Kupa kweKrisimisa—Inguva Yomufaro Kana Kuti Kupera Mwoyo Here?
TSAMBA inotevera yaienda kuna Santa Claus rudzi rwezhinji dzakanyorwa navana vaduku ndokupihwa kuna vabereki navadzidzi pachipikirwa chokuti tsambadzo dzichatumirwa chose chose nepositi kuNorth Pole:
“Santa Claus anodiwa:
“Makadiniko? Ini ndiri mupenyu. Ndinokarira kuti muchava neKrisimisa yakanaka. Ndinokarira kuti mune zvidhori zvizhinji zvakanaka nokuti kune zvinhu zvizhinji zvakanaka zvandinoda. Kutanga, ndaizoda kuva nomwana ari munin’ina. Baba vangu vanoti imi hamuna vana kuNorth Pole, naizvozvo munogona kundivigira chimbwanana panzvimbo pake. Ndinoda chivhorovhoro, chifefe, bhasikoro reten-speed nedapanzvi. Oo, gara zviya, Santa, iyi ichava tsamba yokupedzisira yandichakunyorerai zvandisati ndichizodavira Santa Claus gore rinotevera. Asi gore rino ndinodavira Santa Claus.”
Unoziva iyi tsamba here? Inokunzwika kwakarovedzeka here? Ko zvimwe inonzwika seimwe yawakanyora pawaiveri mwana here? Mamirioni amatsamba akadaro anogamuchirwa pamaposvo munyika dzakawanda achibva kuna vana vakazadzwa netariro uye achitumirwa kumugovi iyeyo wengano wezvipo wavanoziva zvikurusa sa“Santa Claus.”
Vashomanene vanonyora shoko rokuti “ndapota” uye kunyange vashomanene zvikuru vanonyora kuti “mazviita.” Vamwe vanomurangariro wakadzama worudo, vamwe vanosundwa namakaro. Kana mwana ari muduku zvikuru, iye anokumbira zvishomanene. Kana mwana ari mukuru, kunoda chiverengero chikuru zvikuru chezvipo chokumugutsa, naizvozvo anosimudzira kariro dzake zvikuru kwazvo uye zvipo zvakawanda zvikuru gore rinotevera.
Kune midhori yakagadzirirwa nhambo iri yose youpenyu hwomwana. Kune midhori inodzidzisa, inoedza mano, inotungamirira mifungo kumasimba masimba. Kune midhori inokurira kutamba kwakasimba neyeyo inoputsanyika pashure pamazuva mashomanene okushandisa. Kune midhori yakakotsekana nemidhori ine ngozi zvikuru zvokuti vakuru vakuru vanorwisa kuita kuti ibviswe muzvitoro. Kune midhori inoratidzika kuva yakafuridzirwa namadhemoni mukurongedzerwa—mabhora ane zviso zvakadzvinyika zvinotyisa zvikuru zvokuti dzinogona kuparira hope dzinotyisa, asi izvo zvakanga zviri zvinotengwa zvikuru zvegore rakapera, pasinei hapo nechirambidzo chavabereki. Kweinopfuura mwedzi miiri chinoitikacho, vana vanonangidzirwa kuKrisimisa. Sezvinofungidzirwa, mufaro wokupa nokugamuchira unopararira munzvimbo yose.
Kuwira Mukupera Mwoyo
Asi aika, mumazuva mashomanene mufaro wapera. Mwana apererwa nezvinofadza zvose nomufaro zvinobva muzvipo, zvingava zvizhinji kana kuti zvishomanene. Chinhu chaichoicho hachiwirirana nezvaikarirwa. Kufinha kwavapo. Kun’animira kweKrisimisa nezvipo zvose zvakagamuchirwa zvakanga zvisati zvichipedza zvose zvaakagamuchira. Achitsinhira pana ikoku, wezvoruzivo rwendangariro yavana Dr. Nancy Hayes anotaura kuti nguva yeKrisimisa “inhambo yomwero mukurusa wokupera mwoyo nokuzviuraya pakati pavana.” Anocherekedza kuti vechiduku vazhinji vanova vanopera mwoyo apo Krisimisa isati ichigovera “chigadzikiso chinoshamisa chezvinetso.” Fungidzirawo, kuputsanywa kwavo pakuziva kuti Santa Claus anongova ngano bedzi, kuti vabereki vavo vakaita kwose ikoku kuti vapfuudzire nhema.
Naizvozvo kubvira paucheche vana vanodzidziswa kukumbira, kunyorera, ndokukarira zvipo panguva yeKrisimisa—uye hakuna kuganhurirwa kuvana. Ushamwari pakati pavakura padzimwe nguva hunoyerwa kupfurikidza noukoshi hwezvipo zvinotsinhanisanwa. Kazhinji kazhinji chisungo chinokuvadzwa kusvikira kupfundo rokugurika nemhaka yokuti mumwe munhu akapa chipo choukoshi hukuru zvikuru kupfuura chaakagamuchira. Sezvinobvira hapana imwe nguva yegore apo kutaura kwokuti “mufungo ndiwo unokosha” kunoreva zvidukusa.
Macredit card anosvika ganhuriro yesimba rawo rokutenga. Macheki anonyorwa anoparira bangi kuti ridhirowerwe mari inodarika irimo. Kudenha chitoro chakazadzwa navatengi kunovhundutsa. Chinoitika chacho chinorwadza, vatengi vanobata chaizvoizvo vachirwira zvinhu zvinonyangarika pasero vangaita kunyange kuti akashinga adzoke. Tsoka dzinorwadza, uye kuva asina kutsarukana pamusoro pechokutenga, kunoita uyu muitiro uve chinoitika chinorwadza. Unoitika kuvatengi veKrisimisa.
Mumwe mutengesi akati: “Unoona vanhu vachimhanya pose pose, vachiwana chipo nokuda kwanyakuti, uye ivo havagutsikane zvamazvirokwazvo. Vanhu havasati vachipa zvipo nomufaro.” Ipapoka, kunotongoshamisa here kuti mukuru mukuru worudzidziso akaidza Krisimisa kuti “mwaka wegore negore wokupera mwoyo nokunetsekana mundangariro”?
Chinoparira kuvhiringidzika iidi rokuti zvipo zvizhinji zvinotengwa nokupihwa somusengwa, kazhinji kazhinji nesundo youdyire. Mumwe purofesa wezvoruzivo rwokugarisana, akati: “Mupi haazati achingova bedzi neshungu dzokuedza kufungidzira icho mugamuchiri angada, asiwo shungu dzinowedzerwa dzokuratidzira mufananidzo wakakodzera wake amene.”
Nderipiko riri zuva rakabatikana zvikurusa romwaka? Kazhinji kazhinji zuva rokutanga rapashure peKrisimisa. Ipapo zvitoro zvinopfachukira navagamuchiri vezvipo vanodzorera zvipo zvavo, vazhinji nokuda kwemari. Asi, kudai ivo vakanga vapiwa mari yechipo, vaizodai vakaishatirirwa sechipo chakashata. Nenzira iyeyo, kuvhiringidzika chose chose, kuneta kwomuviri, kupera simba, mapoka anogurukuta, kutsvangadzira nomumazana chaiwoiwo ezvinhu zveshawo, kuronga, kuputira, kusungwa kwamapfundo, zvose zvave zvichiwanzova zvisina maturo. Naizvozvo zvipo zvizhinji zvinogamuchirwa nokusaonga zvikuru!
Kuna vazhinji zvikuru, Krisimisa haizati iri ‘mwaka wokuva anofara.’
Kupa Hakudi Mwaka
Asika mufaro wakadini apo mhuri dzinoungana pamwe chete ndokufarikanya ushamwaridzani norudo rwomumwe nomumwe! Kuunzwa kwezvipowo, kunogona kuva kuratidzirwa kwokunze kworudo runobva pamwoyo. Jesu iye amene akakurudzira maKristu ku“shandisa kupa.” Uye muKristu akadini kana kuti asati ari muKristu asingagaronokora mashoko aJesu, anoti: “Mukupa muno mufaro mukuru kupfuura uri mukugamuchira”? (Ruka 6:38; Mabasa 20:35) Zvamazvirokwazo, kupa hakuzati kuchida mwaka. Asi pane chimwe chikonzero nei kupa kweKrisimisa kuchipanikirwa.
Chinetso chaichoicho neKrisimisa ndechokuti iyo yakavakirwa panhema. Mwaka unokambira kuva unomirira zuva rokuzvarwa kwaJesu. Zvisinei, ikoku kunogona kuva kwakadaro sei apo Bhaibheri risati richipa musi wokuzvarwa kwake? Muhuchokwadi, Krisimisa yakarongerwa nguva kuti iwirirane no“kuberekwa” kwezuva—mumutambo wokunamatwa kwezuva.
Mubhuku rake rinonzi The Story of Christmas, Michael Harrison anonyora, kuti: “Kutanga, kunofanirwa kucherekedzwa kuti, pasinei hapo nenhamburiko dzavazivi vasingaverengeki, kuchigere kubvumikiswa pamusoro pokuti izuvai . . . iro Jesu Kristu akaberekwa.” Bhaibheri rinojekesa bedzi musi worufu rwake, uye ndiwo uyu musi bedzi uyo Jesu akaraira vateveri vake, maKristu echokwadi, kuchengeta. Ipapoka, kunotongoshamisa here kuti The New Schaff-Herzog Encyclopedia of Religious Knowledge rinosimbisa iri pfundo, rokuti: “Hapana hufakazi hwenhau hwokuti zuva rokuzvarwa kwaShe wedu rakachengetwa mukati menguva dzavaapostora kana kuti dzapashure pavaapostora”?
Zvino chirangarira mibvunzo iyi nendangariro yakazaruka: Ko Jesu aizotendera kuchengetwa kunokambirwa kumukudza, asi kwakanyorwa mumiitiro yechihedheni netsika here? Ko iye aizoregerera iri zororo romutambo apo kuponda kwakawanda kunoitwa kupfuura imwe nguva ipi neipi yegore uye apo mitambo yokuraradza isati iri yechiKristu norudo rworuchiva zvinogamuchirwa munzira youpenyu here? Aizobvumira mwaka unozivikanwa nokuda kwokupera mwoyo, kunetseka mundangariro nokuzviuraya here? KumaKristu echokwadi mhinduro inofanira kuva pachena.
Panzvimbo pokutsaura nguva yakati kuti yegore nokuda kwokupa nomufaro kuna vamwe, mwoyo unorupo uchawana kuti kupa kunovigira mufaro kumupi nomufaro kumugamuchiri unogarova mumwaka. Zvipo zvenguva yedu, zvesimba redu, zvokunzwira urombo kwedu, zvipo zvomutsa nezvamashoko okuonga; uye, hungu zvamazvirokwazvo, zvipo zvezvinhu zvinodikanwa—kupa kwose ikoko kunovigira mufaro nomufarwa kuna vose vari vaviri mupi nomugamuchiri.