mustafahacalaki/DigitalVision Vectors via Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Artificial Intelligence Ichatibatsira Here Kana Kuti Ichatikanganisa?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Munguva pfupi ichangopfuura, vatungamiriri venyika uye nyanzvi dzesainzi vane zvavakataura nezvenyaya yemichina nezvimwe zvinhu zviri kugadzirwa kuti zviite zvinhu zvinowanzoitwa nevanhu, Artificial Intelligence (AI). Vakabvumirana kuti zvinhu izvi zvinogona kubatsira chaizvo asi vari kutyira kuti vamwe vanhu vanogona kuzvishandisa zvisiri izvo.
“AI ndiyo chimwe chezvinhu zvinobatsira chaizvo zvakagadzirwa nenyanzvi dzesainzi zviri kushandiswa mazuva ano zvinogona kuvandudza upenyu hwevanhu . . . Asiwo inogona kuwedzera kukanganisa zvinhu zvakadai sekuchengeteka kwevanhu, kodzero dzavo, uye kuvimba kwavanoita nehurumende dzegutsaruzhinji.”—Kamala Harris, mutevedzeri wemutungamiriri wenyika yeUnited States, 4 May 2023.
Munyaya yakabudiswa muBMJ Global Health musi wa9 May 2023, rimwe boka ravanachiremba uye nyanzvi dzezveutano raitungamirirwa naDr. Frederik Federspiel rakanyora kuti: “Kunyange zvazvo Artificial Intelligence (AI) ichitarisirwa kuti ichavandudza zvinhu panyaya dzezvekurapa, iri kutyirwa kuti ine zvainogona kukanganisa pautano hwevanhu uye mararamiro avo.”a
“AI inogona kushandiswa kuparadzira mashoko enhema. Inogona kuita kuti vanhu vapedzisire vasisina mabasa. Vanhu vari kunetseka nezvekushandiswa kweAI vanoti inogona kutoparadza vanhu panyika.”—The New York Times,1 May 2023.
Nekufamba kunenge kuchiita nguva, tichaona kuti Artificial Intelligence ichashandiswa kuti ibatsire vanhu here kana kuti ivakanganise. Bhaibheri rinoti kudii?
Nei zvinhu zvinogadzirwa nevanhu zvichiita kuti vanhu vanzwe vasina kuchengeteka?
Bhaibheri rinoratidza kuti nei vanhu vasina chokwadi chekuti zvinhu zvavanogadzira zvichashandiswa zvakanaka.
1. Kunyange kana vanhu vaine vavariro dzakanaka, vanogona kutadza kuona matambudziko anogona kukonzerwa nezvavanenge vachiita.
“Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu, asi inoguma nerufu.”—Zvirevo 14:12.
2. Munhu haakwanisi kuziva kuti vanhu vachashandisa sei zvinhu zvaakagadzira.
“Ndinofanira [kusiyira basa rangu] munhu achazonditevera. Uye ndiani anoziva kana munhu wacho achange akachenjera kana kuti ari benzi? Asi ndiye achava muridzi wezvinhu zvese zvandakashandira nesimba chaizvo neuchenjeri kuti ndiwane pasi pezuva.”—Muparidzi 2:18, 19.
Zvinhu zviviri zvataurwa apa zvinoita kuti tide kutungamirirwa neMusiki.
Ndiani watingavimba naye?
Musiki wedu anovimbisa kuti haasi kuzorega vanhu kana kuti zvinhu zvavanogadzira zvichiparadza nyika nevanhu vari pairi.
“Nyika inoramba iripo nekusingaperi.”—Muparidzi 1:4.
“Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Achishandisa Bhaibheri, Musiki wedu anotiudza zvatinofanira kuita kuti tizova neramangwana rine rugare uye kuti tigare takachengeteka. Kuti unzwe zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri verenga nyaya yakanzi “Chii Chingatibatsira Kuva Neramangwana Rakanaka?” uye yakanzi “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”
a Mashoko aya akatorwa munyaya yakanzi, “Threats by Artificial Intelligence to Human Health and Human Existence,” yakanyorwa naFrederik Federspiel, Ruth Mitchell, Asha Asokan, Carlos Umana, naDavid McCoy.