KUTSANANGURWA KWEMAVHESI
Mateu 11:28-30—“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakupai Zororo”
“Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo. Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.
Zvinorehwa naMateu 11:28-30
Jesu akakurudzira vateereri vake kuti vauye kwaari. Akavavimbisa kuti kana vakadzidza kwaari vaizozorodzwa.
“Uyai kwandiri imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa.” Vanhu avo Jesu aitaura navo vainge “vakaremerwa” nemitemo uye tsika dzevanhu zvavaimanikidzwa kutevedzera nevatungamiriri vezvitendero zvavo. (Mateu 23:4; Mako 7:7) Vanhu vakawanda vairemerwawo nekuzvidya mwoyo uye vaifanira kushanda zvakaoma kwenguva yakareba kuti vangowana chekurarama nacho.
“Ndichakuzorodzai.” Jesu akavimbisa kuti aizozorodza vaya vainge vabvuma kuuya kwaari. Akazviita nekuvabatsira kuti vanzwisise zvavaitarisirwa naMwari kuti vaite. (Mateu 7:24, 25) Izvi zvakavasunungura pauranda hwedzidziso dzenhema uye tsika dzinodzvinyirira dzechitendero. (Johani 8:31, 32) Kudzidza uye kushandisa zvaidzidziswa naJesu kwaizoda kushanda nesimba, asi kwaizoita kuti vazorodzwe.
“Takurai joko rangu mudzidze kwandiri.” Panguva yakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri, vashandi vaiwanzoshandisa joko rakagadzirwa nemuti, iro raiiswa pamapendekete kuti vatakure zvinhu zvinorema. Saka shoko rekuti “joko” raipa pfungwa yekuva pasi pemumwe munhu achikutungamirira. (Revhitiko 26:13; Isaya 14:25; Jeremiya 28:4) Mashoko ekuti “mudzidze kwandiri” anogonawo kushandurwa kuti “muve vadzidzi vangu.” Saka Jesu aikurudzira vateereri vake kuti vave vadzidzi vake nekumutevera uye kumutevedzera.—Johani 13:13-15; 1 Petro 2:21.
“Muchawana zororo.” Jesu haana kuti aizozorodza vanhu ipapo ipapo kubva pakudzvinyirirwa kwese kwavaiitwa. Asi akabatsira vateereri vake kuti vanyaradzwe uye vave netariro. (Mateu 6:25-32; 10:29-31) Vaya vakabvuma kuva vadzidzi vake uye vakagamuchira zvaaidzidzisa vakaona kuti kushumira Mwari kwainge kusina kuoma asi kwaiita kuti vagutsikane zvechokwadi.—1 Johani 5:3.
“Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.” Kusiyana nevatungamiriri vezvitendero vepanguva yake, Jesu aizvininipisa uye aiva munyoro. (Johani 7:47-49) Hapana paaimboita zveutsinye kana kudzvinyirira vamwe. Aiva nemutsa uye aiva munhu anotaurika naye. Aisatarisira kuti vateveri vake vaite zvinhu zvavasingakwanisi. (Mateu 7:12; Mako 6:34; Ruka 9:11) Akavaratidzawo kuti vangabatsirwa sei nengoni dzaMwari vonzwa kuzorodza kwazvinoita kana munhu aine hana yakachena. (Mateu 5:23, 24; 6:14) Unhu hwakanaka hwaiva naJesu hwakaita kuti vanhu vade kuva pedyo naye uyewo hwakaita kuti vabvume joko rake uye vave vadzidzi vake.
Mashoko akapoteredza Mateu 11:28-30
Jesu akataura mashoko ari pana Mateu 11:28-30 paaiparidza muGarireya muna 31 C.E. Muapostora Mateu ndiye ega munyori weEvhangeri akanyora mashoko aya aJesu. Sezvo aimbova muteresi uye aiva muJudha, ainyatsoziva kuti vanhu vaidzvinyirirwa zvakadini nevatungamiriri vezvitendero zvechiJudha vaiva neuori uye nemhaka yemitero yavaifanira kubhadhara kuvaRoma. Saka hapana mubvunzo kuti Mateu akakurudzirwa chaizvo paakaona Jesu achishandisa simba raakapiwa naBaba vake Jehovhaa kuti akurudzire vanhu vaizvininipisa uye vaibatwa zvisina kunaka kuti vauye kwaari.—Mateu 11:25-27.
Evhangeri yaMateu inobudisa pachena unhu hwakanaka hwakaratidzwa naJesu saMesiya akavimbiswa uye saMambo achatonga muUmambo hwaMwari.—Mateu 1:20-23; Isaya 11:1-5.
Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raMateu.
a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”