Kim Steele/The Image Bank via Getty Images
Umambo hwaMwari Huchaitei Nematambudziko Ezveupfumi?
Pasi rese, vanhu vakawanda vari kuramba vachiomerwa kuti vawane zvekurarama nazvo.
Maererano nemumwe mushumo wepasi rese uchangobva kubuda,a “mari iri kutambirwa nevanhu haichakwana kutenga zvinhu zvavaimbotenga.” Mushumo wacho wakataura kuti kana vanhu vakasaona zvekuita, “musiyano uri pakati pevapfumi nevarombo ucharamba uchiwedzera” uye “mhuri dzakawanda dzichange dzisisakwanisi kurarama sezvadzaimboita.”
Hurumende dzichakwanisa kupedza kana kugadzirisa dambudziko iri rezveupfumi here?
Bhaibheri rinotsanangura kuti pane hurumende inokwanisa kugadzirisa matambudziko ese ezveupfumi, kusanganisira rekuti vamwe vapfumi asi vamwe varombo. Rinoti “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo,” kureva hurumende imwe chete inenge ichitonga pasi rese. (Dhanieri 2:44) Hurumende iyoyo painenge ichitonga, hapana munhu achasiyiwa achitambura. (Pisarema 9:18) Umambo hwaMwari huchava nechokwadi chekuti vanhu vese vachange vaine zvavanoda kuti vafare. Munhu wese achawana mubayiro unobva pakushanda kwake nesimba.—Isaya 65:21, 22.
a International Labour Organization Global Wage Report 2022-23