RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 87
  • Kusadya Nyama—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusadya Nyama—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonero anoita Musiki wedu vanhu nemhuka
  • Zvichaita kuti ramangwana redu rinake
  • Mhuka
    Mukai!—2015
  • Kudya Nyama Hakuna Kururama Here?
    Mukai!—1997
  • Mhuka Dzinoenda Kudenga Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Utsinye Kumhuka—Hwakaipa Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 87
Michero, miriwo nezvimwe zvekushandisa pakubika muriwo.

fcafotodigital/E+ via Getty Images

Kusadya Nyama—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Pasi rese, vanhu vakawanda vari kufarira kunzwa nyaya yekusadya nyama.

  • “Nyaya yekusadya nyama inobva pamafungiro ane vamwe vanhu ekuti hazvina kunaka kuitira mhuka utsinye, kudzidya, kana kushandisa zvinhu zvinobva padziri kugadzira zvekupfeka kana zvimwewo.”—The Vegan Society.

Chimwewo chikonzero chinoita kuti vamwe varege kudya nyama ndechekuti vanenge vachiti vari kuchengetedza nharaunda, vanotiwo zvinobatsira pautano uye vamwe vanorega nekuda kwechitendero chavo.

  • “Kurega kudya nyama uku kwakasiyana nezvinoitwa nevanhu vachiitira utano hwavo nekuti nyaya yacho vanotoiona sekunge kuti chitendero uye vanoti kudya nyama kunoratidza kuti hauna tsitsi nemhuka. Vanotiwo kuita izvi kunobatsira pakugadzirisa matambudziko ari panyika.”—Britannica Academic.

Kusadya nyama kuchagadzirisa matambudziko ari panyika here? Bhaibheri rinomboti kudii?

Maonero anoita Musiki wedu vanhu nemhuka

Bhaibheri rinoratidza kuti Musiki wedu Jehovha Mwari,a anokoshesa vanhu kupfuura mhuka uye akavapa simba pamusoro pemhuka. (Genesisi 1:27, 28) Nekufamba kwakazoita nguva, Mwari akabvumira vanhu kuti vadye nyama yemhuka. (Genesisi 9:3) Asi haabvumire kuti tiitire mhuka utsinye.—Zvirevo 12:10.

Bhaibheri rinoratidza kuti zviri kumunhu mumwe nemumwe kuti odya nyama here kana kuti orega.b Kudya kana kusadya hakuiti kuti munhu awedzere kufarirwa naMwari. (1 VaKorinde 8:8) Hapana anofanira kushora mumwe pachisarudzo chaanenge aita kuti odya nyama here kana kuti orega.—VaRoma 14:3.

Zvichaita kuti ramangwana redu rinake

Bhaibheri rinoratidza kuti zvatinosarudza kuita muupenyu hazvifi zvakagadzirisa matambudziko ari munyika. Matambudziko akawanda ari munyika anokonzerwa nezvematongerwo enyika, kunetsana kwevanhu uye zveupfumi izvo zvisingakwanisi kugadziriswa nevanhu. Bhaibheri rinoti:

  • “Chakakombama hachigoni kutwasanudzwa.”—Muparidzi 1:15.

Musiki wedu ndiye achagadzirisa matambudziko atiri kusangana nawo. Bhaibheri rinoshandisa mashoko ekufananidzira richitsanangura magadzirisiro aachaita matambudziko edu.

  • “Uye ndakaona denga idzva nenyika itsva; nekuti denga rekare nenyika yekare zvakanga zvisisipo, uye gungwa rakanga risisipo.”—Zvakazarurwa 21:1.

Mwari achabvisa “denga rekare,” kureva hurumende dzevanhu odzitsiva ‘nedenga idzva,’ kureva hurumende yake yekudenga. Umambo hwake huchabvisa “nyika yekare,” kureva vanhu vakaipa uye huchatonga “nyika itsva,” kureva vanhu vanoda kutongwa neumambo ihwohwo.

Vanhu pavanenge vava kutongwa neUmambo hwaMwari ndipo chete pavachakwanisa kugarisana nemhuka zvakanaka uye kuchengetedza nharaunda.—Isaya 11:6-9.

“Ndava nepfungwa dzakagadzikana”

Jukka aishanda nesimba kuti achengetedze mhuka, asi zvaaiita hazvina zvazvakabatsira. Nekufamba kwenguva, akazoona kuti zvii zvingaitwa kuti dambudziko iri rekusabatwa zvakanaka kwemhuka rigadziriswe. Verenga nezvake.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

b Bhaibheri rinoti ‘tirege ropa.’ (Mabasa 15:28, 29) Izvi zvinoreva kuti hatifaniri kudya ropa kana kudya mhuka inenge isina kubudiswa ropa zvakanaka uye kudya chikafu chinenge chakasanganiswa neropa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe