Mwari Anoona Sei Matsi?
Pasi rese, kune matsi dzinenge 70 miriyoni uye vakawanda vanoshandisa mumwe wemitauro yemasaini inopfuura 200 pakutaurirana nevamwe. Zvinorwadza kuti kakawanda vanhu ava vanobatwa zvisina kunaka nevamwe. Mashoko anotevera anoratidza kuti ichocho ichokwadi:
“Pasi rese, vanhu havawanzoremekedzi kodzero dzematsi uye dzevaya vasingakwanisi kunyatsonzwa zvakanaka.”—National Association of the Deaf (U.S.).
“Munyika dzichiri kubudirira, matsi ndidzo dzinonyanya kutambura uye hazvisi nyore kuti vawane dzidzo, mabasa kana ruzivo rwezviri kuitika.”—World Federation of the Deaf.
Mwari anoona sei matsi? Bhaibheri rinoti kudii nezvavo? Uye Zvapupu zvaJehovha zviri kuvabatsira sei?
Mwari Anoona Sei Matsi?
Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovhaa anovakoshesa. Anoda kuti vabatwe zvakanaka uye kuti vabatsirwewo nechokwadi cheBhaibheri.
Rugwaro: “Usatuka matsi.”—Revhitiko 19:14.
Zvarunoreva: Mutemo wakapiwa vaIsraeri naJehovha waidzivirira kodzero dzematsi.
Rugwaro: “Mwari haasaruri.”—Mabasa 10:34.
Zvarunoreva: Jehovha anoda vanhu vemarudzi ese pasinei nekuti vanobva kupi kana kuti vanotaura mutauro upi, kusanganisira matsi.
Rugwaro: ‘Jesu akatanga kushanyira maguta ese achiparidza mashoko akanaka eUmambo.’—Mateu 9:35.
Zvarunoreva: Jesu akauya panyika kuzodzidzisa vanhu nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaitira vanhu vese, kusanganisira matsi.—Mateu 6:10.
Rugwaro: Jesu akaita kuti “kunyange matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”—Mako 7:37.
Zvarunoreva: Jesu paakaita izvi aitoratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari; huchaita kuti nzeve dzematsi dzivhurwe uye kuti vasingataure vakwanise kutaura. Jesu akatanga ataura nemurume wacho achishandisa masaini, achibva azoita kuti murume wacho atange kutaura uye kunzwa.—Mako 7:31-35.
Rugwaro: “Nzeve dzematsi dzichavhurwa.”—Isaya 35:5.
Zvarunoreva: Jehovha akagara ataura kuti matsi dzichanzwa.—Isaya 29:18.
Zvapupu zvaJehovha Zviri Kubatsira Sei Matsi?
Zvapupu zvaJehovha pasi rese zvinoudza matsi mashoko akanaka anopa tariro. Tiri kuzviita sei? Tiri kubudisa maBhaibheri uye mavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri mumitauro yemasaini inopfuura 100. Tinodzidzisawo vanhu Bhaibheri mumitauro yemasaini uye tinotoita misangano yechiKristu mumitauro iyoyo. Zvese izvi zvinowanika pachena kune vanoda havo kudzidza nezvaMwari. Nei tisingabhadharisi? Nekuti Jesu akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.”—Mateu 10:8.
Unogona kuwana Bhaibheri nemamwe mavhidhiyo anotsanangura Bhaibheri paIndaneti kana kuadhaunirodha pafoni yako uchitevedzera zviri kutaurwa pasi apa:
JW.ORG. Baya chiratidzo chemitauro chinenge chiri nechepamusoro pepeji rejw.org raunenge wakavhura kuti usarudze mutauro wemasaini waunoda.
JW Library. Dhaunirodha application iyi pafoni yako. Izvi zvichaita kuti ukwanise kudhaunirodha kana kuona mavhidhiyo mumitauro yemasaini inopfuura 100.
Zvinhu Zvatinoita Tichibatsira Vanhu Vanoshandisa Mutauro Wemasaini
Bhaibheri remutauro wemasaini. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muMutauro Wemasaini wekuAmerica ndiro raiva Bhaibheri rekutanga rakazara rakabudiswa mumutauro wemasaini pasi rese. Iye zvino Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rava kuwanika rakazara kana kuti zvikamu zvaro mune mimwe mitauro yemasaini yakawanda uye riri kuramba richibudiswa mumitauro yemasaini yakawanda gore negore. (Ona bhokisi rakanzi “Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva Mumutauro Wemasaini kana uchida kuona kuti rinowanika mumitauro ipi yemasaini uye kana uchida kuriverenga paindaneti.”)
Ona vhidhiyo inonzi Bhaibheri Rakazara reShanduro yeNyika Itsva Rava Kuwanika muASL kuti unzwe kuti zvinofamba sei panenge pachishandurwa Bhaibheri mumutauro wemasaini.
Kuti zvikuitire nyore kuverenga Bhaibheri remutauro wemasaini dhaunirodha application inonziJW Library. Ichakubatsira kuti ukwanise kusarudza mavhesi aunenge uchida nyore nyore.
Murume anonzi Dmytro nemudzimai wake Vita vane vana vanonzwa, asi ivo imatsi. Ona kuti mhuri yavo yakabatsirwa sei nekuverenga Bhaibheri remutauro wemasaini zuva nezuva.
Mavhidhiyo anodzidzisa zvinotaurwa neBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvakabudisa mavhidhiyo akawanda mumutauro wemasaini anobatsira vanhu kuti vanzwisise uye vashandise chokwadi cheBhaibheri panyaya dzinobata-bata . . .
Kuitisa vanhu kosi yeBhaibheri. Dzidza Bhaibheri mumutauro wemasaini uchibatsirwa neChapupu chaJehovha. Kumbira kuratidzwa kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei.
Jeson Senajonon anogara kuPhilippines. Ona kuti kosi yeBhaibheri yakamubatsira sei kuti ave neushamwari hwepedyo naMwari.
Mario Antúnez aiva mufundisi wechechi kuHonduras. Ona kuti akawana sei mhinduro yemibvunzo yaaiva nayo muBhaibheri munyaya inoti, “Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Kupfuura Mhinduro.”
Misangano nemagungano. Tine ungano nemapoka madiki pasi rese anoungana kuti adzidze uye kuti anamate achishandisa mutauro wemasaini. Tinorongawo magungano emutauro wemasaini gore rega rega kuti vanhu vanoshandisa mutauro uyu vadzidziswe Bhaibheri. Pamisangano yedu nemagungano, tinobatsirawo vanhu vari matsi panguva imwe chete vasingaoni. Kuti munhu akadaro abatsirwe tinoita kuti mumwe munhu asainire mumaoko ake kuti azive kuti masaini api ari kushandiswa obva abata zviri kudzidziswa. Tinogadzirawo zvinyora zvebraille uye tinozvipa pachena.
Tsvaga ungano iri pedyo newe.
Dzidza nezvemagungano atinoita.
Pinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu; uyu ndiwo musangano unokosha kupfuura yese watinoita gore rega rega.
José Luis Ayala anogara kuMexico. Akaberekwa ari matsi uye akazova bofu nekufamba kwenguva. Ona kuti akabatsirwa sei kuti ave mudzidzisi weBhaibheri ane unyanzvi.
a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi, “Jehovha Ndiani?”