RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 20
  • Ngwarira Mashoko Enhema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Mashoko Enhema
  • Dzimwe Nyaya
  • Mashoko Akafanana
  • Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nyika Yese Iri Kutyira Vechidiki Pakushandisa Kwavari Kuita Social Media
    Dzimwe Nyaya
  • Nyanzvi Yezveutano Iri Kuti Social Media Inogona Kukanganisa Vana—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 20
Murume ari kuongorora kuti onzwa nhau dzipi.

Ngwarira Mashoko Enhema

Mazuva ano, zvava nyore kuti uwane mashoko akasiyana-siyana, kusanganisira aya anogona kukubatsira kuti uzvidzivirire uye uve neutano hwakanaka. Asi paunenge uchitsvaga, unofanira kungwarira zvinhu zvinotevera:

  • Nhau dzinotsausa

  • Mishumo yenhema

  • Mashoko ekuchera vamwe

Semuenzaniso, munguva yeCOVID-19, mukuru mukuru weSangano Renyika Dzepasi Rese (United Nations) akayambira nezvekupararira kwemashoko enhema akaipa. Akati, “Pane mashoko akawanda enhema ari kubuda paTV uye paredhiyo ari kutaurwa nevanhu nezvemishonga inonzi inogona kushandiswa kurapa kana kuzvidzivirira pachirwere ichi. Vamwe vari kutaura mashoko ekuchera vamwe paIndaneti. Vamwe vava kushandisa mukana uyu kutaura mashoko ekushora vamwe vanhu kana kuti mamwe marudzi.”

Kutaura mashoko asiri echokwadi hakuna kutanga nhasi. Bhaibheri rakagara rataura kuti mumazuva ano, “vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Timoti 3:1, 13) Uye iye zvino, Indaneti yava kuita kuti tikwanise kuona kana kunzwa nhau uye kudziparadzira tichifunga kuti ndedzechokwadi. Saka maemail nemasocial media atinoshandisa anogona kupedzisira azara nenhau dzisiri dzechokwadi.

Zvii zvaungaita kuti usakanganiswa nemashoko anotsausa uye mashoko ekuchera vamwe? Ona mazano eBhaibheri anogona kukubatsira.

  • Murume ari kufunga zvinhu zvaaona uye zvaanzwa.

    Usatenda zvese zvaunoona kana zvaunonzwa

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.

    Tinogona kunyengerwa kana tisina kungwarira. Semuenzaniso, chimbofunga nezvemapikicha anenge aine mashoko akanyorwa uye mavhidhiyo anoparadzirwa paIndaneti, kunyanya pasocial media. Zvinhu zvakadaro zvinowanzoitirwa kusetsa vanhu. Asi mapikicha nemavhidhiyo anogona kubatwa-batwa pochinjwa zvimwe zvinhu, kana kuti vhidhiyo yacho inogona kunge isina mamwe mashoko anokubatsira kunzwisisa zvainyatsorehwa nemunhu wacho. Vanhu vanogona kushandisa mafoni kana makombiyuta kugadzira mavhidhiyo emumwe munhu achitaura kana kuita zvinhu zvaasina kutombobvira aita kana kutaura.

    “Mashoko akawanda enhema anowanzowanikwa nevanoongorora masocial media anenge aine mapikicha nemavhidhiyo zvisina mashoko akakwana, kungofanana nezviya zvinoitirwa kusetsa vanhu.”—Axios Media.

    Zvibvunze kuti: ‘Mashoko aya ndeechokwadi here kana kuti ndeekuda kungosetsa vanhu?’

  • Girazi rinokudza zvinhu.

    Ongorora mashoko acho uye kwaakabva

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvese.”—1 VaTesaronika 5:21.

    Usati wabvuma imwe nyaya kana kuitumira vamwe vanhu, kunyange iya inozivikanwa chaizvo kana yakambotaurwa munhau, tanga waona kuti ndeyechokwadi here. Ungazviita sei?

    Ongorora kwabva mashoko acho. Makambani anobudisa nhau anogona kutaura nyaya kuti ienderane nezvavanoda kana kuti zvavanofunga panyaya dzematongerwo enyika. Enzanisa nyaya yacho nezviri kubudiswawo mune dzimwe nhau. Dzimwe nguva, shamwari dzinogona kungopfuudzawo mashoko enhema pamaemail kana kuti pasocial media dzisina kuzvifunga. Saka usavimba nenhau dzaunonzwa kunze kwekunge waongorora kwabva mashoko acho uye waona kuti ndeechokwadi.

    Iva nechokwadi chekuti mashoko acho akarurama uye anoenderana nenguva. Tarisa misi yakanyorwa uye zvimwe zvinhu zvinotsigira kana mashoko acho ari echokwadi. Unofanira kunyanya kungwarira kana ukaona nyaya yakaoma kunzwisisa ichitsanangurwa nemashoko ari nyore kunzwisisa. Ngwarirawo kana ukaona kuti vakabudisa nyaya yacho vakairuka vaine chinangwa chekuti ubatwe-batwe nayo.

    “Kuongorora kuti mashoko ndeechokwadi here kwava kukosha sezvinongoita kugeza maoko.”—Sridhar Dharmapuri, Senior Food Safety and Nutrition Officer for the U.N.

    Zvibvunze kuti: ‘Nhau idzi dzinoita kuti zviome kuona musiyano wechokwadi chaicho nezvinofungwa nevanhu here kana kuti dzinoratidza divi rimwe chete renyaya yacho?’

  • Pepa rekushandisa pakuongorora.

    Ongorora uve nechokwadi nazvo, kwete kungoti ndinozvifarira

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anovimba nemwoyo wake ibenzi.”—Zvirevo 28:26.

    Tinowanzoda kuvimba nemashoko anotsigira zvatinoda kunzwa. Uye makambani anoita zveIndaneti akagadzira zvinhu nenzira inoita kuti patinongoenda paIndaneti kana kuti pasocial media, zvinhu zvinowanzobuda ipapo ndezviya zvakarerekera kunyaya dzatinowanzovhura kana tiri paIndaneti. Asi, zvatinofarira kunzwa hazvirevi kuti zvinhu izvozvo ndezvechokwadi.

    “Vanhu vanokwanisa kushandisa pfungwa voona kuti ichi chakaipa uye ichi chakanaka. Asi zvinodiwa nemwoyo wedu zvinowanzova nesimba zvekuti tinogona kubvuma zvimwe zvinhu chero bedzi zvichitsigira zvatiri kuda.”—Peter Ditto, anoongorora mashandiro epfungwa dzevanhu.

    Zvibvunze kuti: ‘Ndinovimba nemashoko aya nekungoti anoenderana nemaonero angu here?’

  • Mashoko enhema ari kukandwa mubhini.

    Usaparadzira mashoko enhema

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Usaparadzira mashoko asiri echokwadi.”—Eksodho 23:1.

    Yeuka kuti mashoko aunoudza vamwe ane simba rekuchinja mafungiro nemaitiro avo. Kunyange ukaparadzira mashoko asiri echokwadi usina kuzvironga, zvinozoitika zvinogona kuzokanganisa vamwe.

    “Chinhu chinokosha chaunofanira kuita usati waparadzira mashoko kune vamwe ndechekuzvibvunza kuti, ‘Mashoko aya ndine chokwadi nawo here zvekuti ndinogona kuaudzawo vamwe?’ Kudai munhu wese aidaro, mashoko enhema aizova mashoma chaizvo paIndaneti.”—Peter Adams, mutevedzeri wapurezidhendi weNews Literacy Project.

    Zvibvunze kuti: ‘Ndiri kuparadzira mashoko aya nekuti ndinoziva kuti ndeechokwadi here?’

Chokwadi nezvemashoko ekuchera vamwe

“Mashoko ekuchera vamwe ari kukanganisa chaizvo mafungiro neunhu hwevanhu kupfuura zvaiitika kare,” anodaro Shauna Bowes, anoongorora mafungiro evanhu. Unofanira kuziva zvinhu zvinotevera nezvemashoko ekuchera vamwe.

Chii chinonzi mashoko ekuchera vamwe? Aya mashoko anotaurwa ekuti pane sangano kana kuti vanhu vari kuronga pachivande kuita chimwe chinhu chinokuvadza.

Nei akaipa zvikuru? Kana mashoko aya akabudiswa pamawebsite akanaka uye anovimbwa nawo, vanhu vanopedzisira vasingachavimbi nemawebsite iwayo. Uye zvinoita kuti vamwe vapedzisire vasingachadi kushandisa mazano akanaka aibudiswa pamawebsite aya aitaura nezveutano uye kuzvichengetedza. Mashoko akadaro anogona kuita kuti vanhu vatotanga kuvengana uye kurwisana.

Nei mashoko aya achifarirwa nevanhu? Bhuku rinonzi Encyclopaedia Britannica rinoti vanhu vanowedzera kufarira mashoko akadaro “kana upenyu hwakaoma munyika uye vanhu vachinetseka.” Zvinowanzoitika panguva “dzehondo, kuderera kweupfumi munyika, uye kana paitika njodzi dzakadai semafashamo, kudengenyeka kwenyika nezvirwere zvinopararira.” Zvinhu pazvinenge zvisina kugadzikana kudaro, vanhu vanobvuma mashoko ekuchera vamwe nekuti anenge achitsigira maonero avo uye vanofunga kuti mashoko iwayo anovabatsira kunzwisisa chikonzero nei zvinhu zvisiri kuvafambira zvakanaka.

Bhabheri ringakubatsira sei kuti usakanganiswa nemashoko ekuchera vamwe? Bhaibheri rinopa mazano anogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka panguva dzakaoma. Rinotaura kuti chii chiri kunyatsokonzera matambudziko uye kuti achagadziriswa sei. Kuti unzwe zvakawanda, ona vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe