RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 19
  • Sei Ndichizvicheka-cheka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Ndichizvicheka-cheka?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvicheka kuita sei?
  • Sei vanhu vachizvicheka-cheka?
  • Ungaita sei kana uine dambudziko iri?
  • Chandinoraramira Chii?
    Mukai!—2014
  • Ndingaitei Kana Ndichirwara? (Chikamu 3)
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • “Munhu Akarurama Achafara Muna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Ndingadzora Sei Manzwiro Angu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 19

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Sei Ndichizvicheka-cheka?

  • Kuzvicheka kuita sei?

  • Sei vanhu vachizvicheka-cheka?

  • Ungaita sei kana une dambudziko iri?

  • Kubvunzurudza

  • Mibvunzo yokufunga nezvayo

  • Bhuku randinonyora mavhesi andinoda

Kuzvicheka kuita sei?

Ndeimwe yenzira yokuda kuzvirwadzisa uchizvicheka nechinhu chinopinza. Vamwe vanozvipisa, kana kuzvikuvadza kana kuzvirova. Nyaya iyi iri kutaura nezvekuzvicheka-cheka asi mazano arimo anobatsira vanozvikuvadza nenzira dzakasiyana-siyana.

Ichokwadi here kana kuti inhema?

  1. Vasikana chete ndivo vanozvicheka-cheka.

  2. Kana uchizvicheka-cheka unenge uchiputsa mutemo uri pana Revhitiko 19:28 unoti: “Musacheka-cheka miviri yenyu.”

Mhinduro dzakarurama:

  1. Inhema. Kunyange zvazvo vasikana vari ivo vanonyanya kuva nedambudziko iri, vakomanawo vanozvicheka-cheka kana kuzvikuvadza nedzimwe nzira.

  2. Inhema. Revhitiko 19:28 inotaura nezvetsika dzechihedheni dzaiitwa kare kwete kuzvicheka-cheka kuri kutaurwa nezvako munyaya ino. Asi tikatarisa mutemo wacho tinobva taona kuti Musiki wedu ane rudo haadi kuti tizvikuvadze.​—1 VaKorinde 6:12; 2 VaKorinde 7:1; 1 Johani 4:8.

Sei vanhu vachizvicheka-cheka?

Mashoko echokwadi ndeapi?

Vanhu vanozvicheka-cheka . . .

  1. kuti vaderedze kushushikana kwavanoita.

  2. nokuti vanenge vachida kuzviuraya.

Mhinduro yakarurama: A. Vanhu vakawanda vanozvicheka-cheka vanenge vasingadi kufa. Vanenge vachida kupedza kushushikana kwavanenge vachiita.

Ona zvakataurwa nevamwe vechiduku nezvekuzvicheka-cheka kwavaiita.

Celia: “Zvaiita kuti ndinzwe kurerukirwa.”

Tamara: “Ndaiona sokuti ndizvo zvaipedza dambudziko rangu. Kurwadziwa kwokuzvicheka-cheka kwaiva nani kudarika kwokushushikana.”

Carrie: “Ndakanga ndisingafariri kusurukirwa. Pandaizvicheka-cheka pfungwa dzangu dzaibva dzakanganwa kushushikana kwandaiita ndotanga kufunga kurwadziwa kwandaiita.”

Jerrine: “Nguva dzose dzandaizvicheka-cheka pfungwa dzangu dzaibva dzatadza kuziva zvakanga zvichiitika uye ndakanga ndisingachanetseki nematambudziko angu. Ndaizvifarira.”

Ungaita sei kana uine dambudziko iri?

Kunyengetera kuna Jehovha Mwari ndicho chinhu chinokosha kuti ukunde dambudziko iri. Bhaibheri rinoti: ‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’—1 Petro 5:7.

Zvaungaita: Tanga nokuita minyengetero mipfupi, zvakadai sokungoudza Jehovha kuti, “Ndibatsirei.” Nokufamba kwenguva uchakwanisa kutaura zvakawanda wodurura zvose zvinokunetsa kuna “Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

Kunyengetera hakuiti kuti dambudziko rinyangarike. Unenge uchinyatsotaura nababa vako vokudenga avo vanovimbisa kuti: “Chokwadi ndichakubatsira. Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10.

Vakawanda vaiva nedambudziko rokuzvicheka-cheka vakanyaradzwa pashure pokunge vataura nevabereki vavo kana kuti nomumwe munhu mukuru wavanovimba naye. Ona zvakataurwa nevamwe vechiduku vatatu vakaita izvozvo.

Kubvunzurudza

  • Diana, 21

  • Kathy, 15

  • Lorena, 17

Wakatanga kuzvicheka une makore mangani?

Lorena: Pandaiva nemakore 14.

Diana: Pandaiva nemakore 18. Ndaizvicheka zuva nezuva kwevhiki yose kana kuti vhiki mbiri uye ndaizopedza mwedzi ndisina kuzvidzokorora.

Kathy: Pandaiva nemakore 14. Dzimwe nguva ndinombokurira dambudziko iri asi dzimwe nguva rinombondikurira.

Sei waida kuzvikuvadza?

Kathy: Ndaigara ndichizvishora pachangu. Ndaiona sokuti hapana munhu anombofa akada kuva shamwari yangu.

Diana: Pane dzimwe nguva ndaisuruvara, zvoita kuti ndizvione semunhu asingabatsiri ndopedzisira ndaora mwoyo. Zvaiita sokuti mumuviri mangu mune zimhuka ririmo uye kuti ndiribudise ndaitofanira kuzvicheka.

Lorena: Ndaiora mwoyo zvakanyanya, ndaigumbuka zvakanyanya kana kuti ndaingonzwa kusangofara. Ndaizviona sendisingabatsiri uye ndaida kubvisa pfungwa idzodzo dzakashata. Pane dzimwe nguva ndaizviudza kuti ndinotofanira kuzvikuvadza.

Wapedza kuzvikuvadza, wainzwa zviri nani here?

Diana: Hongu. Ndainzwa ndarerukirwa chaizvo, kuita sokunge kuti handisisina zvinhu zvinorema zvandanga ndakatakura.

Kathy: Hazvina kumbosiyana nokuchema. Vamwe vanhu vanonzwa kurerukirwa pavanenge vapedza kuchema uye ndiwo manzwiro andaiitawo pandaipedza kuzvicheka.

Lorena: Kuzvicheka-cheka kwakafanana nokubaya bharumu rizere mhepo. Rinobva rapera mweya zvishoma nezvishoma. Ndizvowo zvinoitika kana ndikazvicheka-cheka ndinonzwa kurerukirwa zvishoma nezvishoma.

Waitya here kuudza mumwe munhu zvawaiita?

Lorena: Hongu. Ndaitya kuti zvimwe vanhu vaizofunga kuti ndinopenga. Uyezve ndakanga ndisingadi kuti vamwe vanhu vazive zviri kuitika muupenyu hwangu.

Diana: Vanhu vaigara vachindiudza kuti ndiri munhu akashinga, uye ndaida kuti vagare vachifunga izvozvo. Ndaifunga kuti ndikakumbira rubatsiro havazondioni somunhu akashinga.

Kathy: Ndaitya kuti vanhu vaizofunga kuti ndine stress, izvo zvaizogona kuita kuti nditonetseka zvakanyanya. Kunze kwezvikonzero izvi, ndaitozviona sokuti zvaiva zvakakodzera kuti ndizvikuvadze.

Chii chakazoita kuti uchinje?

Lorena: Ndakaudza amai vangu zvandaiita. Pane mumwe chiremba akandibatsira kuti ndisanyanya kuora mwoyo kana kuzvitarisira pasi. Pane dzimwe nguva zvaimbondikurira asi kuwedzera kudzidza Bhaibheri kwakandibatsira. Ndinogara ndichiita basa rokuparidzira vamwe Shoko raMwari. Apo neapo pfungwa dzokuzviona sendisingakoshi dzinombouya asi pazvinoitika ndinobva ndadzidzingira kure.

Kathy: Mumwe mukadzi wechiKristu watinonamata naye mukuru kwandiri nemakore anenge 10 aizviona kuti ndine zvaindinetsa, izvi zvakaita kuti ndibve ndamuudza zvaindinetsa. Ndakashamisika kunzwa achiti naiyewo aimbova nedambudziko rokuzvicheka-cheka. Handina kunyara kutaura naye nokuti ndaiziva kuti iyewo aimbovawo nedambudziko iri uye anozvinzwisisa. Mumwewo chiremba akabatsira vabereki vangu pamwe chete neni kuti tinzwisise dambudziko randanga ndinaro.

Diana: Rimwe zuva ndakaenda kumba kwemumwe murume nemudzimai vandaivimba navo uye murume wacho akaona kuti ndaiva nezvaindinetsa. Nemutsa akandibvunza kuti dambudziko raiva rei. Mudzimai wake akandimbundira sezvandaiitwa naamai vangu pandaiva ndichiri kadiki. Ndakatanga kuchema naiyewo akabva atanga kuchema. Zvakanga zvakandiomera kuvaudza dambudziko rangu asi ndinofara kuti ndakavaudza.

Bhaibheri rakakubatsira sei?

Diana: Bhaibheri rakandibatsira kuona kuti handikwanisi kukunda dambudziko iri ndiri ndoga. Ndinotoda kubatsirwa naJehovha Mwari.​—Zvirevo 3:5, 6.

Kathy: Kuverenga Bhaibheri uye kuziva kuti mashoko arimo anobva kuna Mwari kunondinyaradza chaizvo!​—2 Timoti 3:16.

Lorena: Pandinoona magwaro anondibata-bata, ndinobva ndaanyora mukabhuku kangu kuitira kuti ndizoaverenga pava paya.​—1 Timoti 4:15.

Pane vhesi yemuBhaibheri yakakubatsira here?

Diana: Zvirevo 18:1 inoti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” Dzimwe nguva ndinonzwa zvichindiomera kugara pane vamwe, asi vhesi iyi inondibatsira kuona kuti kuzviita zindoga hakuna kunaka.

Kathy: Mavhesi maviri andinofarira ndiMateu 10:29 uye 31, Jesu paakati kunyange shiri duku chaiyo painofa, Jehovha Mwari anotozviziva. Akabva awedzera kuti: “Musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.” Kunyange iye zvino pandinoverenga mavhesi aya ndinobva ndayeuka kuti ndinokosha pamberi paJehovha.

Lorena: Ndinofarira rugwaro rwaIsaya 41:9, 10, Jehovha paanoudza vanhu vake kuti: “Handina kukuramba. Usatya, nokuti ndinewe. . . . Ndichakusimbisa.” Pandinofunga nezvechinhu chakasimbiswa, ndinobva ndafunga nezvechinhu chisingapindiki chakadai semadziro akavakwa nematombo. Vhesi iyi inoita kuti ndinzwe ndasimbiswa, ndichiziva kuti Jehovha anondida uye kuti achagara ari pedyo neni.

Mibvunzo yokufunga nezvayo

  • Kana uchida kubatsirwa ndiani waungataura naye?

  • Paunenge uchinyengetera kuna Jehovha Mwari nezvenyaya iyi ungamuudza kuti kudii?

  • Ndedzipi nzira mbiri (kwete dzokuzvikuvadza) dzaungashandisa kuti uderedze stress uye usanyanya kuzvidya mwoyo?

Bhuku randinonyora mavhesi andinoda

Zvaungaita: Kana ukaona vhesi inoratidza kukuda kunoita Jehovha kana kuti inokubatsira kuti usanyanya kuzvitarisira pasi, inyore mukabhuku kako. Nyora mutsara mumwe chete kana miviri inoratidza kuti sei vhesi iyoyo ichikosha kwauri. Kuti uone maitirwo azvo tarisa uone mamwe mavhesi akabatsira Diana, Kathy, naLorena.

  • VaRoma 8:38, 39

    “Mavhesi aya anondiratidza kuti Jehovha anondida chaizvo kunyange pandinoona kuti handisisina tariro padambudziko rangu.”​—Diana.

  • Pisarema 73:23

    “Mavhesi akaita seaya anondivimbisa kuti handisi ndoga. Zvinoita sokuti Jehovha ari padivi pangu chaipo.”​—Kathy.

  • 1 Petro 5:10

    “Dambudziko ringasakurumidza kupera; tinogona kumbotambura ‘kwenguva duku.’ Asi pakupedzisira Jehovha achatipa simba rokuti titsungirire chero dambudziko ripi zvaro.”​—Lorena.

Mamwe mavhesi okufunga nezvawo

  • Pisarema 34:18

  • Pisarema 54:4

  • Pisarema 55:22

  • Isaya 57:15

  • Mateu 11:28, 29

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe