RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 8
  • Guruu reBarnacle

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Guruu reBarnacle
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Dzihwa Rinonama reHozhwa
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Tutambo Twehozhwa Inonzi Marine Mussel
    Mukai!—2016
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 8
Mabarnacle

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Guruu reBarnacle

Nyanzvi dzesainzi dzinoongorora mhuka dzakagara dzazviona kare kuti tupuka tunonzi mabarnacle tunokwanisa kunyatsonamira zvakasimba pamatombo, munofambwa namo uchinopinda mungarava, nepangarava. Zvinonzi guruu remabarnacle nderemhando yepamusoro kupfuura chero ripi zvaro rinogadzirwa nevanhu. Nyanzvi idzi dzakatozozvizivawo munguva shoma yapfuura kuti zvinombofamba sei kuti mabarnacle akwanise kunamira pazvinhu zvinyoro.

Funga izvi: Vaongorori vakaona kuti mabarnacle anenge achochonywa paanotanga kugona kushambira anotanga aongorora ozosarudza pekunamira pakakodzera. Kana angopawana, anobva aburitsa twumvura twemhando mbiri. Mhando yekutanga yakawanda mafuta saka inoita kuti pari kuda kunamirwa pacho pasava nemvura. Inoitawo kuti mhando yechipiri yakagadzirwa nemapuroteni anonzi maphosphoprotein inyatsobata.

Musanganiswa uyu unobva wava guruu rakasimba chaizvo zvekuti kunyange utachiona haugoni kurikanganisa. Kusimba kwakaita guruu racho kunokosha nekuti barnacle racho richaita upenyu hwaro hwese rakanamira ipapo.

Mabarnacle, uye chikamu chiri kuratidza guruu remabarnacle

Mabarnacle, uye chikamu chiri kuratidza guruu remabarnacle

Kugadzirwa kunoitwa guruu nemabarnacle kwakaoma kunzwisisa kupfuura zvaifungwa nenyanzvi dzesainzi. Mumwe aiva muboka rakatanga kunzwisisa magadzirirwo aya akati: “Inzira inoshamisa inoita kuti guruu rikwanise kunama pazvinhu zvinyoro.” Zvavakawana izvi zvingangobatsira vanoita zvekutsvakurudza kuti vagadzire guruu rinogona kushandiswa mumvura, uyewo rekushandisa muzvinhu zvemagetsi nepakurapa varwere.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti mabarnacle akwanise kugadzira guruu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe