Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kubatira Mwari Kana Vabereki Vangu Vachindishora?
IVO vakarohwa, vakatyisidzirwa uye vakatambudzwa, uye pakupedzisira vakamanikidzirwa kutama pamusha. Manyuko ouku kubatwa kusina kufanira? Mitezo yemhuri yavo vamene. Ikoko kwakanga kuri chinoitika chaKamal, Chani, naJaswinder, mukoma navanin’ina vokuIndia vaigara kuEngland. Ivo vaida kuva maKristu, asi vabereki vavo—zvamazvirokwazvo mhuri yavo yose—yakashora zvikurukuru kurega kwavo zvitendero zvegamuchidzanwa zvorudzidziso.
Zvimwe iwe uri mumugariro wakafanana. Kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, iwe wakakudziridza chishuvo chokuva mumwe ano‘namata Baba nomudzimu nezvokwadi.’ (Johane 4:23) Kunyange zvazvo zvakadaro, kungava kwokuti vabereki vako vakaodzwa mwoyo norudzidziso kana kuti kutenda kwako kuchangobva kuwanwa kunorwisana nezvitendero zvavo zvavakava nazvo kwenguva refu zvorudzidziso. Chipi kana chipi chingava mugariro, hakuzati kuchifanira kukukatyamadza kuti chishoro chemhuri chiripo. Jesu iye amene akaporofita kuti chiKristu chechokwadi chaizokamuranisa munhu kazhinji kazhinji. (Mateo 10:34-37) Mubvunzo ndouyu, Asika unofanira kubata sei nomugarirowo?
Kamal, Chani, naJaswinder vakashinga nokuda kwenheyo dzapaMagwaro dzavakanga vachidzidza. Ivo vaikwanisa kunamata norusununguko bedzi pashure pokunge ivo vamene vatama muMidlands nenzvimbo dzokuitwa kwamabasa vachienda kurutivi rwokumaodzanyemba rweEngland. Zvisinei, zvimwe iwe uchiri anotarisirwa pamutemo navabereki vako. Ipapoka, chii chaunogona kuita, uchingunoveri kugara pamusha, kukurira chishoro chinobva kuna avo vaunoda? Bhaibheri rinopa nheyo dzakati kuti dzinotungamirira.
Chengeta Chimiro Chendangariro Chokuremekedza
Pana 1 Petro 3:15 Bhaibheri rinotikurudzira kugovera kutenda kwedu “nechimiro chounyoro noruremekedzo rukuru.” Asika, ungava hako une mbavarira zvikuru pamusoro pezvokwadi dzichangobva kudzidzwa dzeBhaibheri zvokuti unokombamira kukuva anoshingirira kana kuti anogombedzera pamusoro pezvitendero zvako, zvimwe kunyange kuita kuti vabereki vako varatidzike kuva mafuza. Hakuna munhu anoda kuratidzika kuva asingazivi. Naizvozvo kana uchipfuurira kururamisira vabereki vako somuuyo wezvinhu zvawakadzidza, karira kuita kusina kunaka kwavari.
Rita, wechiduku anogara muGermany panguvayo anobvuma, kuti: “Chinhu chiri chose chandakadzidza ndakachiudza vabereki vangu pakarepo, chokwadika kuvaudza kuti icho ivo vaidavira chakanga chisina kururama.” Asika vabereki vana maruramiro nemifungo yavo vamene nezvitendero pasina kuva vanotsoropodzwa—zvikurukuru navana vavo vamene. Anobvuma kudaro Rita: “Ndaifanira kudai ndaivaremekedza zvikuru uye ndaifanira kudai ndakabvuma zvitendero zvavo vamene kuna Mwari.”
Pauro akaudza jaya Timotio kuti iye aisafanira “kusatsoropodza zvakakomba munhu akura.” Ko ikoko hakuzati kwaizoshanda pamusha here, kuna vabereki vako vanokuda?—1 Timotio 5:1.
Teerera Vabereki Vako
“Vana, teererai vabereki venyu,” rinoraira kudaro Bhaibheri. (VaEfeso 6:1) Kay akatevera iyi nheyo. Iye akaonana neZvapupu zvaJehovha apo iye akanga achingova bedzi namakore masere ezera. Kay anoti: “Vabereki vangu vakatirera kuva vanoshivirira vamwe, naizvozvo, ivo vakandibvumidza kufunda Bhaibheri nokuenda kumisangano.” Kunyange zvakadaro, Kay aitofanira kubata nesimba kusimbisira kuti zvose zvaaitaura nokuita zvairatidzira zvakanaka pakutenda kwake.
“Pandakatanga kusonganirana navanhu vaJehovha,” Kay anotsanangura kudaro, “ndakaziva kuti kudai ndakanga ndisingateereri, vabereki vangu havasati vaizokuda bedzi asi ivo havazati vaizoona zvokwadi sepesvedzero yakanaka kwandiri. Naizvozvo kana ndaikumbirwa kundorasha kunze marara, kuva pamusha nenguva yakati kuti, kurovedza piyano, kana kuti chipi nechipi, ndaizoedza kuteerera zvakanakisisa sezvandaigona. Handizati ndaizotaura nokuvirima.”
Vabereki vaKay havana kutongova nezvitendero zvake. Zvisinei, nokuda kwokuteerera kwake iye akanga achikwanisa kushandisa kutenda kwake pasina chishoro, achiva muKristu akabhapatidzwa pazera ramakore 19.
Kurukura Navabereki Vako
Akadaro Mambo akachenjera Soromoni: “Ini ndakabvumikisa kuva mwana chaiye wababa vangu, munyoro uye mumwe bedzi pamberi pamai vangu.” (Zvirevo 4:3) Hungu, idi rokuti vabereki vako havazati vachiva nokutenda kwako harizati richavaita vavengi vako. Unotofanira kutamburira kuva “mwanakomana chaiye” kana kuti mwanasikana. Edza kunzwisisa kuvadziko yavo huru pamusoro pokuronda kwako kutenda uko kunoratidzika kuva kwechienzi kwavari. Panguva imwe cheteyo, govera norusununguko mirangariro yako uye kuitira hanya kwako navo. Chokwadi, nokuti mifungo yako zvino yotungamirirwa nenheyo dzeBhaibheri, ungava akasiana navabereki vako pane zvimwe zvirevo.—1 VaKorinte 2:14.
Somuenzaniso, rimwe jaya rinonzi Alan rakanga richida kupedzera nguva yakawanda muushumiri hwechiKristu. Kunyange zvazvo zvakadaro, vabereki varo vakanga vachida kuti iye apfuuridzire dzidzo yake yapakoreji. Alan anoyeuka, kuti: “Ndinofunga kuti ndakanga ndichiti ityei pamusoro pokunangana nababa vangu pamusoro pechisarudzo chikuru chakadaro. Naizvozvo ndakasarudza hangu kuregera chikoro chinyararire—uye ikoko kwakaparira zvimwe zvinetso zvakawanda zvikuru. Ndaitofanira kushanda nesimba pashure pako kuwedzera kuvimbana kwedu, nepo kudai ndakanga ndatsanangura rongedzero dzangu, kunyange zvazvo kungadai kwakava kwakaoma zvikuru pakuvamba, ndinofunga kuti vaizodai vakandiremekedza zvikuru, uye ndaizodai ndakadzivisa matiri isu tose tiri vaviri kurwadziwa mwoyo kukuru.”
Asi chii chakasakisa Alan kuva anozengurira zvikuru pakutaura navabereki vake? Iye anobvuma, kuti: “Kunobvira kukudziridza chitambudzo chikuru apo vabereki vanodzivisa chimwe chinhu chatingada kuita. Tingafunga hedu kuti: ‘Izvi ndizvo zvandakadzidza pamusoro pazvo! Munhu anorwisana nababa vake; vavengi vake, vanhu vomuimba yake amene!’” (Mateo 10:35, 36) Alan akadzidza nenzira yakaoma kuti vabereki havasati vachida kubatwa savavengi. Iye zvino anopangira, kuti: “Kurukura! Vaite kuti vazive kunzwa kwako. Ndinofunga kuti vabereki vazhinjisa vachateerera—kana vakaona kuti huchokwadi huripo chaizvoizvo.”
Kunyange uchifanira kuva akatsiga nokuda kwenheyo dzoumwari, “kana kuchibvira, chero bedzi kuchitsamira pamuri, ivai norugare navanhu vose.” (VaRoma 12:18) Kupfurikidza nokuita kuti vabereki vako vazive manzwire aunoita chaizvoizvo pamusoro penhau dzakati kuti, kazhinji kazhinji kukakavadzana kunogona kudziviswa kana kuti kuderedzwa. Chokwadika, kana padzimwe nguva vabereki vako vachiomerera pakutora kwako nzira yakati kuti yechiito, zvamazvirokwazvo vateerere chero bedzi nzira yakadaro isati ichirwisana nenheyo dzeBhaibheri. Panzvimbo pokuva anochinjika, “itai kuti kuva nomufungo kwenyu kuve kunozivikanwa.”—VaFiripi 4:5.
Wana Tsigiro yamaKristu Biyako
“Teerera baba vako vakaparira kuberekwa kwako, uye rega kuzvidza mai vako,” inodaro Zvirevo 23:22. Kunyange zvakadaro, padzimwe nguva vabereki vako vasingatendi vangava nechinetso mukunzwisisa fariro dzako. Somuenzaniso, mumwe wapamberi powechiduku anonzi John akaedza kukurukura nheyo yeBhaibheri nababa vake. Mhinduro yababa vake? “Ini handidi kutsamira paBhaibheri kana kuti pasangano, naizvozvo iwe uri woga!”
Asika iwe hauzati uri woga bedzi zvamazvirokwazvo. Jesu akapikira kutsigirwa kwe“hama nehanzvadzi” dzomudzimu neungano yechiKristu. (Marko 10:30) Kay, adudzwa pakuvamba-vamba, akawana ikoku kuva kwechokwadi muchinoitika chake. “Hama dzangu nehanzvadzi dzechiKristu,” iye anoyeuka kudaro, “dzakava semhuri yangu.” Pasinei hapo namadirwe aungaitwa, hakuzati kuri kuti mumwe munhu upi noupi anogona kutsiva mumativi ose mubereki chaiyeiye. Asika, mukati meungano tinogona kuwana avo vanova vanotida—samadzibaba navanamai—uye avo vanogona kutipa zano rinokosha nepangiro.—Enzanisa 1 VaKorinte 4:15.
Chengeta Murangariro Wakarurama!
Sezvinobvumwa, kunyange kupfurikidza nebetsero yezano riri pamusoro apa, mukusapanikira, uchawana mugariro wako wakasiana zvikuru. Asika yeuka: Zvose zviri zviviri vanhu nemigariro zvinogona kuchinja! Hanzvadzi nhatu dzechiIndia dzadudzwa pakutanga-tanga dzinoshuma, kuti: “Nokuda kwokutsiga kwedu nechimiro chendangariro chokuremekedza, zvino tinofarikanya ukama hunofadza nemhuri yose.” Mumwe musikana wechiNgezi anonzi Jane nenzira yakafanana anonyora, kuti: “Ndaitofanira kuparapatika nguva zhinji nokurwira zvokwadi, asi zvino vabereki vangu vanogamuchira nyore nyore zvitendero zvangu somuKristu wechokwadi, uye ndinotarisira mberi kukuva ndinobhapatidzwa nokukurumidza.”
Mune zvimwe zvinoitika vabereki, vachisundwa nemienzaniso yakaisvonaka yavana vavo vamene, ivo vamene vakava vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha! Naizvozvo kunokubvirira kuwana ruremekedzo nokuda kwenzira yako youmwari ndokuva muenzaniso kusati bedzi kuchingova ku“vakatendeka” asiwo kuna avo vaunoda pamusha. (1 Timotio 4:12) Usanete mukutsunga kwako kubatira Mwari. Mumunyengetero tevedzera zvikarakadzo zvaitwa pano, uye tsamira pana Jehovha. Wezvamapisarema akasimbisira, kuti: “Isa nzira yako pana Jehovha, uye tsamira paari, uye iye amene achaita chiito.”—Pisarema 37:5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Vabereki vasingadaviri padzimwe nguva vane chinetso chokuwana revo dzefariro dzepwere yechiKristu
[Mufananidzo uri papeji 12]
Vakadzi ava vatatu vechiduku vakatsiga mukutenda kwavo kwechiKristu pasinei zvapo nechishoro chemhuri