sinceLF/E+ via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Ndiani Achachengetedza Vanhu Vasiri Muchiuto?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations) rakati:
Kubva musi wa7 October kusvika musi wa23 October 2023, hondo iri kuitika pakati peGaza neIsrael yakauraya vanhu 6 400 uye 15 200 vakakuvara. Vakawanda vevanhu ivavo vakanga vasiri muchiuto. Kunewo zviuru zvevanhu vakatiza misha yavo.
Pakasvika 24 September 2023, hondo iri kuitika pakati peRussia neUkraine yakanga yauraya vanhu 9 701 vasiri muchiuto uye vanhu 17 748 vakakuvara.
Bhaibheri rinopa tariro ipi kuvanhu vari kutambura nemhaka yehondo?
Chikonzero chinoita kuti tive netariro
Bhaibheri rakagara rataura kuti Mwari achagumisa “hondo munyika yese.” (Pisarema 46:9) Achabvisa hurumende dzese dzevanhu, oita kuti hurumende yake yekudenga kana kuti umambo itonge pasi rese. (Dhanieri 2:44) Umambo hwaMwari ndihwo huchabvisa matambudziko ese evanhu.
Ona zvichaitwa naJesu Kristu, Mambo weUmambo hwaMwari:
“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12-14.
Mwari achashandisa Umambo hwake kuti abvise nhamo nematambudziko ese ari kukonzerwa nehondo uye kurwisana.
“Achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa. Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achachinja zvinhu zvakawanda panyika. Bhaibheri rakati tichanzwa “nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo” uye ndizvo zviri kuitika mazuva ano. (Mateu 24:6) Zviitiko izvi nezvimwe zviri kutoratidza kuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira” ekutonga kwevanhu.—2 Timoti 3:1.