Mufaro Mukuru Wokupa Unouwana Here?
MWENJE wekamuri ramabiko yakanga yadzimaidzwa. Nziyo dzaderedzwa inzwi. Vadzani vamira. Kupenya kwapachikuva kunonangidzira mwaranzi wako pamurwi wamabhokisi wakaputirwa namapepa anofadza. Pana mabhokisi makuru namabhokisi maduku. Pane akaenzana kumativi ose naakatenderera, epingi neebhuruu, oruvara resirivha noruvara rwegoridhe. Maribhoni oruvara amaoresa namapfundo akaashongedzera ose. Maoko anotetemera omwenga anofara anosanovhura rimwe nerimwe, apo chikomba chinonyarara chinogovera betsero yakanyarara.
Pane zvokugochesa chingwa nezvokusanganisa zvinhu zvomukicheni; ndiro, makapu, namasosa nezvipunu namaforoko, machira apatafura namachira okupukuta nawo anokodzerana nokuda kwekamuri rokudyira. Pane matauro akawanda namachira okupukuta nawo akawanda, mashitibhedhi namapirokesi achagara kwenguva refu. Pane mawachi akaringanira nokuda kwekamuri riri rose romuimba namabhuku ezvokubika ane maresipi anopfuura akaringanira okugutsa kuravidza kwegurukotera riri rose rezvokudya.
Zvipo zvazvinovhurwa panova navana “ooo” navana “aaa” nokutaura kunobva pamwoyo kwokuonga kunoitwa navachangobva kuchata. Ivo vakawana mufaro wokugamuchira kubva kuna avo vaiziva mufaro wokupa.
Michato, mitambo yokuyeuka mazuva omuchato, Krisimisa, mazuva okuzvarwa, nokumwe kuchengetwa kuzhinjisa kwose muitiro yenzanga umo kupa chipi kuri rutivi runokarirwa norunogamuchirwa rwemitambo. Asi nokuti kunokarirwa munyika zhinji, kunowanzoparira chinetso kuno mupi chinotsaura mufaro wokupa. Zvisinei kune kupa kunongozviitikira uko kusati kuchikarirwa. Kunofadza mugamuchiri, kunyange chipo chiri chiduku kana kuti chikuru, uye kunovigira mupi mufaro mukurusa.
Sezvinobvumwa, avo vane zvakawanda vanokwanisa kupa zvakawanda. Somuenzaniso, wezvoruzivo rwenzvimbo yokugadzirwa kwamabasa womuzana ramakore rechi 19 weAmerica Andrew Carnegie aigona kuva mirioneya wenyika yokwake. Panzvimbo pakwo, iye akapa 90 muzana yepfuma yake kweinopfuura nhambo yamakore 18. Apo munyori wake akamunyevera kuti iye akanga achideredza pfuma yake amene, iye akapindura nomufaro kuti, “Ndinofara kunzwa nezvako mukomana wangu, pfuurira.” Zera rimwe chetero rakaona John D. Rockefeller, mumwe wavarume akapfuma zvikurusa munyika, achipa mamirioni 750 amadhora muupenyu hwake. Kwakanyorwa kuti muimbi Elvis Presley “aizopa makumi emota dzorudzi rweCadillac” uye aifarikanya kwazvo kuita kudaro.
Hauzati Uri Muitiro Mutsva
Kupiwa kwezvipo muitiro unenge wavapo sokuvapo kwakaita munhu iye amene. Kubvira panguva dzapakuvambavamba kwakaita rutivi runokosha muupenyu hwavanhu. Mubatiri akwegura waAbrahama akapa zvipo zvezvishongo zvinokosha pashure pokuona hufakazi hwokuti Jehovha akanga amugovera somukadzi waIsaka. Zvakapiwawo zvaiva “zvinhu zvakaisvonaka kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.” (Genesi 24:13-22, 50-53) Pashure pokunge nhamo yakatamburwa naJobho yapera, iye akapiwa zvipo navanin’ina vake nehanzvadzi navaichimbova vazivikanwi—munhu mumwe nomumwe achipa “chidimbu chemari uye mumwe nomumwe mbatamunwe yegoridhe.”—Jobho 42:10, 11.
Apo mambokadzi asingadudzwi nezita weSheba akafamba rwendo kuenda Jerusarema kunoshanyira Mambo Soromoni, iye akasundwa nouchenjeri hwake hwakapiwa naMwari ndokutaurira varanda vake kuti vanofara nokuda kwokuva vakakwanisa kunzwa ndokubetserekana nouku kuisvochenjera kwavanhu. Iye akasundwa zvikuru zvokuti akapa Soromoni zvipo zvamatarenda 120 egoridhe (zvinoita anenge $50 000 000) uyewo mabwe anokosha neoyiri yebhasarami ine mutengo mukuru kwazvo. Iye angave akaderedza pfuma shomanene youmambo hwake nechitsama chakati kuti, asi mukusapanikira iye akawana mufaro wokupa. Soromoniwo aizowana mufaro wokupa, nokuti iye akamupa zvipo mukudzorera izvo sezvinooneka zvakapfuura ukoshi hwepfuma yaakanga amupa.—2 Makoronike 9:12; American Translation, Moffat.
MaKristu apakuvamba akapa zvipo kana kuti mipiro nokuda kwehama dzavo dzinoshaiwa. Muapostora Pauro akanyora nezvamaKristu eMakedonia neAkaya, ayo, kunyange zvazvo akanga ari varombo, akazvishandisa iwo amene kupfuura simba rawo chairo mukupa hama dzavo dzinoshaiwa muJudhea. “Ivo vakanga vafara kuita kudaro,” Pauro akadaro.—VaRoma 15:26, 27.
Zvipo Zvino“taura”
Nhasi, kuri pachena kuti kupa zvipo kunopfuurira kuva nzira huru yavanhu yokugadza nayo nokusimbaradza nayo chisungo chorudo noushamwari, kuzivisa vamwe kuti tinoitira hanya.
Kune zvipo zvinobva kumukwanyina weroorano zvichienda kuno mumwe, zvokungotaura bedzi kuti, “Ndinokuda”—bhokisiwo zvaro rezviwitsi kana kuti chirongo chamaruva. Kune zvipo zvinobva kuvana zvichienda kuvabereki. Uye vabereki vakaita sei vasati vachigaropa vana vavo? Kune zvipo zvokunyaradza vane mwoyo wakaputsika, zvokufadza vakapera mweya, zvokuti “Naya nokukurumidza,” zvokuratidzira kuonga nokuda kwetsitsi dzakaratidzirwa, nomutsa wakaitwa, kana kuti kungotaura bedzi kuti, “Ini ndakava nenguva yakaisvonaka.”
Kune zvipo zvinoenda kune vanoshaiwa, kuna vakatapurwa nengwavaira vatisingazotongooni uye kuna avo vatisati tichizotongogamuchira ratidziro yokuonga. Tswanda yemichero nokuda kwomurwere, miti yomumba nokuda kwavasingafambi, chishongo chamabwe anokosha nokuda kweshamwari inodiwa—zvinhu zviduku zvinoreva zvakawanda. Ndiko kupa nomufaro kunobva pamwoyo. Izvi ndizvo zvipo zvinowanzofarirwa zvikurusa.
Munhau dzose dzokupa, hakuna iri pachena zvikuru sokuchengeta kwenyika yose Krisimisa. Iyo kupihwa kukuru kwezvipo kunovambirawo kunguva yakapfuura yekare kare. Ikoku kupa kunotyiwa navazhinji nokunokarirwa zvikurusa navamwe. Kunogona kureva mutsaukano pakati pengwavaira yezvemari namaguta. Kunyange zvazvo zvipo zvichikarirwa pakati peshamwari, muitirowo unogona kuvaswededza pamwe chete zvikuru kana kuti kuvaparadzanisa. Iyi pokanidzano yokupa kweKrisimisa icharangarirwa munyaya inotevera.