RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 253-254
  • Munhu Anopesana naKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Anopesana naKristu
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Anopesana naKristu Ndiani?
    Mukai!—2001
  • Munhu Anopesana naKristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Munhu Anopesana naKristu Anofumurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Ndiani Anopesana naKristu?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 253-254

Munhu Anopesana naKristu

Tsanangudzo: Munhu anopesana naKristu zvinoreva kuti anorwisana naKristu kana kuti anozviita Kristu. Mashoko acho anoshanda kune vose vanoramba zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu Kristu, vose vanopikisa Umambo hwake, uye vose vanobata vateveri vake zvisina kunaka. Anosanganisirawo vanhu, masangano, uye marudzi anotaura zvenhema kuti anomiririra Kristu kana kuti anozviti ndivanaMesiya.

Bhaibheri rinotaura nezvemunhu anopesana naKristu mumwe chete here?

1 Joh. 2:18: “Vana vaduku, iawa yokupedzisira, uye, sokunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya, kunyange zvino kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji; muna izvozvi tinoziva kuti iawa yokupedzisira.”

2 Joh. 7: “Vanyengeri vazhinji vakaoneka munyika, vanhu vasingabvumi kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama. Uyu ndiye munyengeri uye munhu anopesana naKristu.” (Ona kuti “vanhu vanopesana naKristu vazhinji” vanotaurwa pana 1 Johani 2:18 pano vanotaurwa seboka so“munhu anopesana naKristu.”)

Kuuya kwemunhu anopesana naKristu kuchaitika pane imwe nguva mune ramangwana here?

1 Joh. 4:3: “Kutaura kwose kwakafuridzirwa kusingabvumi Jesu hakubvi kuna Mwari. Uyezve, uku ndiko kutaura kwakafuridzirwa kwomunhu anopesana naKristu kwamakanzwa kuti kwakanga kuchiuya, uye zvino kwatova munyika.” (Izvozvo zvakanyorwa zana remakore rokutanga C.E. rava kunopera.)

1 Joh. 2:18: “Kunyange zvino kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji; muna izvozvi tinoziva kuti iawa yokupedzisira.” (Nokutaura kuti “awa yokupedzisira” zviri pachena kuti Johani aireva kuguma kwenguva yevaapostora. Vamwe vaapostora vakanga vafa, uye Johani pachake akanga akwegura zvikuru.)

Vamwe vevaya vanozivikanwa somunhu anopesana naKristu—

Vanhu vanoramba kuti Jesu zvechokwadi ndiye Mesiya

1 Joh. 2:22: “Murevi wenhema ndiani kana asiri uya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu [kana kuti, Mesiya, akazodzwa]? Uyu ndiye munhu anopesana naKristu.”

Vose vanoramba kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari asina akafanana naye

1 Joh. 2:22: “Uyu ndiye munhu anopesana naKristu, uyo anoramba Baba noMwanakomana.”

Enzanisa naJohani 10:36; Ruka 9:35.

Vakatsauka Pakutenda

1 Joh. 2:18, 19: “Kwazova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji . . . Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu.”

Vaya vanopikisa vateveri vaKristu vechokwadi

Joh. 15:20, 21: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo . . . Asi vachakuitirai zvinhu zvose izvi nokuda kwezita rangu.”

Vanhu uye marudzi anorwisana naKristu saMambo kana kuti ivo pachavo vanozviita Mesiya

Pis. 2:2: “Madzimambo epanyika anomira uye machinda aungana pamwe chete kuti varwe naJehovha uye kuti varwe nomuzodziwa wake [Kristu, kana kuti Mesiya].”

Onawo Zvakazarurwa 17:3, 12-14; 19:11-21.

Mat. 24:24: “VanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe