Rovedza Mwana Wako Nenzira Yakarurama—Uye Kuite Kuvambira Paucheche!
“Nhambo youcheche pasina panikiro ndiyo yakapfuma zvikurusa. Inofanira kushandiswa nedzidzo munzira iri yose inobvira neinofungika. Kupambadzwa kweiyi nhambo youpenyu hakutongogoni kutsiviwa. Panzvimbo pokufuratira makore apakuvamba, ibasa redu kuashandisa nengwariro hurusa.”—Dr. Alexis Carrel.
PANE kudikanwa kwokutungamirira zvose zviri zviviri ndangariro nomwoyo. Vanhu vangashamiswa namabasa anoshamisa endangariro, asi Mwari anotarira pamwoyo. Zivo iri mumusoro inokombamira kudadisa; ndirwo rudo rwuri mumwoyo runovaka. Ndangariro dzakangwara dzinoda mwoyo ine rudo, “nokuti muromo unotaura zvizere mumwoyo.” Muuyu mwoyo wokufananidzira munobudawo mabasa akanaka neakaipa. (Mateo 12:34, 35; 15:19; 1 Samueri 16:7; 1 VaKorinte 8:1) Naizvozvo nepo kuchikosha kunyandura ndangariro dzavana, kunotokosha zvikuru kuroverera rudo mumwoyo mavo.
Kune chokutangisa chakavakirwa mukati chaikoku pakuberekwa. Chinonzi chisungo. Amai vanobata, vanombundira, vanopuruzvira, uye vanotaura nenzira inonyaradza kumwana wavo. Mwanawo, anotarisisa amai vake. Chisungo chinoitika, mirangariro yaamai inonyandurwa, uye mwana anonzwa akakotsekana. Dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti “pane nhambo yokutapurika mumaminitsi mashomanene okutanga namaawa pashure pokuberekwa kwomucheche inodikanwa zvikurusa nokuda kwebatano yomucheche nomubereki.”
Mavambo akanaka, asi bedzi mavambo. Mucheche haagoni kuzvitarisira amene, akatsamira zvikurukuru pana amai vake nokuda kwezvinodikanwa zvake zvokukurumidza—zvose zviri zviviri zvomuviri nezvendangariro. Pasina zvokudya mwana anoziya nenzara; anogona kuziyawo mundangariro. Kumbundira, kugumbatira, kururudza, kutamba, kuda—zvose zvinonyandura kukura kwouropi. Uku kunyandura kwakafananidzwa nezvokudya zvouropi. Pasinako uropi hunoparadzwa uye hunodziviswa kukura kwoupenyu hwose. Uye nemhaka yeiyi regeredzo anogona kuvawo ane utsinye, akasindimara, uye ane masimba masimba. Tarisiro yaamai ndichokutanga chemwana uye chenzanga—chinokosha zvikuru kupfuura basa ripi neripi renyika!
Basa Rababa
Baba havafaniri kubviswa. Kana ivo varipo pakuberekwa, chisungo chababa nomucheche chichavamba. Sezvo mavhiki nemwedzi zvinopfuura, pesvedzero yebasa rake inokura nokukurumidza, sezvinoratidzirwa naDr. T. Berry Brazelton, nyanzvi mukukura kwavana.
“Mwana ari wose anoda amai nababa,” iye anodaro, “uye baba vari vose vanogona kuita musiano. Nokuda kwomwana, kuva nababa vanoshingaira, vanobatanidzwa hakusi kumwe cheteko nokungova chete netarisiro yaamai yakawanda.” Iye anodudza mushumo wakaratidza musiano munzira vanaamai navanababa vanobata nayo vana. “Vanaamai vakakombamira kuva vanyoro navakapfava navana vavo. Vanababa, pane rumwe rutivi, vaitamba zvikuru, vaisekenyedza uye vaitibvura vana vavo zvikuru kupfuura zvaiita vanaamai.”
Asi vanababa vanopa vana zvinopfuura zvinofadza chete. “Uko kuna baba vanoshingaira,” iye anodaro, “mwana anokura kuva anobudirira zvikuru kuchikoro, kuva anofadza zviri nani nokufambidzana navamwe vana zviri nani. Iye anodavira zvikuru maari amene uye anosundwa zviri nani kudzidza. Panguva apo anenge ava namakore matanhatu kana kuti manomwe, IQ yomwana ichava yakakwirira.”
Jehovha Mwari anoraira ukama hwapedyo hwokudzidzisa pakati pababa nomwanakomana: “Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Pano hapana mavambo omukaha wechizvarwa!
Kurovedza Kuvambira Paucheche
Pane nhambo kana kuti nguva mukukura kwavacheche mumakore kuvambira pakuberekwa kusvikira kumakore matanhatu: batano yetsinga, unyanzvi hwokutaura, mavara endangariro, mano eyeuko, mano okufunga, hana, uye zvimwe. Apo uropi hwomucheche hunenge huchikura nokukurumidza uye iyi mwero ichisvika munguva yayo, iyoyo ndiyo nguva yakafanira yokurovedza muaya mano akasiana-siana.
Ipapo ndipo apo uropi hwomucheche hunopinza aya mano kana kuti aya mavara sokupinza mvura kunoita sipanji. Achidiwa, iye anodzidza kuda. Achitaurwa kwaari nokuravirwa, iye anodzidza zvose zviri zviviri kutaura nokurava. Akaiswa pamuti wokutserendendeka nawo, iye anova nyanzvi yokutserendendeka. Akaratidzirwa kukururama, iye anopinza nheyo dzakarurama. Kana iyi mwero yokudzidza yakanaka ikapfuura pasina zvinopinzwa zvakafanira, aya mavara namano zvichava zvakaoma zvikuru kuwana gare gare.
Bhaibheri rinoziva ikoku, naizvozvo iro rinopangira vabereki, kuti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Bhuku retsinhiro reKeil-Delitzsch rinoshandura, kuti: “Ipa kumwana muraidzo zvakanaka kunzira Yake.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “rovedza” rinorevawo “kutanga” uye pano rinoratidzira kutangwa kwomuraidzo wokutanga womucheche. Upe mukuwirirana nenzira yomwana, yakanaka kunzira yake, mukuwirirana nomwero yokukura kwake yaari kupfuura nomairi. Iyoyo ndiyo nguva yakafanira kuti aupinze zviri nyore, uye chaanodzidza mukati maaya makore okukura sezvingabvira chicharamba chinaye.
Uyu ndiwowo murangariro wavadzidzi vazhinjisa vokukura kwavanhu: “Hapana nzvimbo munzvero yokukura kwavana matakaratidzira simba rakasimba rokuchinja mitoo yohunhu yapakuvamba, kana kuti zvimiro zvenzanga zvapakuvamba.” Ivo vanobvuma kuti kunogona kuitika, asi “kazhinji kazhinji, kurapa hakusati kuchizoitwa.” Zvechienzi zvakawanda zvinoitika, zvisinei, kupfurikidza nesimba rezvokwadi yaMwari kuita chinjo.—VaEfeso 4:22, 24; VaKorose 3:9, 10.
Mutauro muenzaniso wakanaka wokurovedza kunopiwa panguva yakarurama. Vana vakarongwa mukuwirirana nokusikwa nokuda kwomutauro, asi kuti gadziriro youropi yakavakirwa mukati yakadaro ishande zvakanaka zvikurusa, mucheche anofanira kuratidzirwa kumazwi omutauro pamwero wakarurama wokukura. Kukura munzvimbo dzokutaura kunoitika pakati pemwedzi 6 ne 12 kana vakuru vakataura kumucheche kazhinji kazhinji. Pakati pemwedzi 12 ne 18 uku kukura kunowedzera sezvo mucheche anonzwisisa kuti mashoko ane revo.
Iye ari kudzidza mashoko asati agona kuataura. Mukati megore rechipiri roupenyu, aya mashoko anogamuchirwa, kana kuti asingataurwe, angabva pamashoko mashomanene kusvikira kumazana anoverengeka. Muapostora Pauro akayeuchidza Timotio kuti “kuvambira paucheche wakaziva manyoro matsvene.” (2 Timotio 3:15, NW) Revo chaiyoiyo yeshoko rokuti “ucheche” ndi“asingatauri.” Sezvingabvira zvikuru Timotio akaravirwa Magwaro Matsvene paakanga achiri mucheche, uye nokudaro iye akaziva mashoko akawanda eBhaibheri asati agona kuataura.
Pfundo ndeiri, pane nguva chaidzo mukukura kwomwana apo zvinhu zvakati zvinogona kudzidzwa nenyore, kanodokuva nokupinza. Kana nguva idzodzo dzikapfuura pasina nyanduro inodikanwa, zvisinei, mano haasati achizokudzwa zvizere. Kana, somuenzaniso, vana vakasanzwa kutaura kupi nokupi kutozosvikira makore gare gare, ivo panguva iyoyo vachakudzidza zvishoma zvikuru uye nenhamburiko zvikuru, uye kazhinji kazhinji zvisina kutongonyatsonaka.
Ravira Mwana Wako Kuvambira Paucheche
Unovamba rini? Kuvambira pamavambo. Ravira achangobva kuberekwa wako. ‘Asi haanzwisisi!’ Wakatanga rini kutaura kwaari? ‘Chokwadi, nokukurumidza, chokwadika.’ Ko iye akanzwisisa zvawakanga uchitaura here? ‘Eya, aiwa, asi . . . ’ Ipapo kuregerereiko kumuravira?
Mucheche ari pamadya pako, ruoko rwako rwakamupoteredza, ari pedyo, iye anonzwa akakotsekana, achidiwa. Kumuravira kwako ndichinoitika chinofadza. Kunoita munembo. Iye anobatanidza kunzwa kwomufaro nokurava. Vana vanotevedzera, uye vabereki ndivo mienzaniso. Iye anoda kukutevedzerai. Iye anoda kurava. Iye anotamba achiti ari kurava. Gare gare iye anowana mufaro wokurava.
Nemhaka yaikoku panouya imwe betsero—iye haasati achiwanzova anonyanyotarisa terevhizheni. Iye haasati achigara akati tuzu akatarira zviuru zvokubaya, kupfura, kubata zvibharo, ufeve, upombwe. Iye anogona kuvhara TV; iye anogona kuzarura bhuku ndokurava. Ibasa rakanaka chose mumazuva ano okusagona kurava nokunyora nokunyanyotarisa TV!
Kuda Mwana Kunotora Nguva
Chokwadika, kunotora nguva kuravira vana. Uye kunotora nguva kutamba nomwana wako, namaoko nokufukidza kumeso, kumutarira sezvaanoongorora, anotanga zviito, anotsvaka zvitsva, anogutsa chishuvo chokuda kuziva, kunonyandura kuda kuita zvinhu. Kutarisira kunotora nguva. Uye unofanira kutanga vana vako vachiri vacheche. Ipapo ndipo panowanzotangira mikaha yezvizvarwa; ivo havawanzomira kusvikira vava vechiduku. Robert J. Keeshan, mutepfenyuri wavana saCaptain Kangaroo, anotaura kuti kunogona kuitika sei:
“Mwana muduku anomirira, chigunwe chiri mukanwa, chidhori chiri muruoko, nokusashivirira, kusvika kumusha kwomubereki. Iye anoda kurondedzera chinoitika chiduku chinofadza. Iye anofadzwa nokugoverana mufaro uyo iye aziva zuva iroro. Nguva inosvika, mubereki anosvika. Aneteswa nezvidyamwoyo zvokunzvimbo yebasa, mubereki kazhinji kazhinji kwazvo anoti kumwana, ‘Kwete zvino, mudiwa. Ndakabatikana, enda undotarira terevhizheni.’ Mashoko anowanzotaurwa zvikurusa mumhuri dzakawanda dzeAmerica, ‘Ndakabatikana, enda undotarira terevhizheni.’ Kana kusiri zvino, rini? ‘Gare gare.’ Asi gare gare wacho haawanzouya . . .
“Makore anopfuura uye mwana anokura. Tinomupa zvokutambisa nezvipfeko. Tinomupa zvipfeko zvomusoni nesitirio asi hatimupi chaanoda zvikurusa, nguva yedu. Iye ava namakore gumi namana, meso ake anoti tuzu, ava muchimwe chinhu. ‘Mudiwa, chii chiri kuitika? Taura kwandiri, taura kwandiri.’ Kwava kunyanyononoka. Kwava kunyanyononoka. Rudo rwatipfuura. . . .
“Patinoti kumwana, ‘kwete zvino, gare gare.’ Patinoti, ‘Enda undotarira TV.’ Patinoti, ‘Rega kubvunza mibvunzo yakawanda kudaro.’ Patinokundikana kupa vanhu vaduku vedu chinhu chimwe chavanoda kwatiri, nguva yedu. Patinokundikana kuda mwana. Hatisi kuva vasiri vasingaitiri hanya. Tiri kungova zvedu vakanyanyokubatikana zvokusagona kuda mwana.”
Ichokwadi, kuda mwana wako kunotora nguva. Kwete chete nguva yokudyisa muviri wake nezvokudya nokuisa zvipfeko pamusana pake asi nguva yokuzadza mwoyo wake norudo. Kwete rudo runoyerwa, uye runopimwa asi runopfachukira uye “rudo rusina mufungo” seizvo Burton L. White, munyori weThe First Three Years of Life, anokudana. Iye akati: “Kusachenjera zvikuru kuti vabereki vanoshanda vaendese basa rokurera mwana rokutanga kumumwe munhuwo zvake, zvikurukuru kutarisiro yekirechi. Zvino, ndakakandirwa matimati akawanda nemhaka yokutaura ikoko, asi itiro hanya yangu dzichiri chakanakisisa nokuda kwavana.” Iye ari kuona ikoku sokuri “chakanakisisa nokuda kwavana,” bva kuziva ichi chakanaka hakubviri nguva dzose mune zvemari umo mumwe kana kuti kunyange vabereki vose vari vaviri vanofanira kushanda.
Chirango—Nhau Isingatani Kugumbura!
Matimati akawanda anokandirwawo kuBhaibheri nemhaka yezano raro pamsoro pechirango. “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.” (Zvirevo 13:24) Paiyi ndima New International Version Study Bible mashoko omunyasi inoti: “shamhu. Zvimwe dimikira rechirango chorudzi rupi norupi.” Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words inorondedzera “shamhu” se“tsvimbo, sechiratidziro chokutonga.”
Kutonga kwavabereki kungabatanidza kumbamura, asi kazhinji kazhinji zvikuru hakufaniri kudaro. Mukuwirirana na 2 Timotio 2:24, 25, maKristu anofanira kuva “manyoro kuvose, . . . anoraidza nounyoro.” Shoko rokuti “kuraidza” pano rinoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rechirango. Chirango chinofanira kupiwa nerangariro kumirangariro yavana: “Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwa[Jehovha (NW)].”—VaEfeso 6:4.
Voruzivo rwokushanda kwendangariro vachitsigira madiro vanoti kana ukambamura mwana wako unomuvenga. Hakusi chokwadi. Madiro akashata. Iwo akaparira usindimari hwepwere hwakawanda noutsotsi mupasi rose uye akaparira nhamo kumamirioni avabereki. Kwakaita sezvinotaura Zvirevo 29:15, kuti: “Mwana wangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” Pasi pomusoro unoti “Rumano runopesana navabereki vamadiro,” Dr. Joyce Brothers anoti:
“Fundo yemisi ichangobva kupfuura iyi yavari mumagiredhi echishanu neechitanhatu vanodokusvika 2 000—vamwe vavo vakanga varerwa navabereki vane rumano, vamwe navane madiro—yakabudisa miuyo inoshamisa. Vana vakanga varangwa norumano vaiva nokuzviremekedza kwakakwirira uye [vaiva] vanowana zvakakwirira, munzanga uye mudzidzo.” Ko ivo vaivenga vabereki vavo vane rumano here? Aiwa, “ivo vakadavira kuti mitemo yavabereki yakanga yaitwa nokuda kwezvakanaka zvavana vamene—uye yaiva ratidzirwo yorudo rwavabereki.”
White anotaura kuti kana iwe une rumano nomwana wako, haufaniri kutya “kuti achakuda zvishoma kupfuura kudai wairegerera. Vana mumakore maviri okutanga oupenyu havavi vakaparadzana navatarisiri vavo vokutanga zviri nyore zvikuru; kunyange kana ukavambamura nguva dzose, uchawana kuti vacharamba vachidzokera kwauri.”
Hurukuro Yakanakisa Yedzose
Ndiwe. Muenzaniso wako. Iwe uri muenzaniso womwana wako. Iye anoteerera zvikuru kuzvauri kupfuura chaunotaura. Iye anonzwa mashoko ako, asi anotevedzera mabasa ako. Mwana wako mutevedzeri. Naizvozvo, unoda kuti ave chii? Anoda, ane mutsa, ane rupo, anofunda, akangwara, anobishaira, mudzidzi waJesu, munamati waJehovha here? Chipi kana chipi chachiri, iwe umene iva ichocho.
Nokudaro, rovedza mwana wako kuvambira paucheche, apo uropi hwake hunenge huchikura nokukurumidza, huchinyudza mashoko emirangariro yendangariro nomwoyo. Asi kana makore okukura iwayo anotambudza akapfuura uye hunhu hwoumwari husina kurovererwa mumwana wako, ipapo chii chinoitika? Usaora mwoyo. Chinjo inogona kungoitika uye iri kuitika nokuda kwamamirioni, vose vari vaviri vaduku navakuru, kupfurikidza nesimba raMwari. “Bvisai hunhu hwekare namabasa ahwo,” Shoko raMwari rinodaro, “uye zvipfekedzei mumene hunhu hutsva, kupfurikidza nezivo yakarurama huri kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo waIye akahusika.”—VaKorose 3:9, 10, NW.
[Mufananidzo uri papeji 20]
Nababa: Nguva yokurava, nguva yokutamba
[Mufananidzo uri papeji 22]
Nguva yokushamba inogona kufadza