RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 13
  • Ganda Repomelo Risingatsemuki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ganda Repomelo Risingatsemuki
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Misodzi Muhombodo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Ganda reShark
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Iwe Mudi Wezuva—Dzivirira Ganda Rako!
    Mukai!—1999
  • Zvipuka Zvinobaka Chiedza
    Zvakangoitika Zvega Here?
Ona Zvimwe
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 13
Muchero unonzi pomelo wakarembera mumuti.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ganda Repomelo Risingatsemuki

Pomelo muchero wakakura unotapira uye uri muchikwata chemichero yakadai semaorenji nemaremoni. Kunyange muchero uyu ukadonha pakareba mamita anopfuura 10 hautsemuki! Chii chinoita kuti usatsemuka?

Funga izvi: Vaongorori vakaona kuti chikamu chichena chiri nechemukati meganda repomelo chine masero akaita sesiponji, asina kubatana-batana asi anosiya nzvimbo pakati. Nzvimbo iri pakati pemasero aya inoramba ichiwedzera kukura nechemukati meganda racho uye inenge yakazara nemhepo kana kuti mvura. Muchero wacho paunodonha worovera pasi, mvura iya inobatsira kudzivirira kuti usatsemuka. Ganda repomelo rinoita kakudzoka roti omei, zvichiita kuti simba rekurovera ripararire pane kuti ritsemure ganda racho.

Pomelo rakachekwa nepakati zvichiratidza ganda racho rakaita sechipanji. Mufananidzo wakatorwa nemaikorosikopu unoratidza masero nenzvimbo iri pakati pawo.

Nyanzvi dzesainzi dzakagadzira simbi dzichitevedzera zvakaita ganda repomelo uye dziri kuongorora kuti yakasimba zvakadini. Vanoti zvakaita ganda repomelo zvinogona kushandawo pakugadzira zvinhu zvakadai semaherumeti anoshandiswa pamidhudhudhu, simbi dzinodzivirira mota painorovera, uye kudzivirira zvitundumusere zviri muchadenga kana zvikarohwa nematombo anovhiririka imomo.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti muchero uyu uve neganda rakadaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe