RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 135
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekuuraya Munhu Anenge Arwarisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvekuuraya Munhu Anenge Arwarisa?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Dambudziko Riri Pasi Pose
    Mukai!—2001
  • Unogona Kubatsirwa
    Mukai!—2001
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Kuzviuraya—Dambudziko Rakapararira Revaduku
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 135
Musikana akabata ruoko rwemunhu akwegura muchipatara

Bhaibheri Rinotii Nezvekuuraya Munhu Anenge Arwarisa?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri harinyatsotauri nyaya yekuuraya munhu anenge arwarisa.a Asi zvarinotaura nezveupenyu uye rufu zvinotibatsira kuti tive nemaonero akanaka. Hazvina kunaka kuti munhu azviurayise, asiwo hapana mutemo unoti munhu anofanira kutoita zvese zvese achirwisa kuti ararame asi zvichitova pachena kuti hapasisina upenyu.

Bhaibheri rinoti Mwari ndiye Musiki wedu, uye ndiye “tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9; Mabasa 17:28) Mwari anokoshesa upenyu. Saka kuna Mwari, munhu anouraya mumwe munhu kana kuti anouzviuraya anenge aine mhosva. (Eksodho 20:13; 1 Johani 3:15) Bhaibheri rinoratidzawo kuti tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tichengetedze upenyu hwedu uye hwevamwe. (Dheuteronomio 22:8) Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti tikoshese chipo cheupenyu.

Ko kana munhu wacho anyanyisa kurwara?

Bhaibheri haribvumiri kuuraya mumwe munhu kunyange paanenge arwara zvekuti munenge mava kutoona kuti hapasisina upenyu. Izvi tinozviona pane zvakaitika kuna Mambo Sauro. Paakakuvadzwa muhondo zvekuti aisazorarama, akakumbira mushandi wake kuti amupedzise. (1 Samueri 31:3, 4) Mushandi waSauro akaramba. Asi pane mumwe murume akataura zvenhema kuti ndiye akazobvuma kuuraya Sauro. Murume uyu akanzi naDhavhidhi akanga aine mhosva yeropa. Dhavhidhi akaratidza mafungiro aJehovha panyaya iyi.—2 Samueri 1:6-16.

Munhu anofanira kuedza kurebesa upenyu hwake here achitoona hake kuti hapasisina upenyu?

Kana zvatongova pachena kuti munhu ava kufa, uye muchitonyatsoona kuti munhu iyeye kunyange zvikaita sei haasi kuzomborarama, Bhaibheri hariratidzi kuti pane zvinofanira kuitwa kuti muedze kurebesa upenyu hwemunhu wacho. Asi Bhaibheri rinotibatsira kuti tive nemaonero akanaka. Rufu muvengi wedu mukuru uye rwunokonzerwa nechivi chatiinacho. (VaRoma 5:12; 1 VaKorinde 15:26) Kunyange zvazvo tisingadi kufa, hatifaniri kutya kufa nekuti Mwari anovimbisa kuti achamutsa vanenge vafa. (Johani 6:39, 40) Munhu anoremekedza upenyu anosarudza nzira yakanaka yekurapwa nayo. Izvi hazvirevi kuti munhu anofanira kusarudza nzira dzekurapwa nadzo dzinoita kuti aedze kurebesa upenyu hwake asi zvichitova pachena kuti hapasisina upenyu.

Kuzviuraya chivi chisingaregererwi here?

Aiwa, Bhaibheri haritauri kuti kuzviuraya chivi chisingaregererwi. Kunyange zvazvo kuzviuraya chiri chivi chakakura,b Mwari anonyatsonzwisisa zvinhu zvinokonzera kuti munhu azviuraye zvakadai sekurwara nepfungwa, kushungurudzika kwakanyanyisa, uye dzimwe nguva zvinenge zvichibva pamagenes evabereki kana kuti avanasekuru navanambuya. (Pisarema 103:13, 14) Anoshandisa Bhaibheri pakunyaradza vanenge vachishungurudzika. Bhaibheri rinotaurawo kuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Izvi zvinoratidza kuti pachava nekumuka kwevanhu vakaita zvivi zvakakura, zvakadai sekuzviuraya.

Ko kuuraya mhuka inochengetwa pamba?

Kuuraya munhu nekuti arwarisa kana kuti anyanya kukuvara kwakasiyana nekuuraya mhuka. Vanhu chete ndivo vakasikwa naMwari kuti vararame nekusingaperi. (VaRoma 6:23; 2 Petro 2:12) Kunyange zvazvo Bhaibheri richirambidza vanhu kuti vaitire mhuka utsinye, rinopa vanhu simba rekusarudza kuti mhuka yoramba ichirarama here kana kuti kwete. (Genesisi 9:3) Sezvo Mwari achiti tinofanira kunzwira tsitsi mhuka, muridzi wemhuka ndiye anosarudza zvakanakira mhuka yacho, izvi zvinosanganisira kusarudza kuuraya inenge ichirwara zvakanyanya.—Zvirevo 12:10.

a Nyaya yatiri kutaura pano ndeyekuuraya munhu anenge arwarisa kana kuti anenge akuvara kuti azorore pamarwadzo. Dzimwe nguva chiremba anobatsira murwere kuti azviuraye.

b MuBhaibheri mune vanhu vashoma vakazviuraya asi vanhu vacho vakanga vasingatevedzeri zvaidiwa naMwari.—2 Samueri 17:23; 1 Madzimambo 16:18; Mateu 27:3-5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe