RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 15
  • Ndiri Kunetseka Nezvakaita Muviri Wangu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiri Kunetseka Nezvakaita Muviri Wangu Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mubvunzo: Ndiri kunyanya kunetseka here?
  • ‘Sei ndisingafariri muviri wandinawo?’
  • ‘Ndochinja here zvandiri?’
  • Ndoita chero chingaita kuti ndichinje here?
  • Nei Ndichinetseka Nezvakaita Muviri Wangu?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndingaita Sei Kuti Ndive Nemuviri Mutete?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 15

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndiri Kunetseka Nezvakaita Muviri Wangu Here?

  • Mibvunzo yokuti upindure: Ndiri kunyanya kunetseka here?

  • Sei ndisingafariri muviri wandinawo?

  • Ndochinja here zvandiri?

  • Ndoita chero chingaita kuti ndichinje here?

  • Zvinotaurwa naJulia

Mubvunzo: Ndiri kunyanya kunetseka here?

  1. Unoona sei muviri wako?

    • Handitomboufariri.

    • Dzimwe nguva handiufariri.

    • Ndinogutsikana nezvawakaita.

  2. Zvii zvawaizoda kuchinja pamuviri wako?

    • Urefu

    • Uremu

    • Chimiro

    • Bvudzi

    • Ganda rokumeso

    • Kukura kwetsandanyama

    • Zvimwe

  3. Pedzisa mutsara uyu.

    Ndinonyanya kunetseka nezvakaita muviri wangu . . .

    • pandinokwira pasikero.

    • pandinozvitarisa mugirazi.

    • pandinozvienzanisa nevamwe (shamwari, tsvarakadenga dzinokwikwidza, vanhu vanonyanya kuekita mumafirimu).

  4. Pedzisa mutsara uyu.

    Ndinozviyera . . .

    • mazuva ose.

    • kamwe pavhiki.

    • kamwe pavhiki mbiri.

  5. Unonzwa sei nezvakaita muviri wako?

    • Handifariri muviri wandinawo. (Muenzaniso: “Pose pandinozvitarisa mugirazi ndinoona chimunhu chakafuta, chakashata. Ndakatosvika pakuzviuraya nenzara ndichida kuva nemuviri mutete.”​—Serena.)

    • Ndinogutsikana nemuviri wangu. (Muenzaniso: “Pane zvimwe zvinhu zvaunototi usafarira pachitarisiko chako, asi zvimwe unotofanira kuzvigamuchira sezvazviri. Kupenga kunetseka nezvinhu zvatisingakwanisi kuchinja.”​—Natanya.)

Bhaibheri rinotiudza kuti tisanyanya kufunga zvatiri ‘kupfuura zvatinofanira kufunga.’ (VaRoma 12:3) Saka zvakanaka kufunga nezvezvauri asi kwete kubva wanyanyisa. Ndokusaka uchikwesha mazino uye uchiita zvinhu zvinoita kuti ugare une utano hwakanaka.

Ko kana uchigara uchinetseka nezvakaita muviri wako, zvokusvika pakushaya mufaro? Kana zvichimboitika kwauri unogona kuzvibvunza mubvunzo wokuti . . .

‘Sei ndisingafariri muviri wandinawo?’

Panogona kunge pane zvikonzero zvakawanda. Zvimwe zvacho ndeizvi:

  • Zvinobudiswa paTV nemabhuku. “Vechiduku vanokanganiswa nemifananidzo inoita kuti vafunge kuti kuva nemuviri mutete ndiko kunaka. Izvi zvinoita kuti kana usina muviri wakadaro uzvione sokunge usingabatsiri!”​—Kellie.

  • Zvinoitwa nevabereki. “Ndakaona kuti kana mai vachinyanya kunetseka nezvakaita muviri wavo, kazhinji ndizvo zvichaitawo mwanasikana wavo. Ndizvowo zvinogona kuitika kunanababa nevanakomana vavo.”​—Rita.

  • Kuzvitarisira pasi. “Munhu anonyanya kunetseka nezvakaita muviri wake anogara achibvunza vamwe kuti vari kuona sei muviri wake. Zvinondibhowa kutamba nemunhu akadaro!”​—Jeanne.

Pasinei nokuti zvinokonzerwa nei, unogona kubvunza kuti . . .

‘Ndochinja here zvandiri?’

Inzwa zvinotaurwa nevezera rako.

“Hazvisi zvinhu zvose zvausingafariri zvaunogona kuchinja pauri, saka zvakanaka kudzidza kutozvigamuchira. Kana ukazvigamuchira, vamwe havazombonyanyi kuzvitarisa.”​—Rori.

“Ita zvaunokwanisa kuti uve noutano hwakanaka. Kana uri mutano, zvauri ndizvo zvaunofanira kunge uri. Uye kana mumwe munhu akasakufarira nemhaka yezvakaita muviri wako, munhu iyeye anenge asiri shamwari yako chaiyo.”​—Olivia.

Chinhu chinokosha: Ita zvaunogona kuti utaridzike zvakanaka. Usanetseka nezvakawanda. Kunyanya kunetseka nezvauri kunogona kukukanganisa. (Inzwa “Zvinotaurwa naJulia.“)

Mumwe musikana anonzi Erin akaona kuti kana ukagutsikana nezvauri zvichaita kuti usanyanya kunetseka nezvimwe zvinhu. Anoti: “Kutaura chokwadi ndinombonetseka, uye ndinoona kuti pandinofungisisa nezvezvinhu zvisina basa ndinobva ndaora mwoyo. Iye zvino ndinoita maekisesaizi nguva dzose uye ndinodya zvinhu zvine utano. Zvimwe zvinozongozvigadzirisa zvoga.”

Ndoita chero chingaita kuti ndichinje here?

Kana uchigutsikana nezvauri zvichaita kuti unzwe uri munhu pane vamwe. Bhaibheri rinogona kukubatsira. Rinokukurudzira kuita zvinotevera:

  • Kugutsikana. ‘Zviri nani kuti munhu agutsikane nezvaanoona nemaziso ake pane kugutsikana nezvaanofunga. Naizvozvo izvi hazvina maturo, kungodzingirira mhepo bedzi.’​—Muparidzi 6:9, Bhaibheri Rinoyera.

  • Kusapfuura mwero pakuita maekisesaizi. “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.”—1 Timoti 4:8.

  • Kuva neunhu hwakanaka. ‘Munhu anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.’—1 Samueri 16:7.

“Chiso chedu chinoratidza maonero atinozviita. Kana munhu achigutsikana, vamwe vachazviona uye zvichabva zvaita kuti vamufarire.”​—Sarah.

“Chimiro chakanaka chinogona kuita kuti vakawanda vakutarise. Asi unhu hwako hwakanaka ndihwo huchaita kuti vanhu varambe vachifunga nezvako.”​—Phylicia.

Onawo Zvirevo 11:22; VaKorose 3:10, 12; 1 Petro 3:3, 4.

Zvinotaurwa naJulia

Pandaiva nemakore 16, ndakanga ndava kunetseka nezvakaita muviri wangu. Handisati ndambofuta, uye kubvira pakukura kwangu handina kumboita kamuviri katete. Ndaiva nemahips. Ndaifunga kuti zvimwe kudai ndaiva mutete ndaizofarirwa nevakomana. Saka ndakasvika pakuzviuraya nenzara ndichida kuita kamuviri kakanaka.

Ndakabva ndaita mutete, asi ndakapedzisira ndava kurwara-rwara. Zvakazopera hazvo asi nanhasi pfungwa dzangu padzinongofunga nezvekurwara kwandaiita ndinobva ndatanga kunetseka. Nanhasi kudya kwangu hakuna kutsarukana. Zvishoma nezvishoma ndiri kuzvigamuchira kuti muviri wandinawo ndiwo wangu chaiwo. Handichazviomeseri pakudya uye ndinoita maekisesaizi. Asi pandinonetseka nezvakaita muviri wangu pfungwa inotanga kuuya ndeyokuti ndizvinyime zvokudya.

Dai zvaizoita ndinoda kuudza vamwe vechiduku kuti munhu mumwe nomumwe ane maonero ake akasiyana neevamwe. Pasinei nokuti une muviri wakaita sei, varipo chete vamwe vanhu vachakuyemura kana kuti vachatosvotwa nazvo. Chinokosha ndechokuti uri mutano. Ndicho chinhu chinokosha kune vanhu vane hanya newe zvechokwadi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe