RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 14
  • Dzihwa reHagfish

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzihwa reHagfish
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Dzihwa Rinonama reHozhwa
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Kuongorora Ruvara Nemicheka Zvinotaurwa muBhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 14
Hagfish iri kufamba pasi pegungwa.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Dzihwa Rinobudiswa neHagfish

Nyanzvi dzesainzi dzava nenguva yakareba dzichida kuziva nezvedzihwa rinobudiswa nehove inonzi hagfish. Nemhaka yei? Dzihwa racho rinokwanisa kutatamuka uye rakapfava chaizvo.

Chimbofunga izvi: Hove iyi yakaita kunge nyoka uye inogara pasi pegungwa. Kana pakava nechipuka chinenge chichida kuidya, inobva yabudisa zvimvura kubva muganda rayo. Zvimvura izvi zvinenge zviine mapuroteni akaita tutambo tambo twakareba. Mapuroteni aya anoita kuti mvura inenge yakapoteredza hove iyi iite kunge dzihwa. Dzihwa racho parinopinda mumuromo mechipuka ichi, rinoita kuti chitadze kufema, chopfira hove yacho, uye chotiza.

Dzihwa rehagfish rinoshamisa zvikuru. Katambo kamwe nekamwe kepuroteni kari mudzihwa iri kanopinda ka100 mubvudzi rimwe chete remunhu asi kakasimba zvakapetwa ka10 kupfuura shinda inonzi nylon. Pazvinosangana nemvura yemugungwa, panobva pagadzirwa chinhu chakaita kunge sefa. Chinokwanisa kuramba chakabata mvura yakawanda inorema kuchipfuura. Tingatoti dzihwa iri rinoita serakagadzirwa nemvura yega yega!

Nyanzvi dzesainzi dziri kutadza kugadzira chinhu chakafanana nedzihwa rehove iyi. Mumwe muongorori akataura kuti zvakaita dzihwa iri zvakaoma kunzwisisa. Kunyange zvakadaro, nyanzvi dzesainzi dziri kuedza kugadzira tutambo twemapuroteni acho dzichishandisa mabhakitiriya. Chinangwa chavo ndechekugadzira chimwe chinhu chisingaremi, chisingadimbuki, chinotatamuka, uye chinoora. Mapuroteni akaita zvekugadzirwa anogona kuzoshandiswa pakugadzira machira akasimba uye zvinhu zvinoshandiswa navanachiremba. Kutaura chokwadi, zvinhu zvinogona kugadzirwa zvacho zvakawandisa.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti pave nedzihwa iri rinoshamisa rehagfish?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe