Comstock Images/Stockbyte via Getty Images
Umambo hwaMwari Huchaitei Nevatungamiriri Vehurumende Vane Uori?
Vanhu vanoda vatungamiriri vehurumende vavanogona kuvimba navo; vaneta nevatungamiriri vehurumende vane uori. Mashoko akabudiswa muna 2023 eimwe ongororo yakaitwa akaratidza kuti vanhu vasisavimbwe navo kupfuura vamwe vese ndevezvematongerwo enyika.a
Bhaibheri rinotaura nezvehurumende ine Mutungamiriri akavimbika uye asina uori. Hurumende iyoyo Umambo hwaMwari uye Mutungamiriri wacho ndiJesu Kristu.—Isaya 9:7.
Zvakaitwa naJesu zvinonyatsoratidza kuti ane hanya nevanhu. (Mateu 9:35, 36) SaMambo weUmambo hwaMwari, achaita kuti vanhu vese vanobvuma kutungamirirwa naye vatongwe zvakarurama uye vave nerugare.—Pisarema 72:12-14.
a 2023 Edelman Trust Barometer Global Report.