RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 1/8 pp. 24-25
  • Ndiani Anogona Kunyaradza ‘Danidziro Yenzara’?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anogona Kunyaradza ‘Danidziro Yenzara’?
  • Mukai!—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Tinofanira Kushora Chimiro Chokunze Here?
  • Ko Yamuro Yokumwe Inogona Kumisa ‘Danidziro Yenzara’ Here?
  • Hurumende Ichanyaradza ‘Danidziro’
  • Kusanaya Kwemvura Kunoparadzanya muMaodzanyemba eAfrica
    Mukai!—1994
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
    Dzimwe Nyaya
  • 2. Nzara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Mukai!—1988
g88 1/8 pp. 24-25

Murangariro weBhaibheri

Ndiani Anogona Kunyaradza ‘Danidziro Yenzara’?

“HURUMENDE haisati ichigona kutidyisa nemhaka yokuti takanyanyowanda,” sapurazi wechitema munyika yakaibva kumaodzanyemba kweAfrica akataurira munyori waMukai! “Kwamakore maviri,” iye akatsanangura, “nyika yedu yave yakaoma. Kwave kusiri kunaya. Mombe dzose dzakafa nemhaka yenzara nenyota. Ari wose ari kuchema nokuda kwenzara.”

Mazuva mashomanene gare gare, mvura zhinji yakavigira nyaradzo kudunhuro. Kuvandudzika kwomugariro kuchatora nguva yakareba, uye ‘kuchema nokuda kwenzara’ kunopfuurira nokuda kwedunhu rakakura reAfrica; uye nzara haina kuganhurirwa kunyikayo bedzi. Mukuwirirana neThe Hunger Primer, rakabudiswa neZvokudya Nokuda Kwavane Nzara, nyika 43 dzomuAsia neLatin America dzine “kushaikwa kwezvokudya zvakanaka kwakapararira.”

Asi munguva dzazvino uno, ngwariro yenyika yange yakanangidzirwa panzara yomuAfrica, ine “150 Mirioni Vari Panjodzi” mukuwirirana nomusoro wenhau muThe Times of London. Varidzi vamarimba muBritain neUnited States vakawana mamirioni amapaunzi namadhora ekuzobetsera vaAfrica vane nzara. Vashamiswa nokuona vanhu vakawanda vachifa pama TV, zvichida vakashamisika, kuti ‘Neiko nzara?’

Ko Tinofanira Kushora Chimiro Chokunze Here?

“Vanhuwo zvavo havasati vachisanogutsikana nokutaurirwa kuti nzara yomuAfrica inoparirwa nokusanaya kwemvura,” anonyora kudaro mutungamiriri wenhau dzemhoteredzo Earthscan, mumagazini yechiBritish inonzi People. Neiko? Chokutanga, mumazana amakore akapfuura kusanaya kwemvura nguva dzose kwakanga kusati kuchiparira ngwavaira.

Africa ine ivhu rakaringanira rakanaka rokugona kurima zvokudya zvavanhu vanopfuura chiverengero chavanhu varipo zvino. Asi muitiro wezvemari wenyika hausati uchikurudzira izvozvo. Kupfurikidza nedzihurumende dzichitera kudzvinyiriro yezvemari, vanasapurazi vomumisha vanobviswa muminda yakanaka—minda iyo zvino yava kushandiswa kugovera misika yekumhiri kwamakungwa nezvokudya nezvinhu zvakanaka. Itiro hanya naizvozvo iri kuitwa nokuda kwavarombo vakawanda vomumisha yeAfrica, sezvo vazhinji vachipanikira kuti vachazotongowana zvokudya zvakaringanira here.

Rimwe idi ndere nzira iyo hurumende dzinoparadzira upfumi hwadzo. “Maguta umo hurumende dzinorarama,” anotsanangura Lloyd Timberlake mubhuku rake rinonzi Africa in Crisis, “akabviswa mumaruwa, uye mari dzokukudziridza nyika dzakaendeswa kunozadza maguta iwayo namahotera, mafekitari, mayunivhesiti nedzimotokari. Izvi zvakaripirwa kupfurikidza nokukama vanomwe pakati pavaAfrica gumi vamwe navamwe vanorarama mumaruwa.”

Ko Yamuro Yokumwe Inogona Kumisa ‘Danidziro Yenzara’ Here?

“Panguva imwe cheteyo iyo nyika yokunze inopa norumwe ruoko, inotora norumwe,” inodaro Famine: A Man-Made Disaster?, mushumo weIndependent Commission on International Humanitarian Issues. “Dzihurumende dzinopa,” inopfuurira kudaro, “hadzisati dzichifanira kuchengetedza vhiringidziko. Kure neyamuro ichiva betsero, nyika dzinopa dziri kuwana zvakaderera.” Nemhaka yei? Nemhaka yokuti nyika dzinopa kazhinji kazhinji dzinowana zvakawanda mukuripira yamuro yakadaro. Africa, inotsanangura magazini yechiBritish The Ecologist, “inoramba iri manyuko makuru okugovera zviyo izvo tinodya zuva rimwe nerimwe muUK. . . . [Iyo] inoitawo rabha yakawanda, shinda, miti yakaoma zvikuru yepakati peAfrica, uye iyo yakakudziridzwa zvinowedzerwa samanyuko emombe, miriwo namaruwa manyoro.”

Hungu, Africa inowana mari nokuda kwezvainotumira kunze, asi mari yacho kazhinji kazhinji haisati ichishandiswa kubatsira vane nzara. Munzvimbo mezvo, inoshandiswa kusimudzira maguta, kusimudzira zvinhu zvinotengeswa kunze, kutenga zvombo, nokuripira migava yokudzimwe nyika. “Nemhaka yokuti varombo vari kudyisa vapfumi,” inodaro magazini yeU.S. inonzi The Nation, “nzara mumativi akawanda enyika ichawedzera. . . . Zvinhu zvinotengeswa kune dzimwe nyika zvinowedzera zvichabatsira mabhizimisi ane chokuita nezvokurima munyika yose, . . . asi hazvisati zvichizodyisa vaAfrica vane nzara.”

Hurumende Ichanyaradza ‘Danidziro’

Nzara yeAfrica inosimbisa kutaura kwakare kunoti: “Kana mumwe munhu ane simba pamsoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” Richitsanangura chikonzero nei dzvinyiriro yakadaro ichipfuurira, Bhaibheri rinotaura kuti: “Chakakombama hachibviri kururamiswa.” (Muparidzi 1:15; 8:9) Hungu, hurumende dzavanhu dzakaumbwa navanhu vasina kukwana uye vane kombamiro youdyire. Ko masangano akadaro angazombova sei “akaruramiswa” ndokusanotarisira nokuda kwezvinoshaikwa zvavarombo?

Nokuda kwemhinduro, rangarira kuti kumwe kusanaya kwemvura kwakaipisisa munhau yeAfrica kwakakundwa sei. Kwakatanga munenge muna 1730 P.N.V. uye kwakapfuurira kwamakore manomwe. Asi mutongi weEgipita akagamuchira nhungamiriro youmwari kupfurikidza nokuchengeta zviyo zvakawanda mukati mamakore akapfuura akanaka. Nemhaka yaizvozvi, hapana mumwe wavadzorwi vake akashumwa kuti akafa nenzara. Kutaura idi, vanhu vakabva kune dzimwe nyika vakauya kuzotenga zviyo kuEgipita nemhaka yokuti “nzara yakanga iri huru panyika yose.”—Genesi 41:1-57; 47:13-26.

Ko nhungamiriro youmwari iri kunongedzera kuna ani nhasi? Ko mumwe akasiana zvakajeka nechinyorwa chinosuruvarisa chomunhu choudzvinyiriri nokukombama—Jesu Kristu. “Iye waipote nyika, achiita zvakanaka,” rinoshuma kudaro Bhaibheri. “Haana kuita chivi.” (Mabasa 10:38; 1 Petro 2:22) ‘Asi,’ ungabvunza, kuti ‘ko izvozvo zvine chokuita nei nehurumende inonyaradza “danidziro yenzara”?’ Zvikurusa nemhaka yokuti Jesu ndiye mumwe akagadzwa naMwari kuva Mubati ushe parudzi rwose rwomunhu. Zvose zvakanaka izvo Jesu akaita, kubatanidza zvishamiso zvokudyisa mapoka ane nzara, zvinoratidzira ukwiriri hwoUmambo hwokudenga hwaMwari pahurumende ipi neipi yomunhu. Iye akanongedzerawo kunguva apo Umambo hwaMwari huchadzora pasi rose.—Marko 8:1-9; Zvakazarurwa 11:15.

Nokukurumidza, Mubati ushe akagadzwa waMwari achava nechokwadi chokuti zvokudya zvinoparadzirwa zvakanaka. Iye achagona kunyaradza ‘danidziro yenzara.’ (Ruka 21:10, 11, 31) Bhaibheri rine chipikirwa chinonyaradza pamsoro pokudzora kwaKristu: “Iye uchava navadzorwi kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye . . . kusvikira kumigume yapasi. Iye akanzwira urombo mushaiwi nomurombo, uye achaponesa mweya yavarombo. Kuchava nezviyo zvakawanda papasi.” Panguva iyoyo hakuna ani naani achazodikanirwa kutaura kuti, “Hurumende haisi kugona kutidyisa,” nokuti nzara, pamwe nokutambura norufu, hazvisati zvichizovapo.—Pisarema 72:8, 13, 16; Zvakazarurwa 21:3-5.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Pasi rinobereka zvokudya zvakawanda

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe