Thai Liang Lim/E+ via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Nyika Yese Iri Kutyira Vechidiki Pakushandisa Kwavari Kuita Social Media
Muna 2025 pasi rese hurumende dzakataura kuti dziri kunetseka nekukanganiswa kuri kuitwa vana nesocial media. Imwe nyika yakatorambidza zvachose kuti vana vari pasi pemakore 16 vashandise social media uye dzimwe nyika dziri kufunga kuitawo izvozvo.
Kunyange vamwe vechidiki vari kutoonawo kuti social media inogona kuvakanganisa. Imwe ongororo yakaitwa muUnited States newePew Research Center, iyo yakabudiswa muna April 2025 yakati “inenge hafu yevechidiki vari pakati pemakore 13 ne17 vakataura kuti social media iri kukanganisa zvakanyanya vamwe vezera ravo.”
Vezveutano vakayambirawo kuti social media inokanganisa vechidiki pamafungiro avo uye pamanzwiro. Gore rakapera, Dr. Vivek Murthy, avo vaimbova surgeon general muUnited States vakati: “Vana vakawanda vava kutambura nezvirwere zvepfungwa. Social media iri pakati pezvimwe zvinhu zvikuru zviri kukonzera dambudziko iri.”
Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vasakanganiswa nesocial media? Bhaibheri rine mazano anobatsira.
Zvingaitwa nevabereki
Onai mazano anotevera ari muBhaibheri.
“Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.
Sezvo social media ichigona kukanganisa mwana wenyu, munenge musina kutadza kana mukamurambidza kuishandisa. Musati mabvumidza mwana wenyu kushandisa social media, ivai nechokwadi chekuti akura zvekuti anogona kutevedzera mitemo yamunomupa panyaya yenguva yaanopedza achiishandisa, kuva neshamwari dzakanaka, uye kurega kuvhura nekuona zvinhu zvisina kunaka zvinowanikapo.
Kuti mudzidze zvakawanda, verengai nyaya dzinoti “Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?” uye “Kudzidzisa Mwana Wenyu Ari Kuyaruka Kuti Ashandise Social Media Zvakanaka.”
“[Shandisai] nguva yenyu nekuchenjera.”—VaEfeso 5:16.
Kana mukabvumidza mwana wenyu kushandisa social media, mupei mitemo yekuti anoishandisa sei uye mutsanangurirei kuti kutevedzera mitemo iyoyo kunomuchengetedza sei. Garai muchicherechedza zvinhu zvinenge zvachinja pamwana wenyu izvo zvinogona kuratidza kuti munofanira kuderedza nguva yaanopedza ari pasocial media.
Shandisai vhidhiyo yemakatuni ekudhirowa inonzi Chenjera Pakushandisa Social-Network kuti mubatsire mwana wenyu kuti aone kuti zvakanakirei kuti tive nemitemo yatinotevedzera pakushandisa social media.
Kuti muwane mamwe mazano anobva muBhaibheri ezvingaitwa nevabereki onai nyaya inoti “Nyanzvi Yezveutano Iri Kuti Social Media Inogona Kukanganisa Vana—Bhaibheri Rinomboti Kudii?”
Dzidza zvimwe
Bhaibheri rinoti tiri kurarama munguva “dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1-5) Asi rinotipawo mazano anotibatsira kuti tigone kurarama munguva idzi. Pane misoro yenyaya dzinopfuura 20 dzine mazano eBhaibheri anobatsira vabereki nevana inowanika munyaya yakanzi “Nhamba Yevana Vari Kuyaruka Vari Kubatwa Nezvirwere Zvepfungwa Iri Kuwedzera—Bhaibheri Rinomboti Kudii?”