KAMAL VIRDEE | NYAYA YEUPENYU
“Ndaida Kuti Munhu Wese Abatwe Zvakanaka”
Muna August 1973, ini nevanin’ina vangu vaviri takapinda Gungano Renyika Dzakawanda rainzi “Kukunda kwaMwari” muTwickenham kuEngland. Pagungano iri takaonana naHama Edwin Skinner, avo vakanga vari kushanda semumishinari kuIndia kubva muna 1926. Pavakangoziva kuti tinotaura chiPunjabi, vakati: “Muri kuitei kuno? Huyai kuIndia!” Ndizvo zvatakabva taita, uye ndopandakatanga kushanda mundima yePunjabi. Asi regai ndimbokuudzai zvimwe nezveupenyu hwangu.
Ndakazvarwa muna April 1951, muNairobi kuKenya. Vabereki vangu vaibva kuIndia uye taipinda chitendero chechiSikh. Baba vakatora mumwe mudzimai wechipiri. Amai vaisava nezvavaigona kuita kunze kwekutozvitambira. Amai vangu namainini vaiwanzobereka vana panguva imwe chete. Saka amai vangu vaiva nevana 4, mainini vaiva ne2, uye taigarawo nemwana wemukoma wababa. Muna 1964, pandakanga ndichangosvitsa makore 13, baba vangu vakashaya.
Kunetseka Nekusabatwa Zvakaenzana Kwevanhu
Ndakakura ndichingoona vanhu vachinetsana uye vachisarurana. Pandakazodzidza Bhaibheri, ndakaona kuti mhuri yedu yairarama upenyu hwakada kufanana nehunotaurwa muBhaibheri hwaReya naRakeri. Pamba pataigara taiva nevashandi, uye taidzidziswa kuvaona sevanhu vakaderera nekuti vaiva vanhu vemuKenya. Baba vangu vaida kuti tishamwaridzane nevavakidzani vedu vaibva kuEurope, nekuti vaiti tinogona kudzidza kubva kwavari. Asi vaiti taisafanira kutamba nevanhu vemuAfrica nekuti vaiti hapana chataigona kudzidza kwavari. Vaisadawo kuti titambe nevanhu vaibva kuPakistan, sezvo vainzi vaiva mhandu dzedu. Ndaida kuti munhu wese abatwe zvakanaka uye ndaiona kuti baba vangu vakanga vakarasika.
Chitendero chechiSikh chakatangwa kuma1500 naGuru Nānak. Ndaitenda dzidziso dzaNānak, kusanganisira pfungwa yekuti kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi. Asi kusabatwa zvakanaka kwaiitwa vanhu muchitendero chechiSikh kwakaita kuti nditange kuva nepfungwa mbiri nezvechitendero ichi.
Asi handizvo zvega zvaindinetsa. Sezvo chitendero chechiSikh chaingova nemazana mashoma emakore chatanga, ndaiwanzonetseka kuti: ‘Vanhu vaimbonamata sei chisati chavapo? Ndeipi yaiva nzira yekutanga yekunamata yaigamuchirwa naMwari?’ Mumba medu taiva nemakarenda ainge akaturikwa kumadziro aiva nemifananidzo yevanhu 10 vaiva nemukurumbira muchitendero chechiSikh. Asi zvaindinetsa kuti: ‘Takazoziva sei kuti izvi ndizvo zvainge zvakaita zviso zvavo? Nei tichifanira kukotamira mifananidzo yevanhu ava vane mukurumbira sezvaiita mhuri yedu nevamwewo vanhu, asi vanhu vacho vari pamifananidzo yataipfugamira vaidzidzisa kuti tinofanira kunamata Mwari mumwe chete wechokwadi?’
Muna 1965, pandakanga ndava nemakore 14, mhuri yedu yakatamira kuIndia. Upenyu hwakanga hwakatiomera ikoko nekuti takanga tisisina mari. Pashure perinenge gore, takatanga kutama tichienda kuEngland. Taitama tiri vaviri vaviri, uye takanogara muLeicester.
Pandakanga ndava nemakore 16, ndakatanga kushanda mabasa akawanda emaoko apa ndichienda kuchikoro usiku kuti ndienderere mberi nechikoro chandakanga ndambosiyira panzira. Asi kubasa ikoko vanhu vaisabatwa zvakanaka. Semuenzaniso, vagari vemuEngland vaibhadharwa kupfuura vanhu vainge vabva kune dzimwe nyika. Ndaida kuti vanhu vabatwe zvakanaka saka ndakatanga kurwira kodzero dzevashandi. Ndakaronga kuti vakadzi vaibva kune dzimwe nyika varege kuenda kubasa kusvika vava kubhadharwa zvakafanana nevamwe. Ndaida kuti vanhu vabatwe zvakanaka.
Kuwana Nzira Yekugadzirisa Dambudziko Redu
Ndakatanga kuonana neZvapupu zvaJehovha muna 1968, Zvapupu zviviri zvechirume pazvakagogodza padhoo rangu. Vimbiso yekuti Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vese vabatwe zvakanaka yakandibata-bata. Mumwe wavo akazodzoka kuzondiona aine mudzimai wake. Ndakatanga kudzidziswa Bhaibheri pamwe chete nevanin’ina vangu, Jaswinder uyo aiva wemudumbu raamai vangu uye Chani uyo aiva wekwamainini. Pashure pezvidzidzo 6 chete, takanga tava kunyatsoona kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi, Bhaibheri ndiro Shoko raMwari, uye kuti Umambo hwaMwari ndihwo hwega huchaita kuti vanhu vese vanyatsobatwa zvakanaka.
Asi vanhu vemumhuri medu vakapikisa zvakasimba kudzidza kwataiita. Baba vangu pavakashaya, hanzvadzi yangu yekwamainini ndiyo yakabva yava musoro wemhuri. Mainini vakamufurira kuti atange kutipikisa. Aiwanzorova vanin’ina vangu Jaswinder naChani, achivabanha nebhutsu dzaiva nesimbi kumberi. Aiziva kuti sezvo ndainge ndava nemakore 18, ndaiva nekodzero yepamutemo yekusarudza zvandaida, asi vanin’ina vangu aigona kuvaita zvaaida. Mumwe musi akatora Bhaibheri akarivhura akaritungidza, akabva ariisa kumeso kwavo achiti, “Kumbirai Jehovha wenyu kuti adzime moto wacho!” Panguva iyoyo tainge tangopinda misangano mishomanana tichitoita zvekuverevedza. Taida chaizvo kunamata Mwari wechokwadi chete, Jehovha. Asi zvaiita sekuti zvaisazokwanisika. Saka takafunga kuti titize pamba totsvaga kumwe kwekugara. Taizozviita sei?
Takatanga kuchengeta mari yataifanira kushandisa kutenga zvekudya zvedu zvemasikati uye kukwira bhazi. Pamari yandaitambira ndaibvisawo imwe ndopa mainini imwe yacho. Takatenga masutukezi 3 ayo ataichengetera kune imwe nzvimbo uye taitenga hembe zvishoma nezvishoma kusvikira azara. Muna May 1972, Jaswinder paakanga ava kuda kusvitsa makore 18 uye tava nemari inosvika 100 pounds (US$260), takakwira chitima takananga kuPenzance iri nechekumaodzanyemba kweEngland. Patakasvika muPenzance, takafonera Zvapupu zveko tichishandisa mafoni aishandiswa neveruzhinji. Hama dzacho dzakatigamuchira nemufaro. Takawana mabasa akasiyana-siyana, kusanganisira ekutumbura hove, kuitira kuti tiwane mari yepekugara.
Takatanga kudzidziswa Bhaibheri nemumwe murume nemudzimai vechikuru vainzi, Harry naBetty Briggs. Muna September 1972, takabhabhatidzirwa pedyo nechikuva cheImba yeUmambo yekuTruro uye hama dzedu dzakanga dzisati dzava kuziva kwatiri. Chani akatanga kupayona, uye ini naJaswinder taimutsigira nemari.
Kushumira Kunodiwa Vaparidzi
Kunyange zvazvo Harry naBetty vakanga vava kuda kutosvitsa makore 90, vaiwanzoenda kuIsles of Scilly, pedyo nemahombekombe ari nechekuchamhembe kweEngland kuti vanoparidza ikoko. Zvavaiita zvakaita kuti tidewo kuvatevedzera. Saka muna 1973, pashure pekutaura naHama Skinner, sezviri patangira nyaya ino, takaziva zvataifanira kuita.
Muna January 1974, takatenga matiketi ekuenda kuNew Delhi, kuIndia, uye Hama Dick Cotterill vakatibvumira kuti tigare paimba yemamishinari sevaenzi. Chani akava piyona wenguva dzese uye ini naJaswinder takawedzerawo nguva yataiita tichiparidza.
Pasina nguva takazoendeswa kunharaunda yePunjab, iri nechekuchamhembe kweIndia, uko kwatakagara kwekanguva muimba yemamishinari yaiva muguta reChandigarh tikabva tazowana pedu pekurenda. Ndakatanga kushanda sapiyona wenguva dzese muna September 1974 uye ndakakokwa kuti ndishande sapiyona chaiye muna 1975. Kuparidza kwakaita kuti ndione kuti paidiwa mabhuku emutauro wechiPunjabi kuitira kuti vanhu vakawanda vadzidze kuti Jehovha ane rudo uye haasaruri. Muna 1976, hofisi yebazi yemuIndia yakatidaidza tiri vatatu kuti tibatsire pakushandura mabhuku kuti ave mumutauro wechiPunjabi. Takanga tisina matapureta kana makombiyuta, saka basa racho rainge rakaoma. Taifanira kutoita zvekunyora neruoko tozonyatsoverenga kuti tione kana pasina patakanganisa. Zvadaro taizoenda kunoprinda kukambani yaiva pedyo yaiva nemichina yekare, iyo yataiita zvekuisa bhii rimwe chete panguva.
Ungano yedu muChandigarh, kunharaunda yePunjab, kuIndia
Kufara Pasinei Nematambudziko Eutano
Zvinhu zvakangoerekana zvachinja. Jaswinder akaroorwa neimwe hama vachibva vatamira kuCanada. Chani akaroorwa neimwe hama yekuGermany yainge yashanya kubva kuUnited States uye vakabva vakatamira ikoko. Ini ndakazorwara zvakanyanya zvekuti ndaifanira kudzokera kuEngland muna October 1976. Amai vangu nehanzvadzi yangu, avo vakanga vasingapikisani nezvandinotenda, vaigara muLeicester uye vakanditambira zvakanaka. Ndakabatwa chirwere chisingawanzobati vakawanda chinonzi Evans syndrome, icho chinouraya masero emuviri, uye ndaifanira kuoparetwa. Saka ndaifanira kumira kupayona.
Ndakanyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese ndichiti kana ndaizongopora chete ndaibva ndatangazve kupayona. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita! Kunyange zvazvo ndaimborwara, ndakatamira kuWolverhampton muna 1978, uko kwandakanopayona munzvimbo yainyanya kutaurwa chiPunjabi. Tainyora nemaoko mapepa ekukoka vanhu kumisangano uye taizoenda kunoaprinda pazvitoro zvaiva pedyo. Taibva taapa vanhu vaitaura chiPunjabi, tichivakoka kuhurukuro yeBhaibheri. Iye zvino muBritain mava neungano 5 dzechiPunjabi nemapoka matatu.
Bazi rekuBritain raiziva kuti ndakamboita basa rekushandura mabhuku edu ndichiaisa mumutauro wechiPunjabi muIndia. Saka bazi rakataura neni makore ekuma1980 ava kunopera. Ndakatanga kuenda kunobatsira paBheteri remuLondon ndichishanda ndichibva kumba. Ndaibatsira pakugadzira mapurogiramu epakombiyuta uye pakuongorora kuti mabhuku edu aizonyorwa sei pamanyorero echiGurmukhi. Ndaiva nezvakawanda zvekuita, ndaienda kubasa, ndairiritira amai avo vaigara kure, uye ndaienda kunobatsira paBheteri. Asi zvaifadza chaizvo kuita basa iri.
Ndichidzidziswa basa paBheteri muLondon makore ekuma1980 ava kupera
Muna September 1991, ndakakokwa kuti ndishande ndichigara paBheteri ndichibatsira pakushandura mabhuku eBhaibheri muchiPunjabi. Ndakanga ndisingambozvitarisiri. Ndaiona sekuti handina kunyatsokodzera, ndairwara, uye ndainge ndapfuura makore anodiwa kuti munhu atange kushanda paBheteri. Asi Jehovha akaita kuti ndiwane chikomborero ichi. Ndainakidzwa nekushanda paBheteri, asi urwere hwangu hauna kupera. Nyaya yekuwedzerwa ropa yaigara ichinetsa, kusanganisira pandaiitwa chemotherapy. Vanachiremba vakashamisika chaizvo nekupora kwandaiita zvekuti ndakakokwa kumusangano waiva navanamazvikokota vezvekurapa vanoda kusvika 40 wakaitirwa pachipatara chikuru chiri muLondon. Ndakataura kwemaminitsi 10 nezvezvandinotenda panyaya yekuwedzerwa ropa, uye pakazova nechikamu chemibvunzo nemhinduro chakazoitwa nehama yaiva muDhipatimendi reMashoko Ane Chekuita Nezvipatara.
Panguva idzi dzese dzakaoma, vanin’ina vangu Jaswinder naChani vakaramba vachinditsigira, uye ndinotenda chaizvo kubatsirwa uye kutsigirwa kwandakaitwa nemhuri yeBheteri nedzimwewo hama. Pamiedzo yese yandakasangana nayo, Jehovha akaramba achindipa simba rekuti ndirambe ndichiita basa rangu.—Pisarema 73:26.
Kukomborera kwaJehovha Kunopfumisa
Mumakore 33 apfuura ndiri paBheteri, ndakwanisa ‘kuravira uye kuona kuti Jehovha akanaka.’ (Pisarema 34:8; Zvirevo 10:22) Mienzaniso yevakwegura vakatendeka inondipa simba. Ndinofara kuti ndakaona vanhu vakawanda vechiPunjabi vandakadzidzisa Bhaibheri kusvika vava vashumiri vaJehovha vakavimbika. Ndinowirirana nevanhu vemumhuri medu. Amai vangu nehanzvadzi yangu havasi Zvapupu, asi amai vanogara vachiti, “Wakanyatsozvipira kuna Mwari.” Uye pandakamboda kusiya basa repaBheteri kuti ndinochengeta amai vangu avo vakwegura, hanzvadzi yangu yakati: “Uri kuita basa rakanaka. Gara hako ikoko.” Kunyange zvazvo amai vangu vava kuchengetwa paimba inogara vanhu vakwegura iri kure neBheteri, ndinovashanyira kakawanda sezvandinokwanisa.
Pese pandakasangana nemuedzo muupenyu hwangu, ndaingozviudza kuti: ‘Usatye, Kamal. Jehovha ndiye anokuchengetedza. Uchawana mubayiro wakakura.’ (Genesisi 15:1) Ndinotenda Jehovha, “Mwari anoita zvakarurama,” nekundicherechedzawo ndichiri mudiki uye kundipa basa rinogutsa. (Isaya 30:18) Ndinotarisira chaizvo kurarama panguva yapanenge pasisina “achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.
Ndiri paBheteri remuChelmsford