane makore anopfuura 75 okukura vanorarama pashure porufu rwavakwanyina vavo kuti vagare nomumwe wavana vavo.
Kugamuchira Zvikonzero Zvinorwisa Nezvinopokanidza
Apo zvizvarwa zviviri kana kuti zvitatu zvinosarudza kugara muimba imwe chete, pane, chokwadika, zvimuko zvakati kuti. Vakweguru vanonzwa vakakotsekana zvikuru uye vane ushoma huduku. Chizvarwa chiduku chinogona kudzidza muchinoitika chavakweguru, uyewo pane betsero dzomugariro wemari.
Kuno rumwe rutivi, kugara pamwe chete kunogona kuparira ukama hwakatomonyana navehama dzomuroorano. Somuenzaniso, muJapan, umo vabereki vakwegura mugamuchidzanwa vanogara nomwanakomana wedangwe nemhuri yake, kakavadzano pakati pavamwene navaroora inozivikanwa navose.
Kana ukanangana nomugariro wakadaro, ungaiteiko? Mubhuku rake rinonzi America’s Older Population, Paul E. Zopf, Jr., purofesa woruzivo rwamagariro avanhu wapaGuilford College, anoti: “Mhuri inoparirawo kakavadzano nebanza rokutarisirwa kwekakavadzano. Mano okudzora kakavadzano nokubatira pamwe nomutoo unobudirira nemitezo yakwegura ungava unyanzvi hunopinda muukama hwumwe.”
Naizvozvo shandisa murangariro wakanaka wenhauyo. Kana ukadzidza kudzora kakavadzano dzemhuri, zvimwe ungava anounyanzi zvikuru pakutarisira migariro mimwe yakakombawo. Ugamuchire sedenho, uye uchava munhu ari nani zvikuru nokuda kwayo. Ngatinzverei zvinetso zvokugara nehama dzomuroorano ndokuona kuti zvinetso zvakadaro zvinogona kubatwa nazvo sei murubudiriro. Uye kunyange kana usati uchigara panguva ino mugadziriro yakadaro, unogonawo kubetserekana nokurangarira nheyo dzinobatanidzwa.
[Bhokisi riri papeji 4]
Vabereki Vakawanda Kupinda Vana
Zvino, kwenguva yokutanga munhau, mukuwirirana naSamuel Preston nyanzvi yokunyora huwandu hwamarudzi avanhu, vanyakurooranawo zvavo vana vabereki vakawanda vanopfuura vana. Nhau inonangana navazhinji vavananyakuroorana ndeyokuti vangadzikamisa sei mitoro yokutarisira mapoka maviri avabereki.