RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 9
  • Ganda reSea-Cucumber

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ganda reSea-Cucumber
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Misodzi Muhombodo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Iwe Mudi Wezuva—Dzivirira Ganda Rako!
    Mukai!—1999
  • Ganda reShark
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Ganda Repomelo Risingatsemuki
    Zvakangoitika Zvega Here?
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 9
Sea cucumber

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ganda reSea-Cucumber

Sea-cucumber chipuka chinogara pasi pegungwa. Mamwe masea-cucumber ane ganda rine mapundu mapundu uye mamwe ane ganda rinobaya. Anogona kuchinja-chinja miviri yawo kuti ipfave kana kuomarara mumaminitsi mashomanana kana kuti masekonzi chaiwo. Izvi zvinoita kuti akwanise kupinda nepakamanikana obva aomarara zvekuti zvimwe zvipuka zvemumvura zvinoda kuadya zvinotadza kuabvisa. Ganda rawo ndiro rinoita kuti akwanise kudaro.

Funga izvi: Sea-cucumber inogona kuita kuti ganda rayo riome kuti ngii, riomarare zviri pakati nepakati kana kuti ripfave. Kuti ikwanise kuita izvi, pane mapuroteni ainobudisa anoita kuti ganda riomarare kana kuti ripfave.

Mapuroteni acho anoita kuti mafaibha ari muganda abatane zvichibva zvaita kuti ganda riomarare. Mamwe mapuroteni anoita kuti mafaibha acho aparadzane zvoita kuti ganda ripfave. Ganda racho rinogona kupfava zvekuti unofunga kuti yava kunyunguduka.

Nyanzvi dzesainzi dziri kugadzira zvinhu dzichitevedzera mashandiro anoita ganda resea-cucumber. Vari kuda kugadzira katambo kakaomarara kanokwanisa kupinzwa mupfungwa kuti kabatsire pakushanda kunoita magetsi emumuviri. Vanoti katambo kacho kanofanira kuzopfava kuti kanyatsoshanda zvakanaka mumuviri.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti sea-cucumber ive neganda rinokwanisa kuomarara kana kupfava?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe