Mufaro Wokupa—Unokudziridzwa Nokugamuchira Kwokuonga
RANGARIRA shure kuna vananyakuroorana vachangobva kuchata vadudzwa munyaya yokutanga. Unogona kuvavona vachidzokorora vari voga kutarira chipo chimwe nechimwe chakagamuchirwa, vachitsinhira kuti chinhu chimwe nechimwe chinhu chaichoicho chavaida here? Unogona here kuona mwenga uchisanoronga mashitibhedhi namapirokesi pasherefu chaiyo nokuda kwokuzviwana nyore, ndiro mumakabhodhi, zvipunu namaforoko mumadhurowa, muchini zvokugochesa chingwa patafura romukicheni nokuda kwokushandisa nokukurumidza zuva nezuva?
Pamwe chete vanosanoturika mufananidzo mumwe nomumwe munzvimbo chaiyoiyo, mawachi panzvimbo yakasanokodzera zvikuru. Vanoshongedza tafura rawo rekare romumba yokudyira nerimwe ramachira matsva apatafura. Matauro maduku anokodzerana muzvibatiso zvawo zvechipo zvinowedzera chitarisikwo chemba.
Ivo vanoda zvikurukuru ichi chipo—chivhuro chegetsi chamatini. Mwenga unokarira kushandisa uyu mudziyo kazhinji kazhinji. Vakaupihwa neshamwari inodiwa yavanoziva kuti iye haazati aizokwanisa kuzvitengera mumwe. Uye iri bedspread, rakarukwa namaiguru vakwegura vana maoko ane hosha yokuzvimba. Kunofanira kuve kwakavatorera mwedzi kuita iri basa rose rakaisvonaka rokuruka. Haiwa mubato wakadini worudo!
Unoda chipo chimwe nechimwe. Ungadzosera here chinhu chipi nechipi ndokuchitsinhanisa nechimwe chinhuwo zvacho kana kuti nokuda kwemari? Nyangwe! Zvino kunosvika rutivi rwakaisvonaka rwazvose—kutaura kwokuonga. Ko ivo vachatora nguva yokukuita here?
Wati wambova mugamuchiri wechipo chechinhu here, chiya chinodhura kana kuti chisingadhuri—chirongo chamaruva, tswanda yemichero, zvimwe chirimwawo zvacho chomumba? Ko shamwari inodiwa yakachenesa imba pawakanga uchirwara kana kuti kubika zvokudya nokuda kwemhuri pawakanga usingakwanisi here? Wakavaonga here?
Haiwa ishoko nyoro rakadini rokuti “mazviita.” Munhu angakutaura nokufema kumwe bedzi. Asika kazhinji kakadini kanofuratirwa kuratidzirwa kwakwo. Pane imwe nguva muchairi wetekisi akadzorera chikwama chomunhu chakasiiwa mutekisi yake. Haiwa chipo chakadini! Muridzi wacho akatora chikwama chake pasina neshoko rose. Fungidzira kuti muchairi wetekisi akapererwa nezano rose sei nouku kusaonga. Iye akarwadziwa, achiti: “Kudai munhuyo akanga angoti bedzi ‘mazviita.’”
Chimwe chinyorwa chamagazini chakashuma pamusoro peboka ravakomana vechikoro chapamusoro vakanga vaumba bandiko nokuda kwedonzo rokuyamura vanhu. “Vaibetsera vachairi vemotokari kana vapererwa nezano rose kupfurikidza nokugadzira mataya apera mweya, kuvapa peturo kana yavaperera mukusakarira, nokuvabetsera mune dzimwe nzira,” nyayayi yakadaro. ‘Vakanga vasingatori mari nokuda kwamabasa avo. Vaikumbira bedzi kuti vachairi vemotokari vanyore tsamba yokuti “mazviita” nokuda kwemibato yavo yebandiko.’ Chii chaiva miuyo? Mutauriri webandiko akati: “Munozivaka, kusvikira kumusi uno takagamuchira bedzi tsamba mbiri, kunyange zvazvo zvinyorwa zvedu zvebandiko zvichiratidzira kuti takabetsera vachairi vemotokari vanopfuura 150 mumakore maviri atave takarongeka.”
Waizoonga sei zvikuru mumwe akanga aponesa upenyu hwako? Fungidzira kuti chipo chakadini icho munhu iyeyo akanga akupa! Asika, mumwe munhu akapinza pangozi upenyu hwake kuponesa vatakurwi pangarava yakanga ichinyura, achikweva 17 pakubata kworufu, pashure pacho iye aitofanira kutakurirwa kumba kwake apera simba. Paakabvunzwa pashure pamakore gare gare icho chakatanhamara muyeuko yake chokununura kwokushinga zvikuru, iye akati: ‘Ichi bedzi changamire. Pavanhu gumi navanomwe vandakaponesa hapana nomumwe akambondionga.’
Ko chiratidzo choutera here kutaura kuti “mazviita” nokuda kwechiito chomutsa, chipo chechinhu kana kuti chipo choupenyu? Ko ivava vachazomboonga Jehovha Mwari, Mupi Mukuru, nokuda kwoupenyu hwavo vamene here? Kana vasingagoni kuonga mumwe munhu wavanogona kuona, sezvinobvira ivo vachaonga Uyo wavasingagoni kuona here?—1 Johane 4:20.
Ko kunoshamisa here kuti pwere zhinji zvikuru dzanhasi dzinokuona kwakaoma kuratidzira kuonga kunobva pamwoyo nokuda kwechipo chinogamuchirwa kana kuti chiito chomutsa chinoratidzirwa? Kana vabereki vasingati “ndapota” uye “mazviita,” vana vavo sezvingabvira havazati vachizoita kudaro.
Kushaikwa kwokuonga ndichimwe chezviratidzo zvinoratidzira kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” Muapostora Pauro akanyevera, kuti: “Mumazuva okupedzisera nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichava pano. Nokuti vanhu vachava vanozvida ivo vamene, . . . vasingaongi.”—2 Timotio 3:1, 2.
Nzira Yokuratidzira Nayo Kuonga
Kugadzirwa nokutengeswa kwamakadhi okuti mazviita ibhizimisi guru. Makadhi mazhinji anoratidzira mifungo zvakaisvonaka. Kwakakodzera kutenga iwawa ndokuatumira kuna avo vakapa zvipo kana kuti vakaita mabasa omutsa. Asika mukuwedzera, hakuzati kwaizova chinhu chorudo here nechomutsa kuwedzera kunzwa kwako umene, kunyora paari mashoko edu timene okuonga nokunyora kwedu timene—zvimwe kududza chipo chakagamuchirwa uye kuti tinochionga sei nomufarwa watakawana kana kuti watinokarira kuwana mukuchishandisa?
Pamwe chete naikoku, kwakunobvira, ko mashoko anofadza okutaura okuonga, kubata ruoko, kumbundira kwoushamwari, kana kuti chimwe chiratidzo chechidakadaka hazvingavi zvinoongwa nomupi here? Kana tichinyunyuta kuti nguva haizati ichibvumira nokuda kwokuita kwedu saizvozvo, ipapo funga nezvenguva, nhamburiko, nemari zvakashandiswa nomupi nokuda kwedu. Mufaro womupi mukupa unokudziridzwa nokuonga kwedu kunoratidzirwa.
Tinoita zvakanaka kuyeuka mashoko omupi mukurusa kupfuura vose, Jesu: “Mukupa muno mufaro mukuru unopfuura uri mukugamuchira.” (Mabasa 20:35) Nokukurumidza, muParadhiso yapasi inouya yokururama, vagari vohunhu vose vapasi havazati vachizongoonga bedzi zuva rimwe nerimwe Jehovha Mwari nokuda kwechipo choupenyu asi vacharatidzirawo kuonga kworudo kuno mumwe nomumwe nokuda kwezviito zvohuvakidzani zvomutsa. Ngatiratidzirei kuonga zvino ndokuva netendero yavose vari vaviri yaJehovha neyomuvakidzani wedu.