RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 29
  • Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Vasande
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Tinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Tinofanira Kunyengetera Kuna Jesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 29

Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?

Mhinduro yeBhaibheri

Kwete. Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira kunyengetera kuna Mwari chete nomuzita raJesu. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Imi namatai nomutoo uyu: Baba vedu vari kudenga. Zita renyu rinoera ngarikudzwe.” (Mateu 6:​9, Bhaibheri Rinoera) Haana kumbodzidzisa vadzidzi vake kuti vanyengetere kuvasande, ngirozi kana mumwewo munhu kunze kwaMwari.

Jesu akaudzawo vadzidzi vake kuti: “Ini ndini nzira, ndini chokwadi, ndini upenyu. Hakuna munhu anouya kuna Baba asingasviki napandiri.” (Johane 14:​6, BR) Jesu chete ndiye akanzi naMwari ave murevereri wedu.​—VaHebheru 7:25.

Ko ndikanyengetera kuna Mwari ndonyengeterawo kuvasande?

PaMirayiro Gumi, Mwari akati: “Ini TENZI, Mwari wako, ndiri Mwari ane shanje.” [Kubuda (Eksodho) 20:​5, BR] Sei Mwari achinzi ane “shanje”? Mashoko omuzasi muNew American Bible anoti iye “anoda kuti munhu anyatsozvipira kwaari.” Mwari anoda kuti vanhu vazvipire kwaari kana kumunamata iye oga uye izvi zvinosanganisira kunyengetera.​—Isaya 48:11.

Kana tikanyengetera kuvasande kana kungirozi tinenge tagumbura Mwari. Muapostora Johani paakaedza kunamata ngirozi, ngirozi yakamurambidza ichiti: “Rega kundinamata! Asi namata Mwari! Ini ndiri murandawo akaita sewe nehama dzako dzinotenda nechokwadi zvinhu zvakazarurwa naJesu!”​—Zvakaratidzwa 19:​10, BR.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe