RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 29 nyaya 18
  • Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mazano anogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka
  • Ndingarega sei Kunyanyonetseka?
    Mukai!—2001
  • Musazvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Mateu 6:34—“Musambozvidya Mwoyo Pamusoro Pezuva Rinotevera”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • 2 Bhaibheri Rinokubatsira Kugadzirisa Matambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 29 nyaya 18
Murume ari kuzvidya mwoyo.

Zvaungaita Kuti Usanyanya Kuzvidya Mwoyo

Kunyanya kuzvidya mwoyo kunogona kukanganisa utano hwako. Kunogona kutokonzera matambudziko akakura kupfuura dambudziko rawanga uchinetseka nezvaro.

Mazano anogona kukubatsira kuti usanyanya kunetseka

  • Chiso chakasuruvara.

    Usanyanya kuona, kuverenga kana kuteerera mashoko anoita kuti unetseke. Hazvisi zvinhu zvese zvaunofanira kuziva. Kana ukanyanya kuona, kuverenga uye kuteerera nyaya dzezvinhu zvakaipa zvinenge zvichiitika, uchawedzera kutya uye kushaya tariro.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kusuruvara kunopedza simba remunhu.”—Zvirevo 17:22.

    “Zviri nyore kupindwa muropa nekuda kuona kuti zvinhu zvipi zvisina kunaka zviri kuitika, asi izvozvo zvinokukanganisa. Handinyanyi kunetseka pandinorega kuona zvese zvese zvinenge zvabuda munhau.”—John.

    Zvekufunga nezvazvo: Unofanira kugara uchiona zvese zvinenge zvabuda munhau here?

  • Wachi.

    Ronga nguva yaunoda kuita zvinhu zvako wobva waita saizvozvo. Ronga kuti inguva ipi yaunoda kumuka, kudya, kuita mabasa uye kurara. Kana uine purogiramu yepaunoda kuita zvinhu zvako, upenyu hwako hunorongeka uye hauzonyanyi kuzvidya mwoyo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.”—Zvirevo 21:5.

    “Pakatanga chirwere cheCOVID-19, ndakabva ndatorega zvinhu zvandaisimboita uye ndakanga ndava kupedza nguva yakawanda ndichizvivaraidza. Ndaida kushandisa nguva yangu zvakanaka, saka ndakaronga purogiramu yezvinhu zvandinofanira kuita zuva rega rega.”—Joseph.

    Zvekufunga nezvazvo: Une purogiramu here inokubatsira kuona kuti une zvinhu zvine musoro zvawaita panopera zuva?

  • Chiso chiri kufara.

    Funga nezvezvinhu zvakanaka zvinenge zvichiitika muupenyu hwako. Kana ukaramba uchifunga nezvezvinhu zvisina kufamba zvakanaka muupenyu hwako kana kuti zvinhu zvakaipa zvingangoitika mune ramangwana uchawedzera kuzvidya mwoyo. Pane kudaro isa pfungwa dzako pazvinhu zviviri kana zvitatu zviri kukufambira zvakanaka.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ratidzai kuti muri vanhu vanoonga.”—VaKorose 3:15.

    “Kuverenga Bhaibheri kunondibatsira kuti ndisazadze pfungwa dzangu nezvinhu zvisina kunaka. Kunogona kuita sekusingabatsiri asi, kunoshanda!”—Lisa.

    Zvekufunga nezvazvo: Unogara uchingofunga zvinhu zvinenge zvisingafambi zvakanaka muupenyu hwako here, wokanganwa zvakanaka zvinenge zvichiitika?

  • Chipo.

    Funga kuti ungabatsirawo sei vamwe. Kana uchigara uchizvidya mwoyo unogona kunzwa uchida kuva wega. Pane kuti udaro, funga kuti ungabatsira sei vamwe.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.

    “Kubatsira vamwe kunoita kuti ndifare. Ndinenge ndichiita zvinhu zvinoita kuti vafare uye pandinodaro, handizonyanyi kuzvidya mwoyo. Ndingatoti panenge pasisina nguva yekuti ndizvidye mwoyo.”—Maria.

    Zvekufunga nezvazvo: Ndevapi vanhu vaunoziva vanonyanya kuda kubatsirwa, uye zvii zvaungaita kuti uvabatsire?

  • Mwoyo.

    Chengetedza utano hwako. Wana nguva yekuita maekisesaizi uye kuzorora. Idya zvekudya zvinopa utano. Kuchengetedza utano hwako kunogona kuita kuti uve nemaonero akanaka uye kukubatsira kuti usazvidya mwoyo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kusimbisa muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

    “Ini nemwanakomana wangu hatichakwanisi kubuda kunoita maekisesaizi saka takaronga purogiramu inoita kuti tikwanise kuita maekisesaizi aya tiri pamba. Izvi zviri kutibatsira kuti tifare uye tiitirane mutsa nemwoyo murefu.”—Catherine.

    Zvekufunga nezvazvo: Unofanira kuwedzera kuekisesaiza uye kudya zvekudya zvine utano here?

Vanhu vakawanda vari kubatsirwawo nekudzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana rakanaka. Verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?”

Mavhesi eBhaibheri anotaura nezvekuzvidya mwoyo

Pisarema 55:22: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”a

Zvazvinoreva: Tinogona kukanda mutoro wedu, kusanganisira kuzvidya mwoyo, kuna Mwari kuburikidza nekunyengetera. Kunyengetera, inzira yekukurukura neMusiki uyo anotipa zvatinoda uye “anotinyaradza pamatambudziko edu ese.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

Zvirevo 12:25: “Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza, asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.”

Zvazvinoreva: Taura nevanhu vemumhuri kana kuti shamwari dzinogona kukukurudzira uye kukubatsira.

Mateu 6:27: “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hweupenyu hwake nekuzvidya mwoyo?”

Zvazvinoreva: Kakawanda kacho, kuzvidya mwoyo hakuna zvakunobatsira. Hakuchinji mamiriro ezvinhu aripo kana kukubatsira kuti ugadzirise dambudziko racho.

Mateu 6:31, 32: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana kuti, ‘Tichanweiko?’ kana kuti ‘Tichapfekeiko?’ . . . Baba venyu vekudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvese izvi.”

Zvazvinoreva: Jehovha Mwari anoziva zvatinoda panyaya yezvekudya, zvekupfeka uye pekugara kunyange tisati tatomboziva kuti tichazvida.

a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe