RAMBAI MAKAMUKA!
Nei Zvematongerwo Enyika Zvichiita Kuti Vanhu Vasabatane?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Munyika dzakawanda vanhu havana kutombobatana nemhaka yezvematongerwo enyika. Mushumo wakabudiswa nePew Research Center unoti, “65% yevanhu vakuru vakabvunzwa munyika 19 yakati vanhu vemunyika dzavo vemapato ezvematongerwo enyika akasiyana havatombowirirane zvachose.”
Uri kuona vanhu vekwaunogara vachiwedzera kupesana nemhaka yezvematongerwo enyika here? Nei zvichidaro? Pane chingaita kuti vanhu vabatane here? Ona zvinotaurwa neBhaibheri.
Maitiro anopesanisa vanhu
Bhaibheri rakagara rataura kuti panguva yatiri kurarama inonzi ‘mazuva ekupedzisira,’ vanhu vakawanda vaizova nemaitiro anoita kuti vasatombobatana.
“Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. Nekuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasingatombodi kubvumirana.”—2 Timoti 3:1-3.
Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachishanda nesimba kuti hurumende dzibudirire, izvozvo hazvisi kuitika. Vanhu vane maonero akasiyana vanoomerwa kana kuti vanoona zvisingaiti kuti vashande pamwe chete kuti vagadzirise matambudziko. Izvi zvinongozadzisa zvakagara zvataurwa neBhaibheri kare kare.
‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.
Asi Bhaibheri rinotiudza kuti dambudziko iri richagadziriswa sei. Rinotiudza kuti richagadziriswa nehurumende inotungamirirwa nemumwe munhu anokwanisa kubvisa matambudziko ese ari kusangana nevanhu mazuva ano.
Mutungamiriri akakodzera uye ane rudo
Bhaibheri rinotiudza nezvemutungamiriri anonyatsokwanisa kugadzirisa matambudziko ese: Jesu Kristu. Jesu Kristu ane kodzero, simba, uye chido chekubatanidza vanhu uye kuunza rugare panyika.
“Mumazuva ake, vakarurama vachabudirira, uye rugare ruchawanda.”—Pisarema 72:7.
“Marudzi ese achamushumira.”—Pisarema 72:11.
Jesu ndiye mutongi akanyatsokodzera nekuti anoda vanhu uye anoda kuvabatsira, kunyanya vaya vanobatwa zvisina kunaka.
“Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo, uye achaponesa varombo. Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa.”—Pisarema 72:12-14.
Dzidza zvakawanda nezveUmambo hwaMwari, hurumende yekudenga iri kutungamirirwa naJesu. Dzidza kuti ungabatsirwa sei nehurumende iyi uye kuti ungaitsigira sei.
Ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?
Verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Ihurumende Isina Uori.”