AspctStyle/stock.adobe.com
Jesu Ndiye Achapedza Hondo
Jesu paaiva panyika airatidza kuti aida vanhu zvakadzama, zvekuti akasvika pakutovafira. (Mateu 20:28; Johani 15:13) Munguva pfupi iri kuuya, acharatidza zvekare kuda kwaanoita vanhu nekushandisa kwaachaita simba rake saMambo weUmambo hwaMwari “kugumisa hondo munyika yese.”—Pisarema 46:9.
Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri zvichaitwa naJesu:
“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12-14.
Zvii zvatingaita kuti tiratidze kuti tinotenda zvatakaitirwa naJesu uye zvaachazotiitira mune ramangwana? Imwe nzira ndeyekudzidza zvakawanda ‘nezvemashoko akanaka eUmambo hwaMwari,’ ayo aiparidzwa naJesu. (Ruka 4:43) Verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?”