RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 33
  • Zvakazarurwa 21:1—“Denga Idzva Nenyika Itsva”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakazarurwa 21:1—“Denga Idzva Nenyika Itsva”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naZvakazarurwa 21:1
  • Mashoko akapoteredza Zvakazarurwa 21:1
  • Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvakazarurwa 21:4—“Achapukuta Misodzi Yese”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 33

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Zvakazarurwa 21:1—“Denga Idzva Nenyika Itsva”

“Uye ndakaona denga idzva nenyika itsva; nekuti denga rekare nenyika yekare zvakanga zvisisipo, uye gungwa rakanga risisipo.”—Zvakazarurwa 21:1, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo.”—Zvakazarurwa 21:1, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Zvinorehwa naZvakazarurwa 21:1

Vhesi iyi inoshandisa mashoko ekufananidzira ichitaura kuti Umambo hwaMwari hwekudenga huchatsiva hurumende dzese dzevanhu. Umambo hwaMwari huchabvisa vanhu vakaipa uye huchatonga vanhu vanoda kuzviisa pasi pekutonga kwahwo.

Zvinhu zvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa nemuapostora Johani akazvinyora pashure pekunge aoneswa zviratidzo. (Zvakazarurwa 1:1) Saka zvine musoro kuti titi denga uye nyika zvinotaurwa muvhesi iyi ndezvekufananidzira. Aripowo zvekare mamwe mavhesi anotaura ‘nezvematenga matsva’ uye “nyika itsva” zvekufananidzira. (Isaya 65:17; 66:22; 2 Petro 3:13) Kuongorora mavhesi iwayo nedzimwe nyaya dziri muBhaibheri zvinotibatsira kuziva chinenge chichirehwa.

“Denga idzva.” Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “denga” richireva utongi kana kuti hurumende. (Isaya 14:12-14; Dhanieri 4:25, 26) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti muzviratidzo zvaioneswa vaprofita vaMwari “denga rinofananidzira umambo kana kuti hurumende iri kutonga.”a Pana Zvakazarurwa 21:1, “denga idzva” rinenge richireva Umambo hwaMwari. Hurumende iyi yekudenga, iyo inonziwo “Umambo hwekudenga,” inotaurwa mubhuku rese raZvakazarurwa uye mune mamwe mabhuku eBhaibheri. (Mateu 4:17; Mabasa 19:8; 2 Timoti 4:18; Zvakazarurwa 1:9; 5:10; 11:15; 12:10) Umambo hwaMwari, uhwo hunotongwa naJesu saMambo, huchatsiva “denga rekare,” kureva hurumende dzese dzevanhu.—Dhanieri 2:44; Ruka 1:31-33; Zvakazarurwa 19:11-18.

“Nyika itsva.” Bhaibheri rinotaura kuti nyika iyo yatiri kugara pairi haisi kuzomboparadzwa kana kubviswa. (Pisarema 104:5; Muparidzi 1:4) Saka nyika yekufananidzira yacho ndeipi? Bhaibheri rinowanzoshandisa shoko rekuti “nyika” kureva vanhu. (Genesisi 11:1; 1 Makoronike 16:31; Pisarema 66:4; 96:1) Saka “nyika itsva” inofanira kunge ichireva vanhu vanoda kuzviisa pasi pehurumende yaMwari yekudenga. “Nyika yekare,” kana kuti vanhu vanopikisana neUmambo hwaMwari, ichapfuura.

“Gungwa rakanga risisipo.” Zvinhu zviri pana Zvakazarurwa 21:1 ndezvekufananidzira uye ndizvowo zvekare ‘negungwa’ rinotaurwa ipapo. Gungwa rinowanzokurumidza kunyanduka saka zvakakodzera kuti rimiririre vanhu vari kukonzera matambudziko panyika nekuti vari kuita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (Isaya 17:12, 13; 57:20; Zvakazarurwa 17:1, 15) Naivowo vachange vasisiko. Pisarema 37:10 inoti: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve, uchatarisa pavaiva, asi vanenge vasisipo.”

Mashoko akapoteredza Zvakazarurwa 21:1

Bhuku raZvakazarurwa rakataura zvaizoitika “muzuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) Maererano neuprofita hweBhaibheri, zuva iroro rakatanga muna 1914 Jesu paakatanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari.b Asi haana kubva atotanga kutonga pasi rese panguva iyoyo. Humwe uprofita hunoratidza kuti zvinhu zvaizowedzera kuipa nechekwekutanga ‘kwezuva raShe.’ Nguva iyoyo inonzi “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5, 13; Mateu 24:3, 7; Zvakazarurwa 6:1-8; 12:12) Mazuva iwayo akaoma kurarama maari uye azere nematambudziko paachapera, Umambo hwaMwari huchabvisa denga nenyika zvekare zvekufananidzira hwoita kuti pave nerugare nerunyararo. Vaya vanenge vachitongwa neUmambo, avo vanomiririrwa ‘nenyika itsva,’ vachanakidzwa nekurarama upenyu hwakanaka vaine utano hwakanaka.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Verenga Zvakazarurwa chitsauko 21 muBhaibheri rekudzidza reChirungu reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Bhaibheri iri riri nyore kuverenga, rine zvakarekodhwa, rine manotsi anotsanangura mavhesi, rinoratidza mamwe mavhesi anoenderana nearimo, rine mapikicha, mavhidhiyo uye mamepu.

Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa.

a McClintock and Strong’s Cyclopedia (1891), Volume IV, peji 122.

b Ona nyaya yakanzi “Maverengerwo Enguva muBhaibheri Anoratidzei Nezvegore ra1914?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe