RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 32
  • Johani 15:13—“Hakuna Rudo Runopfuura Urwu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johani 15:13—“Hakuna Rudo Runopfuura Urwu”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naJohani 15:13
  • Mashoko akapoteredza Johani 15:13
  • Uri Pakati Peavo Vanodiwa naMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Zvatinodzidza ‘Pamudzidzi Aidiwa naJesu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Johani 14:6—“Ndini Nzira Nechokwadi Neupenyu”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 32

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 15:13—“Hakuna Rudo Runopfuura Urwu”

“Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.”—Johani 15:13, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Hakuna rudo runopfuura urwu rwokuti munhu anofira shamwari dzake.”—Johani 15:13, Bhaibheri Dzvene muChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naJohani 15:13

Jesu aibatsira vateveri vake kuti vanzwisise kuti rudo rwavo rwaifanira kunge rwakadzama zvekusvika pakufira mumwe munhu.

Asati ataura mashoko iwayo, Jesu akanga audza vaapostora vake kuti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sekuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12) Jesu akaratidza vadzidzi vake rudo rwakaita sei? Rwaiva rudo rwepachokwadi, rudo rwekuzvipira. Paaiita ushumiri hwake pano panyika, ainyanya kufunga zvaidiwa nevadzidzi vake uye vamwe vanhu kupfuura zvaaida iye. Akarapa vanhu vairwara uye akavadzidzisa nezveUmambo hwaMwari.a Aitoita kunyange mabasa akaderera kuitira kuti abatsire vamwe. (Mateu 9:35; Ruka 22:27; Johani 13:3-5) Asi pana Johani 15:13, Jesu aitaura nezverudo rwakakura kupfuura ipapo. Pasina kana nguva yakareba abva kutaura mashoko iwayo akaratidza rudo irworwo rukuru “nekupa upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.” (Mateu 20:28; 22:39) Saka akaratidza nenzira inoshamisa kuti aida vanhu kupfuura kuda kwaaizviita.

Jesu anoda vanhu. Asi anonyanya kuda vaya vanotevera dzidziso dzake. Aiona vadzidzi vake seshamwari dzake dzepedyo nekuti vaiteerera mirayiro yake uye vakaramba vainaye mumiedzo yake. (Ruka 22:28; Johani 15:14, 15) Izvozvo zvakaita kuti awedzere kuda kupa upenyu hwake achiitira ivo.

VaKristu vepakutanga vakanyatsoshandisa mashoko aJesu, uye vainge vakazvipira kufira vamwe vavainamata navo. (1 Johani 3:16) Rudo rwekuzvipira, urwo rwakaratidzwa naJesu, ndirwo rwaizonyanya kubudisa pachena kuti vaKristu vechokwadi ndevapi.—Johani 13:34, 35.

Mashoko akapoteredza Johani 15:13

Zvitsauko 13 kusvika 17 zveEvhangeri yaJohani zvinotaura nezvezano rakapiwa naJesu kuvadzidzi vake 11 vakatendeka uye munyengetero wake wekupedzisira. Akabva azofa mumaawa mashoma akatevera. Muchitsauko 15 Jesu anoenzanisa vadzidzi vake nemapazi ari pamuzambiringa kuti aratidze kuti vadzidzi vake vaifanira kuramba vari pamwe naye kuti varatidze kuti vaiva vadzidzi vake. Akavakurudzira kuti ‘varambe vachibereka zvibereko zvakawanda.’ (Johani 15:1-5, 8) Imwe nzira yavanoratidza nayo izvozvo ndeyekuratidza vamwe rudo rwekuzvipira urwo runosanganisira kuparidza mashoko akaparidzwawo naJesu, kureva “mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.”—Ruka 4:43; Johani 15:10, 17.

Verenga Johani chitsauko 15 muBhaibheri rekudzidza reChirungu reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Bhaibheri iri riri nyore kuverenga, rine zvakarekodhwa, manotsi anotsanangura mavhesi, rinoratidza mamwe mavhesi anoenderana nearimo, rine mapikicha, mavhidhiyo uye mamepu.

Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raJohani.

a Umambo hwaMwari ihurumende iri kudenga yakagadzwa naMwari kuti itonge nyika uye iite kuti kuda kwake kuitwe. (Dhanieri 2:44; Mateu 6:9, 10) Kuti unzwe zvakawanda verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe