Nguva Yemberi Yorudzidziso Pakurangarirwa Kwenguva Yarwo Yakapfuura
Chikamu 21: 1900 kuchipfuurira—Nguvo Dzakasvipiswa Neropa
“Hakuna nheyo yechokwadi yakavakirwa paropa.”—Shakespeare, wezvenhetembwa nomurongi wemitambo wechiNgezi (1564-1616)
UNOYEUKA ngwavaira here yeJonestown, Guyana, yamakore 12 nemwedzi 5 akapfuura mwedzi uno? Inopfuura mitezo ine 900 yeboka rorudzidziso rinozivikanwa sePeople’s Temple yakazviuraya kakawanda, vazhinjisa vavo vanodisa, kupfurikidza nokunwa chinwiwa chemichero chakasanganiswa necyanide.
Vakatyamadzwa, vanhu vakabvunza, kuti: ‘Rudziiko rworudzidziso rwunopira zvibairo zvoupenyu hwemitezo yarwo rumene?’ Bva, ropa risina mhaka rakanga radeurwa muzita rorudzidziso kwaanenge makore 6 000. Zvisinei, muzana ramakore rechi 20, ropa rakadeurwa kazhinji uye munzira zhinji kupfuura paimwe nguva ipi neipi munhau. Ingorangarira bedzi rutivi rwoufakazi.
Zvibairo Zvavanhu Zvinopirwa Kuna Mwari Wenhema
Kubvira muna 1914, hondo mbiri dzenyika uye dzinopfuura rwisano duku zvikuru dzine zana dzakadeura gungwa reropa. Zana ramakore rakapfuura, munyori wechiFrench Guy de Maupassant akataura kuti “zai umo hondo dzakachochonywa mariri” ndiro kushingairira nyika yokwako, uko akaidza kuti “rudzi rwakati rworudzidziso.” Kutaura idi, The Encyclopedia of Religion rinoti wirirano yokushingairira nyika yokwako, urudzi, “yakava chimiro chakatanhamara chorudzidziso munyika yazvino uno, ruchifushira mukaha wakasiiwa noushati hwemipimo yorudzidziso rwegamuchidzanwa.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Kupfurikidza nokukundikana kusimudzira kunamata kwechokwadi, rudzidziso rwenhema rwakaparira mukaha wokumudzimu umo urudzi hwakanga huchikwanisa kupinda.
Ikoku hakuna nzvimbo yakwakaratidzirwa zviri nani zvikuru kupfuura muGermany yavaNazi, iyo vagari vemo vayo pamavambo eHondo yeNyika II vakakambira kuti 94,4 muzana yaiva maKristu. Kunzvimbo dzose, Germany—nzvimbo yakatangira chiPurotesitendi ndokurumbidzwa muna 1914 naPapa Pius X somusha wa“vaKaturike vakanakisisa munyika”—yaifanira kuve yakamirira zviri nani zvikurusa izvo chiKristudhomu chaizogovera.
Nomutoo unokosha, Adolf Hitler akawana tsigiro iripo pakati pavaPurotesitendi kupinda pakati pavaKaturike. Maruwa anavaPurotesitendi zvikurukuru akamupa 20 muzana yamavhoti avo musarudzo dza 1930, maruwa echiKaturike 14 muzana bedzi. Uye voruzhinjisa zvikuru nokuda kweNazi Party musarudzo dzehurumende vakanga vari muna 1932 muOldenburg, ruwa runa vaPurotesitendi vane 75 muzana.
Sezvinooneka, “mukaha wakasiiwa noushati hwemipimo yegamuchidzanwa” rorudzidziso wakanga uri mukuru zvikuru muchiPurotesitendi kupinda muchiKaturike. Kwakadaro nomutoo unonzwisisika. Dzidziso yokuregerera neyokutsoropodzwa kukuru kweBhaibheri zvikurukuru zvakanga zviri chibereko chavafundisi vavaPurotesitendi vanotaura chiGermany.
Chinokosha nomutoo wakaenzana ndeicho pakupedzisira chakasimbisa tsigiro yechiKaturike isina kutsiga shure kwaHitler. Wezvenhau wechiGermany Klaus Scholder anotsanangura kuti “kupfurikidza negamuchidzanwa chiKaturike cheGermany chakanga chine zvisungo zvakasimba zvikurukuru neRoma.” Ichiona muchiNazi dziviriro mukurwisana nechiKomonizimu, Vatican yakashingairira mukushandisa pesvedzero yayo kusimbisa ruoko rwaHitler. “Zvisarudzo zvehwaro zvakaramba zvichichinjira kuCuria,” anodaro Scholder, “uye kutaura idi chimiro chechiKaturike nenguva yemberi muThird Reich pakupedzisira chakatemwa zvizere munenge muRome.”
Rutivi rwakaitwa nechiKristudhomu muhondo dzose dziri mbiri rwakaparira kurashikirwa kwakakomba nomukurumbira. Sokurondedzera kunoita Concise Dictionary of the Christian World Mission, kuti: “Akanga asati ari maKristu akaona pamberi pawo . . . idi roufakazi hwokuti marudzi ane makore ane chiuru edzidziso yechiKristu shure kwawo akanga akundikana kudzora zvishuvo zvawo uye akanga apisa nyika yose nokuda kwegutsikano yezvishuvo zvisingadiwi.”
Chokwadika, hondo dzinokuchidzirwa norudzidziso hadzisiri chinhu chitsva. Asi mukusiana nenguva yakapfuura apo marudzi amarudzidziso akasiana-siana airwisana, zana ramakore rechi 20 nomutoo unowedzera rakawana marudzi orudzidziso rumwe cheterwo akabatwa murwisano yakakasharara. Mwari wourudzi ave achikwanisa zvakajeka kushandisa vamwari vorudzidziso. Nokudaro, mukati meHondo yeNyika II, apo vaKaturike navaPurotesitendi muGreat Britain nomuUnited States vakanga vachiuraya vaKaturike navaPurotesitendi muItaly nomuGermany, vaBuddha muJapan vakanga vachiita zvimwe chetezvo kuhama dzavo dzechiBuddha mumaodzanyemba eAsia.
Kunyanguvezvo, nemhaka yenguvo dzakasvipiswa neropa racho chimene, chiKristudhomu hachingagoni kunongedzera munwe wacho kuna vamwe mukuzviruramisa. Kupfurikidza nokureverera, kutsigira, uye padzimwe nguva kusarudza hurumende dzisina kukwana dzavanhu, maKristu okuedzesera navasiri maKristu nomutoo wakafanana vanofanira kuva nomutoro weropa rakadeurwa neidzi hurumende.
Asi rudziiko rworudzidziso rwungaisa hurumende pamusoro paMwari ndokugovera mitezo yarwo rumene sezvibairo zvezvamatongerwe enyika paatari yamwari wehondo?
“Vakaramba Vachideura Ropa Risina Mhaka”
Mashoko iwayo, akataurwa nomuIsraeri akatsauka pakutenda mazana amakore akapfuura, anoshanda kumarudzidziso ose enhema uye kuna awo echiKristudhomu zvikurukuru. (Pisarema 106:38) Usakanganwa mamirioni oupenyu hwakaurawa muKuparadzanya, ngwavaira umo machechi echiKristudhomu akanga asati ari asina mhaka.—Ona Awake! April 8, 1989.
Vafundisi veGermany vakarambawo vanyerere paimwe nhau, isingazivikanwi zvikuru, asi yakaipa zvakangofanana. Muna 1927, makore maviri pashure pokunge Hitler aratidzira mifungo yake pamusoro porudzi muMein Kampf, mupepeti wenhau weKaturike nomufundisi Joseph Mayer vakabudisa bhuku rine bvumiro yamabhishopi iro rakati: “Varwere vendangariro, mapenzi mutsika, navamwe vanhu vakaderera havachisinazve maruramiro okubereka sezvo vasina okubvirisa mwoto.” Mufundisi weLutheran Friedrich von Bodelschwingh akawana kudzivisa kubereka kwavakaremara kuchibvumirana nechido chaJesu.
Ichi chimiro chinotsigirwa norudzidziso chakabetsera kukura nzira nokuda kwe“chirevo chokuuraya nejekiseni,” chaHitler cha 1939 icho chakaparira rufu rwavanopfuura vagari vemo vakavhiringidzika ndangariro vane 100 000 uye kukuvhara kubereka kwakagombedzerwa kwavanokarakadzwa kuva vane 400 000.a
Hakuna kuitika kutozosvikira muna 1985, makore 40 pashure pomugumo wehondo, kuti vakuru vakuru vorudzidziso veChechi yeLutheran muRhineland vabvume pamhene, kuti: “Chechi yedu haina kushora zvakasimba zvikuru kuvhara kubereka kwakagombedzerwa, kupondwa kwavarwere uye vanhu vakaremara, uye kuitwa kwokunzverwa kwemishonga kwoutsinye pavanhu. Tinokumbira ruregerero rwavakuvadzwi vachiri vapenyu norwehama dzokunyama dzavo dzakapukunyuka.”
Ndokwechokwadi kuti nhimbe yokuuraya nejekiseni yehurumende yakaderera mumwero wakati kuti pashure pokunge bhishopi weKaturike weMünster akurukura denho yehurukuro inobaya pana August 3, 1941, achiidza muitirowo kuti kuponda. Asi neiko kwakatora mwedzi 19 uye nzufu dzine 60 000 kushora kwapamhene kusati kwanzwiwa?
Mhaka Yeropa Yorudzidziso
Marudzidziso mazhinjisa anotaura kuti anoremekedza upenyu uye kuva anofarira kutaviridzira vanhu pakuvadziko. Asi vafundisi vanoramba vachinyevera mapoka avo nezvengozi dzokunyama dzinobatanidzwa mukusvuta fodya here; mukushandiswa zvisakafanira kwemirimo, kubatanidza zvinwiwa zvinodhakisa; mukupinzwa kweropa mumuviri; uye mumadiro evatano? Chinokosha zvikuru, vanoshora aya mabasa enyama sezvinoita Bhaibheri here, vachitsanangura kuti iwo anogona kusatibvumira tendero yaMwari?—Mabasa 15:28, 29; VaGaratia 5:19-21.
Chokwadika, vamwe vanodaro. Uye Chechi yeKaturike pamwe chete namachechi mazhinji Anorangarira Bhaibheri Sezvariri Chaizvoizvo anoratidzira ruremekedzo nokuda kwoupenyu kusvikira kutambanuko yokuramba kubvisa nhumbu sokudeurwa kweropa risina mhaka. Bva, mutemo wokubvisa nhumbu weItaly yeKaturike ndimumwe wemitemo yokuregerera zvikuru yeEurope.
ChiBuddha chinoshorawo kubvisa nhumbu. Asi muJapan mugore rimwe bedzi, kune 618 000 kwakaitwa sezvinoshumwa, kunyange zvazvo 70 muzana yechiverengero chavagari vemo ichiomerera kuchiBuddha. Ikoku kunomutsa mubvunzo, wokuti: Tinofanira kusarudza rudzidziso pahwaroi, kupfurikidza neizvo vakuru vakuru varwo navamwe vavafundisi varwo vanotaura here kana kuti kupfurikidza neizvo chiverengero chikuru chemitezo yarwo iri muchimiro chakanaka inoita here?
Mumwe muenzaniso wokukundikana kunyevera wakaipa une chokuita nokuverengwa kwenguva uye kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri. Zvose zviri zviviri zvinoratidzira kuti muna 1914 Umambo hwokudenga hwaMwari hwakagadzwa musimba raJesu Kristu.b Kunyange zvazvo chiKristudhomu chichichengeta zuva rokuberekwa rinofungidzirwa raKristu December ari wose, vafundisi havasati vachamuparidzirazve saMambo anobata ushe sezvo vatungamiriri vechiJudha vasina kumugamuchira saMambo Akasarudzwa mazana amakore 19 akapfuura.
Vafundisi, pasinei hapo nepesvedzero ipi kana ipi, vanokundikana kunyevera nezvemiuyo yokusateerera mitemo yaMwari yetsika neyokuramba kuzviisa pasi poUmambo hunobata ushe hwaMwari, mukuwirirana naEzekieri 33:8, vari kututira mhaka yeropa pavari vamene. Kunyarara kwavo hakuna chakunoita kunze kwokumira vakapeta maoko apo mamirioni eboka ravo anova nemhaka yeropa.
Nokudaro, kupfurikidza nokusvipisa nguvo dzarwo neropa risina mhaka, rudzidziso rwenhema rwakaramba ropa rakadeurwa rinopa upenyu raKristu Jesu. (Ona Mateo 20:28 uye VaEfeso 1:7.) Nokuda kwechikonzero ichecho, ropa rakasvipisa nguvo dzorudzidziso rwenhema nokukurumidza—nokukurumidza zvikuru—richava raro rimene!—Zvakazarurwa 18:8.
“Rudzidziso Rwenhema—Rwakurirwa Nenguva Yarwo Yakapfuura!” haruchawani rupukunyuko. Ngatirege chinyorwa chedu chinotevera chitsanangure.
[Mashoko Omuzasi]
a Ichi chinenge chiyeuchidzo “chavaroyi” vanokarakadzwa vane 300 000 kusvikira kuvane 3 000 000 avo, kuvambira muzana ramakore rechi 15, vakaurawa nechikomborero chapapa.
b Ona Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano, ganhuro 16-18, rakabudiswa muna 1982 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi riri papeji 30]
“Rudzidziso, mumativi mazhinji enyika nhasi, rwava mubetseri wechinjo . . . Runopfuurira kukuchidzira kuuraya kuChamhembe kweIreland kungofanana napanyika duku yeIndia nomuPhilippines.”—The Encyclopedia of Religion
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mhaka yeropa yorudzidziso rwenhema yomunguva yakapfuura, seinoratidzirwa pamufananidzo wakavezwa padanda womuzana rino ramakore rechi 15 wokupiswa kwavazhinjisa vasiri vatendi, idukusa zvikuru pakuenzanisirwa nechinyorwa charwo mukati mezana ramakore rechi 20
[Mifananidzo iri papeji 30]
Mabhero echechi eGermany akanyunguduswa nokuda kwamadonzo ehondo mukati meHondo yeNyika I
[Kwazvakatorwa]
Bundesarchiv Koblenz