IBOLYA BARTHA | NYAYA YEUPENYU
Murume Wangu Akagamuchira Chokwadi ‘Pasina Shoko Randakataura’
Pane zvinhu zvakawanda zvakanaka zvakaita kuti ndide kuswedera pedyo naJehovha. Ndakabayiwa mwoyo nerudo rwairatidzwa neZvapupu uye ndakafarira kudzidzisa kwavaiita chokwadi zvichibva muBhaibheri. Ndakafara chaizvo pandakadzidza kuti Mwari ane hanya nesu chaizvo uye ane ramangwana rakazonaka raakatirongera. Asi murume wangu haana kuzvifarira, uye izvi zvakakonzera matambudziko.
Pamuchato wedu
Ndakazvarwa muna 1952 muRomania. Kunyange zvazvo amai vangu vaiva Chapupu chakabhabhatidzwa, ndaisapinda misangano nekuti vakanga vasisaiti zvinhu zvekunamata. Uyezve, Romania yaitongwa nehurumende yechiCommunist, saka mabasa eZvapupu ekuparidza nekuprinda mabhuku airambidzwa. Saka kwemakore 36 ekutanga eupenyu hwangu, ndaisamboziva kuti Jehovha ndiani uye kuti Bhaibheri rinotaura nezvei. Asi muna 1988, pandakanga ndava kugara muguta reSatu-Mare nemurume wangu, pane zvakaitika zvakachinja upenyu hwangu.
Handina Kumbofunga Kaviri
Rimwe zuva amai vangu vakauya kuzondiona. Vakanditi: “Ndiri kuenda kunoona sisi vangu. Tadii taenda tese, tozoenda kunotenga zvinhu tabva ikoko?” Sezvo paisava nezvandanga ndiri kuita, ndakabvuma kuenda navo.
Patakasvika pamba pavo, takavasvikira vari pakati pemusangano weZvapupu zvaJehovha vaine vamwe vanhu vanenge 9. Ipapo ndopandakaona kuti amai vakanga vava kushumirazve Jehovha, vachishanda nesimba mubasa rake. Zvandakanzwa mangwanani iwayo, handina kuzombofa ndakazvikanganwa nekuti zvakanyatsondisvika pamwoyo.
Patakapedza musangano wacho, hama yaiitisa yakauya kwandiri ichizvisuma. Yakati: “Ndinonzi János. Ndaona kuti wanga uchinyatsoteerera. Wafarira zvawanzwa nhasi here?” Ndakaiudza kuti ndakanga ndisati ndambopinda musangano wakadai uye ndaida kuzouya futi. Yakabva yati, “Ungada here kudzidza Bhaibheri?” Handina kumbofunga kaviri nezvazvo. Ndakaona kuti Mwari ndiye akanga aita kuti ndionane nevanhu ava.
Zuva rakatevera racho, János akaita kuti ndizivane naIda, uyo akazotanga kudzidza neni Bhaibheri. Asi ndaitya kuti murume wangu István azoita sei paaizoziva kuti ndakanga ndava kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakaedza kakawanda kumutaurira nezvazvo, asi pese pandaitaura naye aisamboda kuzvinzwa. Ndaiziva kuti aisafarira kudzidza kwandaiita.
Kunyange zvakadaro, ndakaramba ndichidzidza Bhaibheri zvekuti ndakazobhabhatidzwa muna August 1989. Pashure pemwedzi 4, hurumende yechiCommunist yaitonga muRomania yakakundwa uye mutungamiriri wayo akaurayiwa.
Kuwedzera Kupikiswa
Hurumende payakachinja, takava nerusununguko rwakawedzera. SeZvapupu zvaJehovha takanga takukwanisa kupinda misangano uye kuparidza takasununguka. Asi rusununguko irworwo rwaizoita kuti ndiwedzere kupikiswa. István akanditi, “Handina dambudziko nekuti unotendei, asi handidi kuti uparidze paimba neimba.”
Ndakanga ndisiri kuzofa ndakarega kuparidza. (Mabasa 4:20) Saka ndakaedza kuzviita nekungwarira. Asi rimwe zuva, shamwari dzaIstván dzakandiona ndichiparidza paimba neimba dzikabva dzaudza István. Pandakazodzokera kumba, murume wangu akandipopotera achiti, “Uri kundinyadzisa!” Akandibatira banga pahuro akandityisidzira kuti aizondiuraya kana ndikasarega kuparidza.
Ndakaedza kutaurirana naIstván uye kuita kuti ave nechokwadi chekuti ndinomuda. Zvandakamuudza zvakambobatsira kuti adzore hasha dzake. Asi pandakaramba kupinda muchato wechitendero weimwe hama yepedyo, akaviruka nehasha. Izvi zvakaita kuti atowedzera kundituka.
Kwemakore 13, ndaitofanira kutsungirira hasha dzaIstván. Mumakore iwayo, aindityisidzira achiti aida kundiramba. Dzimwe nguva aikiya dhoo ndiri panze, ondirambidza kupinda mumba. Pamwe pacho, aindiudza kuti ndirongedze twangu ndiende.
Chii chakandibatsira kuti nditsungirire zvinhu izvozvo zvairwadza? Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuramba ndakadzikama, uye ndakanyatsoona achinditsigira. (Pisarema 55:22) Ungano yakandibatsirawo chaizvo. Vakuru nedzimwe hanzvadzi dzakakura pakunamata vakandikurudzira kuti ndisaneta paushumiri hwangu. Vakandiyeuchidza zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pemadzimai anobatsira varume vavo kuti vagamuchire chokwadi ‘pasina shoko ravanotaura’ nekuramba vakasimba uye vakavimbika kuna Jehovha. (1 Petro 3:1) Nekufamba kwenguva, ndozvakazoitikawo kwandiri.
Zvinhu Zvese Pazvakachinja
Muna 2001, István akaita stroke zvekuti akasara asisagone kufamba. Akaita mwedzi ari muchipatara uye akaitawo mavhiki akawanda achibatsirwa kuti akwanise kuzozviraramira. Munguva iyoyo, ndakaramba ndiinaye nguva dzese. Ndaimupa zvekudya, ndaitaura naye uye ndaiva nechokwadi chekuti ane zvese zvaanoda.
Hama nehanzvadzi dzemuungano dzakauyawo kuzomuona. István akazvionera ega kuti vaiva nerudo uye nehanya nehama nehanzvadzi. Vakawanda vaitibatsira nemabasa epamba. Uye vakuru vaigara vakagadzirira kutinyaradza uye kutitsigira.
Kutishanyira kwavaitiita kwakabata István zvekuti akatanga kunyara nemabatiro aaindiita. Akaonawo kuti hapana kana shamwari yake imwe chete yakauya kuzomuona. Saka paakabuda muchipatara, István akati, “Ndinoda kudzidza Bhaibheri uye kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Ndakaita kubuda misodzi nekufara.
Muna May 2005, István akabhabhatidzwa. Sezvo aisagona kufamba, hama dzakamusunda ari muwiricheya kusvika paibhabhatidzirwa vanhu, dzikamutakura zvinyoronyoro, dzikamupinza mumvura dzichibva dzamubhabhatidza. István akava muparidzi weUmambo anoshingaira. Ndinofara pandinofunga nezvenguva dzataiva tese tiri muushumiri. Zvaishamisa! Kufunga kuti murume uya aimbondipikisa pandaiparidza chokwadi cheShoko raMwari, akanga ava neni achiudzawo vamwe mashoko akanaka achifara, kunondibaya mwoyo!
István ainyatsoda Jehovha uye aishandisa nguva yake kudzidza nekuziva nemusoro mavhesi eBhaibheri. Aifarira kukurukura nevamwe vemuungano mavhesi iwayo. Aishandisa mikana iyoyo kukurudzira hama nehanzvadzi.
Ndine shamwari dzangu pagungano remunharaunda
Utano hwaIstván hwakaramba huchiderera. Akaita mamwe mastroke, zvekuti akanga asisagone kutaura uye akazopedzisira asisakwanisi kumuka. Izvi zvakamutadzisa kuramba achishumira Jehovha here? Kana! Akaramba achiverenga uye achidzidza kusvikira paaikwanisa. Hama padzaimushanyira aishandisa kakombiyuta kane kascreen kuti akurukure navo uye asimbise kutenda kwavo. Imwe hama yakati: “Ndinofarira kuona István. Pese pandinomuona ndinodzokera kumba ndazorodzwa uye ndawana simba.”
Zvinosuruvarisa kuti muna December 2015, István akazoshaya. Ndainge ndarasikirwa zvikuru uye zvakandirwadza chaizvo. Asi panguva imwe chete, ndainzwawo ndine rugare rwemupfungwa. Zvakanga zvakadaro nekuti pachine nguva István asati ashaya, akanga ava shamwari yaJehovha. Izvozvo zvinondifadza chaizvo. Jehovha anoyeuka István naamai vangu. Ndichafara kuvaonazve uye kuvambundira munyika itsva yaJehovha yakarurama.
Papfuura makore 35 kubvira pandakaenda naamai vangu kunoona sisi vavo, asi handife ndakakanganwa zvakaitika musi iwoyo. Ndava nemakore anoti pfuurei 70 uye ndiri piyona wenguva dzese. Handizivi kuti ndingatenda sei Jehovha nezvese zvaakandiitira. (Pisarema 116:12) Akandibatsira kuti ndirambe ndakavimbika uye ndakadzikama pandaipikiswa. Uye pasinei nekupikiswa ikoko, ndakadzidza kuti zvinhu zvinogona kuchinja. Kunyange zvazvo ndaisambozvifungira, murume wangu akagamuchira chokwadi pasina shoko randakataura.