RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 76
  • Nei Tichipinda Misangano paImba yeUmambo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichipinda Misangano paImba yeUmambo?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii chinoitwa paImba yeUmambo?
  • Nei uchifanira kupindawo?
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Iyi Ndiyo Nzvimbo Yedu Yokunamatira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Nzvimbo Dzekunamatira
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 76
Mukomana akatarisa vanhu vari kupinda muImba yeUmambo

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Nei Tichipinda Misangano paImba yeUmambo?

Zvapupu zvaJehovha zvinoita misangano kaviri pavhiki panzvimbo dzinonzi Dzimba dzeUmambo. Chii chinoitwa ipapo, uye uchabatsirwa sei kana ukapindawo?

  • Chii chinoitwa paImba yeUmambo?

  • Nei uchifanira kupindawo?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Chii chinoitwa paImba yeUmambo?

PaImba yeUmambo ndipo panotsanangurwa mazano anobatsira anobva muBhaibheri. Misangano inoitwa ipapo inogona kukubatsira:

  • kudzidza chokwadi nezvaMwari.

  • kunzwisisa zvinhu zviri kuitika munyika.

  • kuti uve munhu anoita zvakanaka.

  • kuti uwane shamwari dzakanaka.

Waizviziva here? Nzvimbo inoitirwa misangano neZvapupu zvaJehovha inonzi Imba yeUmambo nekuti panonyanya kutaurwa nezveUmambo hwaMwari.​—Mateu 6:9, 10; 24:14; Ruka 4:43.

Nei uchifanira kupindawo?

Zvinodzidzwa ipapo zvinokubatsira. Mazano eBhaibheri anokurukurwa pamisangano yeZvapupu zvaJehovha anokubatsira kuti ‘uwane uchenjeri.’ (Zvirevo 4:5) Izvi zvinoreva kuti Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uite zvisarudzo zvakanaka muupenyu. Rinogonawo kukubatsira kuti upindure mibvunzo mikuru yeupenyu, kusanganisira inotevera:

  • Chinangwa cheupenyu chii?

  • Mwari ndiye anoita kuti titambure here?

  • Chii chinoitika patinofa?

Dzimwe hurukuro dzinokurukurwa pamisangano yatinoita pakupera kwevhiki dzine misoro inotevera:

  • Nei Uchifanira Kutungamirirwa neBhaibheri?

  • Ungawanepi Rubatsiro Munguva Dzenhamo?

  • Zvatiri Kuitirwa neUmambo hwaMwari Iye Zvino.

“Mumwe wandaidzidza naye akauya kumisangano yedu. Akagara nemhuri yedu, uye takaona pamwe chete naye mabhuku ataishandisa. Tapedza, akandiudza kuti akabayiwa mwoyo nemhinduro dzaipiwa nevanhu pazvikamu zvaida kuti vateereri vapindure. Akataurawo kuti kuchechi kwavo havana zvinhu zvekudzidza zvakanyatsorongwa sezvatinoita.”​—Brenda.

Waizviziva here? MuImba yeUmambo unogara chero paunoda, uye hapana ndiro yemari inofambiswa.

Uchakurudzirwa nekushamwaridzana nevamwe. Bhaibheri rinotaura kuti chimwe chezvikonzero zvinoita kuti vaKristu vaungane ndechekuti ‘vakurudzirane.’ (VaHebheru 10:24, 25) Ushamwari hwakanaka hwevanhu vanoda Mwari uye vanoda vamwe kupfuura kuda kwavanozviita, hunozorodza munyika ino ine vanhu vanongoda kuita zvakavanakira.

“Kana ndikaswera ndichishanda, ndinosuruvara uye ndinonzwa ndaparara, asi vanhu vanenge vari paImba yeUmambo vanoita kuti ndinzwe zviri nani. Pandinenge ndiri munzira kubva kumusangano, ndinonzwa kufara uye ndinonzwa ndagadzirira zuva rinotevera.”​—Elisa.

Waizviziva here? Pasi rese pane ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 120 000, dzinoungana panzvimbo dzekunamatira dzinopfuura 60 000. Gore rega rega, paavhareji Dzimba dzeUmambo dzinenge 1 500 dzinovakwa kuitira vanhu vanenge vachiwedzera.a

Zvinotaurwa nevezera rako

Jessica

“Pandaiva kusekondari, ndakaenda kune mimwe misangano yedu nemumwe wandaidzidza naye, uye akabayiwa mwoyo paakaona mazera akasiyana-siyana achidzidza Bhaibheri pamwe chete. Munguva ichangobva kupfuura, munhu wandinoshandira akauyawo, uye akashamiswa paakaona kuti Bhaibheri ndiro rainyanya kushandiswa. Zvakanaka zvaaitaura nezvemusangano zvakaita kuti ndiwedzere kuikoshesa!”​—Jessica.

Timothy

“Ndinoona kuti misangano inoita kuti ndibvise pfungwa dzangu pazvinhu zvinotemesa musoro zvinenge zvaswera zvichiitika. Tinodzidza zvatingaita kuti tive neupenyu hunogutsa, zvatingaita kuti tive vanhu vakanaka, nezvimwewo zvakawanda. Nguva dzese ndinobva paImba yeUmambo ndakurudzirwa uye ndazorodzwa.”​—Timothy.

Jacob

“Murume wandainge ndakoka akati pashure pemusangano: ‘Ndangouya kuti ndikuratidze kuti zvamunodzidzisa hazvisi zvechokwadi. Asi ndazoona kuti zvandinotenda ndizvo zvisiri zvechokwadi!’ Akabayiwa mwoyo neushamwari hunoratidzwa neZvapupu zvaJehovha. Akati: ‘Kunyange zvazvo kari kekutanga kuonana nemi, mandibata sekunge tava nemakore tichizivana!’”​—Jacob.

Madison

“Pane pamwe pandinombofunga kuti, ‘Musangano uchingopera, ndobva ndaenda.’ Asi musangano paunenge uri pakati, pfungwa yacho inobva yatobuda. Pandinenge ndichitaura nevanhu musangano wapera, ndinotozoshaya kuti chii changa chamboita kuti ndifunge zvekukurumidza kuzoenda. Kudai ndisingapindi misangano, ndingadai ndisina shamwari dzakanaka dzandiinadzo iye zvino.”​—Madison.

a Kuti uwane nzvimbo inopindirwa misangano, enda paindaneti papeji yakanzi ““Misangano Yedu Yeungano” wobaya pakanzi “Tsvaga Nzvimbo Iri Pedyo Newe.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe