Chris McGrath/Getty Images
Umambo hwaMwari Huchaitei Nehondo Dziri Kuitika Panyika?
Nyika iri kusakadzwa nehondo dziri kukonzera kuti vanhu vatambure zvisingaiti. Ona mishumo inotevera:
“Mashoko achangobva kubuda anoratidza kuti mumakore 28 apfuura hapana gore rakafa vanhu vakawanda nehondo kupfuura gore rakapera, kunyanya muEthiopia nemuUkraine.”—Peace Research Institute Oslo, 7 June, 2023.
“Hondo yekuUkraine ndeimwe yehondo dzakanyanya kutsviriridza muna 2022. Mugore rakapfuura mhirizhonga yakakonzerwa nezvematongerwo enyika yakawedzera ne27% pasi rese, uye izvi zvakakanganisa upenyu hwevanhu vanenge 1,7 bhiriyoni.”—The Armed Conflict Location & Event Data Project (ACLED), 8 February, 2023.
Bhaibheri rinotipa tariro. Rinoti “Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi.” (Dhanieri 2:44) Mwari achashandisa Umambo ihwohwo kana kuti hurumende, “kugumisa hondo munyika yese.”—Pisarema 46:9.