RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 75
  • Ndingaita Sei Kana Shamwari Yangu Ikandirwadzisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kana Shamwari Yangu Ikandirwadzisa?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaunogona kuita
  • Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Shamwari Yangu Yakandirwadzisa?
    Mukai!—2000
  • Kukanganwira Kuita Sei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Musagumbura “Vadiki Ava”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 75
Musikana achiudza mumwe wake mashoko anorwadza

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kana Shamwari Yangu Ikandirwadzisa?

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvaunofanira kuziva

  • Hapana ushamwari husina zvinetso. Sezvo vanhu vese vachitadza, shamwari yako, kunyange yaunoti ndeyepamwoyo, dzimwe nguva inogona kutaura kana kuita zvinokurwadza. Newewo pane paunombokanganisa. Unoyeuka here mumwe musi wawakamborwadzisa mumwe munhu?—Jakobho 3:2.

  • Indaneti inogona kuita kuti zvive nyore kuti ugumbuke. Semuenzaniso mumwe mukomana anonzi David akati: “Paunenge uri paindaneti woona mapikicha eshamwari yako ayakatorwa ichitandara nevamwe vanhu, unogona kunetseka kuti nei usina kukokwawo. Unogona kutanga kuona sekuti shamwari yako haikufariri uye unogona kutsamwa.”

  • Pane zvaunogona kuita kuti ugadzirise dambudziko racho.

Zvaunogona kuita

Zviongorore. Bhaibheri rinoti: “Usakurumidza kugumbuka, nokuti kugumbuka kunogara pachipfuva chemapenzi.”—Muparidzi 7:9.

“Kazhinji unozoona kuti wakatsamwiswa nezvinhu zvisina basa.”—Alyssa.

Zvekufunga nezvazvo: Unongotsamwiswa nekanhu kese kese here? Unogona here kudzidzira kuregerera vamwe pavanokutadzira?—Muparidzi 7:21, 22.

Ona zvakanakira kuregerera vamwe. Bhaibheri rinoti: ‘Zvakanaka kuti uregerere kudarika.’—Zvirevo 19:11.

“Kunyange kana paine chikonzero chekuti utsamwe, zvakangonaka kuti uregerere, uye izvi zvinoreva kuti haufaniri kuramba uchingoyeuchidza munhu wacho zvaakatadza, uchimuita kuti akumbire ruregerero paunongotaura nezvenyaya yacho. Kana wangoregerera, chirega kumutsa nyaya yacho.”—Mallory.

Zvekufunga nezvazvo: Inyaya hombe here? Unogona kumuregerera here kuti murambe muchiwirirana?—VaKorose 3:13.

Kusiya mhepo inotonhora ichipinda nepadhoo

Kutaura kese kamunenge matadzirana nguva dzese kwakafanana nekuti kunze kuri kutonhora asi woramba uchivhura dhoo kuti mhepo inotonhora ipinde

Funga nezveshamwari yako. Bhaibheri rinoti: “Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.”—VaFiripi 2:4.

“Kana iwe neshamwari yako muine rudo uye muchiremekedzana, unogona kukurumidza kugadzirisa zvinenge zvichinetsa nekuti unenge uchikoshesa ushamwari hwenyu. Wakashanda nesimba pakuumba ushamwari hwacho uye haudi kuti hupere.”—Nicole.

Zvekufunga nezvazvo: Unogona here kutsvaga chimwe chinhu chakanaka pamaonero anenge achiita shamwari yako?—VaFiripi 2:3.

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Kana ukaziva zvaunofanira kuita kana warwadziswa, zvichazokubatsira kana wakura. Wadii kudzidzira kuva neunyanzvi ihwohwo iye zvino?

Zvinotaurwa nevezera rako

Kiana

“Haisi nyaya yese inofanira kugarirwa pasi. Kana ndichikwanisa kungoregerera pasina kutaura nemunhu wacho, ndinobva ndatoita saizvozvo. Izvozvo zvinogona kuita kuti tirambe tichiwirirana, pane kuda kutaura nezvekanhu kese kandinenge ndatadzirwa.”—Kiana.

Treigh

“Kana paine chaitika, ndinozvibvunza kuti, ‘Nyaya iyi yakanyanya kukura here zvekuti tingatogura ushamwari?’ Kazhinji kacho panenge pasina nyaya.”—Treigh.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe