Kurwisa Kwangu Kwokusiya Upenyu Hwamasimba Masimba
KWAMAKORE masere ini ndakanga ndiri mutezo webandiko rinosanozivikanwa remidhudhudhu. Mapoka iwawa mazhinji haazati achisanofambidzana namamwe mabandiko emidhudhudhu, uye anova nokurwisana kunopfuurira. Humwe usiku chiverengero chikuru chedu chakanga chiri pakati peNew Orleans chichitsvaka bandiko rokurwisana naro kunze kwetaundi. Takanga tine shungu yoku“rovesanisa misoro mishomanene” kururamisa mimwe mitsaukano yataiva nayo.
Rimwe boka rakanga risingawaniki kunzvimbo yose, naizvozvo takapamukana ndokuenda nzira dzedu dzakaparadzana. Zvisinei, vamwe vakagara pabhawa, apo kurwa kwakagundika namatikitivha. Vakuru vakuru vakatanga kupfura ndokukuvadza mumwe weshamwari dzedu. Ini ndakanga ndigere mubhawa riri pedyopo rakanyarara rekare apo ini ndakanzwa zvakanga zvaitika. Handina kuziva kana shamwari yangu yakanga iri mhenyu kana kuti yakanga yafa, naizvozvo ndakaenda kuchipatara kundowana. Nokukurumidza pandakasvika, mumwe murume akandinongedzera, achidanidzira kuti, “Iye anga ari mumwe wavo! Mubatei!” Kunyange zvazvo ndakanga ndisina kubatanidzwa mukurwako, ndinofunga kuti zvandaiva nevhudzi refu nendebvu, isu tose tairatidzika kuva vakafanana kwavari. Zvisinei hazvo, vakandibata, uye ndakazoguma ndava mutorongo kwamavhiki anoverengeka. Asika ko ini ndakambotanga sei muna aya mararamiro amasimba masimba? Regai ndidzokere shure kuuhwana hwangu.
Rudo Pakuona Kwokutanga
Vabereki vazhinji vaizoodzwa mwoyo kana vakaona vana vavo vachiva vanobatanidzwa muno urwu rudzi rwoupenyu, uye ikoku kwakanga kuri kwakaitika chaizvoizvo kuna mai vangu nababa. Ivo vaiva nomutsa asi vakatsiga kwandiri uye vaidavira chirango.
Chinetso changu chakatanga mugore rokupedzisira rechikoro chapamusoro apo ini ndakatanga kupandukira chiremera chavabereki vangu uyewo kuvamba kunwa zvikuru. Rimwe zuva, ndichingunoveri ndimire pamberi penhanho dzechikoro chedu chapamusoro, ndakaona chimwe chinhu chaizosiya mufungo mukuru pandiri kwamakore anouya. Mudhudhudhu wakapendwa nechrome, wakapendwa zvinon’animira, “Harley Chopper” wakapfuura, uchiratidzika kuva unombeya napamberi pangu. Mutasvi akaratidzika sokunge kuti iye akanga asina hanya munyika. Ndakada zvimudhudhudhu panguva iyeyo zvichienda mberi!
Gare gare gore irero pashure pokunge ndakunda pachikoro, ndakashandisa mari dzandakawana nokushanda nesimba kubvira pamakore angu oupwere ndokutenga mudhudhudhu mukuru wechiNgezi we 750 cc. Mumadziya iwawo ndakagura nomunyika dzomumadokero dzapakati pokumadokera, ndichigumira muIowa, uko ini ndakapinda koreji.
“Mhuri” Yemidhudhudhu
Hondo yeVietnam yakanga ichirwiwa, uye nokuda kwedu isu majaya mazhinji, yakanga iri nguva yakaoma muupenyu hwedu. Mufungo wokuenda kuhondo ndokuuraya wakanga uchisembura kwandiri. Asika, kudai ndakanga ndisina kugara mukoreji, ndikwo kwandaizoveri ndiri—kupfurikidza negombedzero. Ini ndakasarudza kuratidzira mifungo yangu mukutsutsumwa, pamwe chete nedzimwe pwere dzakaodzwa mwoyo. Ndakakumbanira boka rokuramba hondo, asika misangano yavo yakanga isina kurongeka zvikuru. Pashure penguva pfupi, ndakaziva kuti boka iri haringachinji tsika ndokuparira migariro iri nani zvikuru. Ipapo ndakarangarira kukumbanira rimwe boka asi ndokuwana kuti rakanga richibatikana mune zvimwe zviito zvamasimba masimba. Ikoku kwakaratidzika kuva kusina kururama kwandiri—kushandisa masimba masimba kutsutsumwira masimba masimba.
Mukati menguva yangu mukoreji, ndakaziva nezvounyengeri hworudzidziso. SomuKaturike, ndakanga ndadzidziswa kuti avo vaiita zvinhu zvakashata vaizotambura nokusingaperi muhero yomwoto pavanofa. Kwandiri kwakaratidzika kuti vanhu vashomanene vaigona kuva vatsvene zvikuru muupenyu hwavo zvokuti vaizoguma nokuenda kudenga. Hakuna kuita mufungo kwandiri apo ndakadzidza kuti chechi yose zvayo yaitendera nezvokuenda kuhondo kundorwa ndokuuraya vanhu. Ndaodzwa mwoyo, ndakarega kupinda minamato yechechi ndokuzvirangarira ndimene kusachitongovazve rutivi rweChechi yeKaturike. Mukutsvaka nzwisiso yakawanda, ndakaita fundo muuzivi hworudzidziso. Mudzidzisi wangu akazoratidzika kuva wezvokusadavira Mwari uye akatidzidzisa kuti sezvo kusina Santa Claus, naizvozvo hakunawo Mwari!
Zvinhu bedzi zvakaramba zvichipfuurira mukati menguva iyi zvakanga zviri zvokunwa kwangu zvikuru nokutasva kwangu mudhudhudhu. Ndaodzwa mwoyo nekoreji noupenyu hwose zvahwo, ndakatamira kuNew Orleans, pakati pokuMaodzanyemba. Muno ndakasangana neboka ravamwe vakanga vachironda zvinhu zvimwe chetezvo zvandakanga ndichironda. Vazhinji vavo vakanga vachinyangadzwawo nenzanga. Vakandidzidzisa zvinhu zvizhinji zvinobatanidzwa mukuita mudhudhudhu; vakandiwanira basa uye vakanditarisira pandairwara. Kwakanga kuri uku kuitira hanya kwakandiyevedzera kwavari seboka.
“Mhuri” yedu yakawedzera kusvikira kukubatanidza mapoka anobva mumaguta omuUnited States mose. Nguva yamadziya yakatiwana tichitasva midhudhudhu yedu muMidwest mose, kusvikira kuchamhembe kuMinnesota neWyoming, kusvikira kumaodzanyemba kweCalifornia, uye kunyange muMexico. Ndakashanyira minhanga mizhinji yenyika ndokufarikanya rutsvindo norugare rwomumaruwa.
Muraramire wedu waibatanidza kupedzera nguva yakawanda mukunwira mumakamuri amabhawa. Vamwe vavamabiyedu vaifarikanya kurwa kwakati kuti. Asi ini handina. Ndakava akanaka mukuona migariro yaiparira kurwa uye ndaiedza mungoni kuvadzivisa. Kunyange zvazvo kwakadaro, pane dzimwe nguva vanhu vaizoita zvinhu zvandisati ndaigona kudzivisa, uye ndaizopindira kuvadzidzisa chifundo. Pane imwe nguva ndakanga ndimire kunze kwekamuri rebhawa apo chimudhudhudhu chakapfuura. Ndakanga ndichitarira kuti ndione kuti akanga ari ani, apo mutasvi akanongedzera pfuti kwandiri ndokupfura! Kuti akakundikana sei kundipfura, handizivi.
Miuyo Yokuuraya
Ndakavamba kuziva kuti kwakanga kusina mufaro chaiwoiwo mune iyi nzira yokutsvaka mufaro woupenyu. Mukufambira mberi kwenguva ndakaroora, asi roorano haina kuita zvakanaka; yakangogara bedzi kwemwedzi mitatu. Gare gare mudhudhudhu wangu wakabiwa. Ipapo humwe usiku, pashure pokunwa zvikuru kwazvo, ndakapokanidzana zvikuru neimwe shamwari yangu chaiyoiyo. Ikoku kwakandisiya ndapera mwoyo. Ndichiedza kuzviuraya, ndakamedza chitsama chamapiritsi. Ipapo ndakarara kuti ndifire pamahombekombe oRwizi rwaMississippi. Zvisinei, ndakamukira muchipatara. Pane dzimwe nhambo mbiri, ndakazogumawo ndava muchipatara nokuda kwechinetso chokunwa.
Ipapo pakava namangwanani andisingazotongokanganwi. Paawa yechishanu ndakagamuchira runhare ruchindiudza kuti imwe yeshamwari dzangu chaidzoidzo yakanga yapfurwa ndokuurawa. Iye akanga aenda kundonwa nemimwe mitezo miviri yebandiko, uye ivo vakaedza kudzivisa mumwe murume kurova mukadzi. Kwakaitika kuti iye akanga ari mukadzi wake. Iye akapfura ndokuuraya shamwari yangu. Isu tose takava mumugariro wokukatyamara, uye ini ndakapedza zuva rose rakatevera ndine hama yake, tichiita gadziriro dzamariro.
Ndiri ndoga hangu pausiku muimba yamariro, ndakabata chiso cheshamwari yangu. Iye akanga atonhora, aomarara, asichina upenyu. Iye akanga aenda kupi? Kwakanga kuri ikoko here—mugumo wechinhu chiri chose here? Zvamazvirokwazvo panofanira kuva nezvinopfuura izvozvi—upenyu hwamakore mashomanene bedzi, ipapo rufu ruchiupedza hwose. Ndakaziva kuti ndakanga ndisingatongonzwisisi upenyu, uye kubvira ipapo zvichienda mberi ndaizoedza kuwana. Ndakatanga kupinda mukurukurirano nemidzimu, uye nguva dzinoverengeka kwakaratidzika kuti taizokurukurirana neshamwari yangu. Asi kwose kwakanga kwakati dzikatidzikei uye hakuna kupindura mibvunzo yangu.
Chii Chiri Donzo Roupenyu?
Humwe usiku ndakanyanyonwa zvikuru kwazvo ndokusaziva chinhu pandakanga ndakatasva mudhudhudhu wangu. Mutsaona yakatevera, ndakakuvadza zvikuru ziso regumbo rangu. Handati ndaigona kufamba uye ndaitofanira kugara pamba kwamavhiki maviri. Mukati meiyi nguva, mumwe murume nomwanakomana wake muduku vakagogodza pasuo rangu. Vakanga vachida kutaura pamusoro peBhaibheri. Ndakavapinza mukati. Vakandiudza kuti ivo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Sezvandakanga ndisati ndatongonzwa zita irero nakare kose, ndakavabvunza kana ivo vaiva boka idzva rorudzidziso. Murumeyo nomutsa akandiratidzira muBhaibheri kuti zita raMwari ndiJehovha uye kuti ivo vakanga vachitaura kuvanhu pamusoro pake. Irero rakanga riri idzva kwandiri. Mwari ane zita, Jehovha. Rovedzwo yangu yorudzidziso sepwere yakanga isina kundidzidzisa izvozvo. Ndakashamisika kuti chiizve chimwe chandakanga ndisina kudzidziswa.
Tevere ndakaratidzirwa kuti Bhaibheri rinoreva nezvomugumo wenyika, kana kuti tsika yezvinhu, yatinorarama mairi. “Mugumo wenyika”! Neiko ndakanga ndisina kuudzwa izvozvi nakare kose? Ikoku kwakakura nzira nokuda kwekurukurirano dzimwezve dzinoverengeka umo mandakava nemibvunzo mizhinji. Vakandisiira bhuku rinonzi Ko Upenyu Huno Ndihwo Bedzi Huripo Here? Handati ndaigona kurivara nokukurumidza zvakaringanira, nokuti pakupedzisira ndakanga ndichiwana zvose zvakanga zviri upenyu.
Ndakadzidza kuti rakanga risati riri donzo raMwari kuti tirarame kwenhambo yakapfupika kudaro yenguva dzokonokei tofa. Ndakadzidza nezvomugumo unouya worufu nekariro youpenyu husingaperi mupasi reparadhiso. Kana iri shamwari yangu inodiwa, ndakadzidza kuti iye akanga asingazivi chinhu kana kuti kutambura kunzvimbo ipi neipi; panzvimbo pezvo, akanga ari muhope huru, achimirira rumuko rwokubva muna vakafa. Haiwa, yakanga iri tariro yakaisvonaka sei iyoyo! Zvimwe ndingamuonazve!—Zvakazarurwa 21:4, 5; Muparidzi 9:5; Johane 5:28, 29.
Chisarudzo Chakasiana
Kurukurirano dzedu dzeBhaibheri dzakavhiringidzwa apo ndakaenda parwendo rukurusa rwebandiko remidhudhudhu rwakarongedzererwa madziya iwayo. Ndakaudza shamwari yangu yeChapupu, Daniel, kuti ndaizomuridzira runhare apo ndinodzoka. Iye akandipa bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Mukati mamavhiki mana akatevera okufamba rwendo, nguva imwe neimwe yataimira kuti tizorore ndairava chikamu chebhukuro. Pandakadzoka, ndakaridzira runhare Daniel. Takaita gadziriro dzokufunda pamwe chete Bhaibheri, uye pashure pefundo yokutanga, akandikoka kupinda musangano paHoro yoUmambo masikati akatevera eSvondo.
Zvino, takanga tine kutasva kwebandiko kwakarongedzererwa Svondo iroro, uye ini ndaikarirwa kuvapo kuti nditungamirire. Mangwanani eSvondo akasvika uye takaenda. Takamira pabhawa, uye munhu ari wose akatanga kunwa. Rinenge awa rokutanga ndakangobuda hangu kunze, ndakatanga kumutsa mudhudhudhu, ndokudzokera kuguta. Pa 3:00 p.m., ndakanga ndava kuHoro yoUmambo, ndine T-shirt, jini rebhuruu, mabhutsu, ndebvu, nebvudzi rangu rakaita somuswe. Zvapupu zvakandigamuchira noushamwari, zvisati zvichidudza chinhu chipi nechipi pamusoro pechitarisiko changu. Zvakandikurudzira kuuyazve. Ndakadaro, uye ndave ndichipinda misangano chifocho.
Kunyange zvazvo zvakadaro, mwedzi wokutanga wakanga wakaoma nokuti ndakanga ndichiri kupinda misangano yevhiki nevhiki yebandiko remidhudhudhu. Ndakakurumidza kuona kuti kana ndikapfuurira nebandiko, ndaizoomerwa mukushandisa nokurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri. Naizvozvo ndakaita chisarudzo chokurega bandiko. Kwakanga kwakaoma kusiya vakomana ivavo. Kwamakore mazhinji, takanga taona zvinhu zvizhinji pamwe chete, uye ikoku kwakanga kwatibatanidza pamwe chete. Kuno rumwe rutivi, kwakanga kuri rusununguko kusiya nyika iyeyo yamasimba masimba ndokupinda sangano renyika yose rine rugare raJehovha. Ndakatengesa kunyange chifefe chaigarova parutivi rwohuvato hwangu.
Rega Kuisa Munwe Wako Mumwoto
Mwedzi mitanhatu pashure pokunge ndavamba kufunda ndakabhapatidzwa. Mune iyi nhambo pfupi, kupfurikidza nebetsero yaJehovha, ndave ndichikwanisa kukurira muitiro wangu wokunwa, uye mufambiro wangu wose zvawo wakavandudzika. Zvino ndofarikanya kushanyira vanhu pamisha yavo kungofanana nokundishanyira kwakaita Daniel pakuvamba. Kubva muBhaibheri, ndinoedza kuratidzira vavakidzani vangu kuti Jehovha Mwari ane hurumende isingadi masimba masimba, inobata ushe nokururamisira, uye kuti ichagovera zvinhu zvose zvakarurama izvo hurumende dzavanhu dzisingagoni kugovera, uye kuti nokukurumidza kuchava kusina vanhu vana masimba masimba vanosara pasi pano. Ikoko kunoudzisira zvikurukuru kwandiri nemhaka yezvinoitika zvangu zvakapfuura pamasimba masimba, naizvozvo ndinokusimbisa napandinogona napo.—Zvakazarurwa 11:18.
Jehovha Mwari akandikomborera nomudzimai akazvipira wechiKristu navana vaviri vakaisvonaka. Isu vana tinokwanisa kushandira pamwe chete pasuo nesuo nokupinda misangano yechiKristu nekokorodzano. Ndine ropafadzo yokubatira somubatiri anoshumira muungano yechiKristu. Zvamazvirokwazvo, ndakasiya masimba masimba uye ndakawana rugare chairwoirwo. Musianoi! Pashure pokudzokera kuNew Orleans, ndakanzwa nezvorufu rwavaviri vavaichimbova shamwari dzangu. Chifo chokuva kwangu muLouisiana, vamwe vatatu vakapfurwa ndokufa. Kudai kwakanga kusati kuri nokuda kwaJehovha, ndaizodai ndiri kupi?
Kuna vechiduku, ndinoshuva kutaura kuti kunyange zvazvo nyika ichiratidzika kuva yakaisvonaka neinofadza, rega kuisa munwe wako pamwoto. Ini ndakanga ndiri munyika uye ndakairaidza yose. Hapana chinhu chamunoshaiwa. Uye kuna avo venyu vari kutsvaka kuwana ukama naJehovha asi musati muchifunga kuti munogona kuita chinjo dziri madikanwa ndapota cherekedzai mashoko anokurudzira aJesu, anoti: “Kuna Mwari zvinhu zvose zviri zvinobvira.” (Mateo 19:26)—Sezvakataurwa naDavid L. Wirges.
[Mufananidzo waDavid L. Wirges nemhuri yake uri papeji 18]
[Mufananidzo uri papeji 20]
Mumazuva angu okutasva mudhudhudhu kwamasimba masimba zvikuru