RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 87
  • Ndiani Anopesana naKristu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anopesana naKristu?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Maziviro atingaita vanhu vanopesana naKristu
  • Munhu Anopesana naKristu
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Anopesana naKristu Ndiani?
    Mukai!—2001
  • Munhu Anopesana naKristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 87
Mufundisi achiparidza paTV

Ndiani Anopesana naKristu?

Mhinduro yeBhaibheri

Anopesana naKristu haasi munhu mumwe chete kana kuti sangano, nokuti Bhaibheri rinoti “vanopesana naKristu vazhinji.” (1 Johani 2:18) Mashoko okuti “anopesana naKristu,” anobva mushoko rechiGiriki rinoreva “kupikisa Kristu,” achireva munhu wose anoita zvinotevera:

  • Anoramba kuti Jesu ndiye Kristu (Mesiya) kana kuti ndiye Mwanakomana waMwari.​—1 Johani 2:22.

  • Anorwisana naKristu, Muzodziwa waMwari.—Pisarema 2:1, 2; Ruka 11:23.

  • Anozviita Kristu.​—Mateu 24:24.

  • Anotambudza vateveri vaKristu, sezvo Jesu achiona zvavanoitirwa sokunge zviri kuitirwa iye.​—Mabasa 9:5.

  • Anonyepedzera kuva muKristu asi asingateereri mutemo kana kuti aine unyengeri.​—Mateu 7:22, 23; 2 VaKorinde 11:13.

Bhaibheri parinotaura nezvemunhu “anopesana naKristu” rinogona kureva munhu mumwe chete kana kuti boka revanhu rinoita zvataurwa pamusoro apa. (2 Johani 7) Munhu anopesana naKristu akatanga kuoneka panguva dzevaapostora uye nanhasi achiripo. Uprofita hweBhaibheri hwakagara hwataura nezvekuvapo kwake.​—1 Johani 4:3.

Maziviro atingaita vanhu vanopesana naKristu

  • Vanotaura nhema pamusoro paJesu. (Mateu 24:​9, 11) Somuenzaniso, vaya vanodzidzisa nezveUtatu kana kuti vanodzidzisa kuti Jesu ndiMwari Wemasimbaose vanopikisana nezvakadzidziswa naJesu, uyo akati: “Baba vakuru kwandiri.”​—Johani 14:28.

  • Vanhu vanopesana naKristu vanoramba zvinotaurwa naJesu nezveUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoti Kristu anewo zvaanoita muhurumende dzevanhu. Asi dzidziso iyi haienderani nezvakataurwa naJesu, uyo akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”​—Johani 18:36.

  • Vanoti Jesu ndiye Ishe wavo, asi havatevedzeri mitemo yake, kusanganisira wekuti vaparidze mashoko akanaka eUmambo.​—Mateu 28:19, 20; Ruka 6:46; Mabasa 10:42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe