RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 7/8 pp. 15-17
  • Ndinofanirireiko Kuteerera Mai naBaba?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanirireiko Kuteerera Mai naBaba?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Vabereki Vachigadza Mirau?
  • Pakunenge Kwakaoma Kuteerera
  • Ukoshi Hwokuteerera
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinofanirireiko ‘Kukudza Baba Vangu Naamai Vangu’?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Pamba Panombofanira Kuva Nemitemo Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndingataura Sei Nevabereki Vangu Nezvemitemo Yavanondipa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 7/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanirireiko Kuteerera Mai naBaba?

JOHN navasikana vaviri vaanofunda navo vakamira pamberi pegomba guru riri pafenzi rakanga ravakirwa kudzivisa kupinda mumugwagwa mukuru wakabatikana une mitsetse mitanhatu. Motokari zvadzakanga dzichipfuura nesipidhi huru, vasikana vaviri vakagadzirira kudarika nokukurumidza mugwagwa kuti vasvike kumba nokukurumidza.

“Uya, John,” vasikana vakakurudzira kudaro. “Iwe uri kuenda nesu, hauzati here?” John akatanga kuvatevera. “Ipapo ini ndakayeuka kuti mai vangu nababa vakanga vandiudza kusatongodarika mugwagwa iwo umene asi kugaroshandisa nzira inopfuura napamusoro.”

Achicherekedza kuzengurira kwaJohn, mumwe wavasikanavo akashora, achiti: “Iwe uri mbwende!” Mashokowo akamubaya mwoyo. John, uyo akanga asingatyi, akavenga kuita kuti vasikana vaviri vamufumure.

Zvibvunze iwe umene, ‘Kudai ndakanga ndiri John, ndaizodai ndakaitei?’ Iye akanangana nokudukupiswa pamberi pavezera rake kudai iye asaizogamuchira kokero yavo. Murairo bedzi wavabereki vake—vakanga vasati varipo—wakapinganidza.

Mukusapanikira vabereki vako nenzira yakafanana vakagadza nhungamiro dzakati kuti dzavanokukarira kuteerera. Mirau yakadaro ingafukidza husati huri hutsanana bedzi, basa rinoitirwa kumba, ganhuriro, namarudzi evaraidzo asi mufambiro netsika. Kunyange zvazvo zvakadaro, dzimwe nguva vaduku vanoedzwa kufuratira mirau yavabereki. Asika funga . . .

Neiko Vabereki Vachigadza Mirau?

“Mwanakomana wangu [kana kuti mwanasikana],” akanyora kudaro mubereki akachenjera, “chengeta mirairo yangu ungopfuurira kurarama.” (Zvirevo 7:1, 2) Hungu, mirau, “mirairo,” yomubereki inoitirwa betserwo yako. Iyo ndiko kuratidzirwa kworudo chairwoirwo rwomubereki wako nokuitira hanya. Zvamazvirokwazvo, kushaikwa kwenhungamiro dzakatsiga nemirau kunoparira kusachengeteka.

Somuenzaniso, imwe pwere yakanyora, kuti: “Vabereki vangu . . . vanondirega ndichiita chinhu chipi nechipi. Ndine chokwadi chokuti vechiduku vazhinji vaizokuda kudai vabereki vavo vaizovarega vachiita chipi kana chipi chinovafadza. Eya, hakuzati kuchisetsa. Kunondiita ndinzwe ndine mhaka uye ndisina maturo. Ndinotyira kuti rimwe raaya mazuva ndichaita chimwe chinhu chinotyisa. Kufunga nezvako kunondiita kuti nditye.” Iyi pwere ine chikonzero chakanaka chokuva inotya. Mune zvimwe zvinoitika, kukundikana kwavabereki kuisa mirairo iri madikanwa kwakaparira ngwavaira.

Somuenzaniso, rimwe jaya rakaroverera motokari yababa varo katatu. “Kuri pachena kuti mwanakomana wako haagoni kuchaira,” mutarisiri webasa wababa vake akataura kudaro pakunzwa nezvetsaonadzo. “Neiko uchipfuurira kumurega achishandisa motokari yako?” Baba vakapindura kuti iye akanga asingadi kukuvadza kunzwa kwomwanakomana wake kupfurikidza nokumurambidza kuchaira. Naizvozvo iye akapazve mukomana makiyi emotokari—nokuda kweiyi nguva yokupedzisira.

Maminiti ana makumi maviri pashure pokunge mwana aenda, baba vakagamuchira runhare runobva kumapurisa. Vakanga vachivada kuuya ndokuratidzira mutumbi wakakuvadzwa womwanakomana wavo. Mukuwirirana namapurisa, mwanakomana akanga aroverera bango rorunhare pasipidhi inopfuura mamaira 100 paawa! “Ndaifanira kudai ndakamudzivisa,” vakachema kudaro babavo. “Kudai ndakanga ndine rumano iye aizodai ari mupenyu nhasi.”

Asika mirau inoita zvakawanda zvinopfuura kukutaviridzira pakuvadziko. Kupfurikidza nokukuraira kuita mabasa apamba nebasa rinoitirwa kumba rechikoro, vabereki vako vari kukudzidzisa kuita basa rakaoma. Ikoko kunokosha sei? Eya, imwe fundo yavakomana vachikuyaruka 456 yakaenzanisira upenyu hwaavo vakakudziridza mano okuita basa mukati mouhwana naavo vasina. Vanzveri vakarangarira zvinhu zvakadai sokuti vakomana vaigaroita mabasa apamba uye vachisanotora rutivi muchikoro. Makore 30 gare gare, vakomana ivavo vazhinji vakaonwazve.

Vakomana ivavo vakakwirira pamano ebasa vakaratidzika kuva vane ukama chaihwoihwo navanhu vazhinji kupinda avo vari vakaderera. Ivo sezvinobvira vaizova vanosanoripirwa nokuda kwebasa ravo rokunyika nakanopfuura kashanu. Kuno rumwe rutivi, avo vaibudirira zvishoma pabasa muuhwana sezvinobvira vave vasingakwanisi mundangariro nakane gumi uye nakatanhatu sezvingabvira vaizove vafa pazera ramakore 47! Nokudaro, kuteerera vabereki vako pamusoro pamabasa apamba nebasa rechikoro kungatapura nomutoo unobetsera humwe hwasara hwoupenyu hwako.

Pakunenge Kwakaoma Kuteerera

Mune zvimwe zvinoitika, kungangova bedzi kuregeredza kunoparira kuputsa murau. Ungada panhambo nenhambo kuzviyeuchidza iwe umene nezvemirauyo. Uyewo, kucherekedza vamwe vabereki vanoregeredza kungakuita kuti urangarire kuti, ‘Nei ini ndisingagoni kukuitawo?’ Yeukaka, vabereki vako vanotofanira kukoshesa zviri zvakanakisisa nokuda kwako. Kana vamwe vabereki vachinyanyoregeredza, vose vari vaviri ivo navana vavo pakupedzisira vachakohwa chibereko chezvinetso zvakakomba, nokuti “chipi kana chipi icho munhu anodyara, iye achachekawo ichochi.” (VaGaratia 6:7, 8) Kukumbirirei kucheka chinhu chimwe chetecho?

Padzimwe nguva, mumwe mubereki angagadza murau nokuzvidira waunorangarira kuti hauna kunaka. Muitiro ndowokusateerera. Asika panguva yakarurama, huregererei kutaura mirangariro yako navabereki vako, uchitsanangura chikonzero nei uchifunga kuti murauwo hauna kunaka. Ungakuwana kuchibetsera zvikurusa kurangarira murau mutsva ungagona kuva unoshandiswa. Zvisinei, mune zvimwe zvezvinoitika chisakiso chokusateerera ndihwo upfini.

Mumwe musikana wezera ramakore 17 akanzwa achinetseka mundangariro nokuda kwokusakendenga kwavabereki vake, vakanga vakanyanyobatikana nokupopotedzana kwavo vamene. Achishatirirwa vabereki vake, iye akanga akatsunga kuputsa nheyo dzeBhaibheri idzo vabereki vake vakanga vasimbisa. Iye akaita ufeve nomurume waakasangana naye achifamba nechitima. “Ndakarangarira kuti ndakanga ndine ngava yakwo kuna vabereki vangu,” iye akadaro gare gare. Asi kupfurikidza nokuita chiito noupfini, iye akava murasikirwi chaiyeiye, nokuti hasha dzake dzakaparira hana yakatsva. Pashure pakwo, iye akavamba kudarika makirasi echikoro ndokubatanidzwa mune zvose zviri zviviri kushandisa zvisinokufanira nokutengesa mirimo.

Murume akarurama Jobho akanyeverwa, kuti: “Chenjera kuti kutsamwa hakuzati kuchikunyengedzai kupinda mu[zviito] zvoupfini . . . Zvirindei kuti murege kutendeukira kune chinhu chinokuvadza.” (Jobho 36:18-21) Paunova nomurangariro woupfini, mira ndokufunga, kuti: ‘Ko kusateerera kwangu kuchapedzei? Kunyange kana ndikaputsa mirau kuti ndikuvadze vabereki vangu, ko ini sezvinobvira ndichatofanira kurarama nemiuyo kwenduramo here—nguva refu pashure pokunge ndangariro yangu yaterama?’ Panzvimbo pokuita noupfini, inguva yokuramba wakateramwa ndokusaita nechimbi-chimbi.

Pakupedzisira, nguva yokuyaruka inguva apo pwere dzinowanzozivisa kuzvimirira kwadzo. ‘Imi munondibata somwana. Neiko musingandirege ndichizviitira mutoro wangu nokuda kwebasa rangu ndimene rinoitirwa kumba, kamuri, ganhuriro, chitarisiko, shamwari, nenguva yokurara?’ Pwere zhinji dzinonzwa dzichikwanisa zvizere kuita mirau yadzo dzimene. Asika John adudzwa pakuvamba-vamba akadzidza . . .

Ukoshi Hwokuteerera

“Handine mhaka kunyange mukandiidza kuti ‘mbwende,’” akadaro John kuna vasikana vaviri. “Ndinotofanira bedzi kuteerera mai vangu.” Apo vasikana vakamhanyira kudarika mugwagwa, John nomutoo wokuteerera akashandisa nzira. Achingunoyambuka, akanzwa kukwereredza kwamataya. Achitarisa pasi, akaona vasikana varoverwa ndokukandirwa mumhepo. Mumwe akandowira muno mumwe mutsara wemotokari uko iye akarohwazve ndokufa. Gumbo romukoma wake rakanga ravhunika uye gare gare rakabviswa.

Iyi ngwavaira yakajekesera John kuti ruzivo rwake amene rwokuzvionera rwakanga rwakaganhurirwa. Iye akanga aona dzimwe pwere zhinji, kubatanidza navasikana vaviri, vachikurumidza kudarika mugwagwa pasina ngwavaira. Zvisinei, mai vake vakasanoyeuka kuti, makore mashanu apakutanga-tanga, mwana womumwe weshamwari dzake akanga aurawa achiedza kumhanya achiyambuka mugwagwa mumwe chetewo. Nemhaka yoruzivo rwake rwokuzvionera rwakapamhama, iye akaita mirau yokutaviridzira mwanakomana wake.

Mai vaJohn Thelma, gare gare vakashanyira mai vavasikanavo kundovanyaradza. Mai vanotambudzika vakatsanangura, kuti: “Nguva dzose ndaiudza vasikana kugaroshandisa nzira inopfuura napamusoro, asi havazati vaizoteerera. Vaisarudza havo kufamba. Ndinoshuva kudai ivo vakanga vave vachiteerera somwanakomana wako.” Hungu, kuteerera kwaJohn kungave kwakaponesa upenyu hwake.

Chokwadi, haizati iri nguva yose apo murairo wavabereki unoputswa pakunova nhau youpenyu kana kuti rufu. Nokungwara kuduku, padzimwe nguva iwe unogona kusateerera chaizvoizvo murau uri wose unogadzwa navabereki vako. Asi kusateerera muzvirevo zviduku kungava mutoo uri wakaoma kuchinja. Mwoyo wako ungava mukukutu mukuita chakaipa.—Muparidzi 8:11.

Kuteerera kwaJohn hakuna kutsamira pakuti vabereki vake vaimuona, nokuti iye aiziva kuti Mwari akaraira kuteerera kwakadaro, uye iye aida kumufadza, nokudaro ndokuva nehana yakanaka. (VaEfeso 6:1) Kuteerera kwakadaro kunofanira kubva pamwoyo. Mumwe mubereki akachenjera akapangira mwana wake, kuti: “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu. Chengeta mirairo yangu ndokupfuurira kurarama.”—Zvirevo 4:4.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Ko unofanira kurangarira sei mirau yavabereki vako?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe