RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 17
  • Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri rinotii nezveramangwana?
  • Zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana ndezvechokwadi here?
  • Tariro iyi ichazadziswa sei?
  • Tariro iyi ichazadziswa rini?
  • Tariro yatinopiwa neBhaibheri ingatibatsira sei mazuva ano?
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotipa Tariro
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Ndokupi Kwaungawana Tariro Yechokwadi?
    Mukai!—2004
  • Chii Chinoita Kuti Tive Netariro Mugore ra2023?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 17
Baba nemhuri yavo vakamira kumucheto kwegomo.

Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka

Unofunga kuti zvinhu zvichanaka here mune ramangwana? Vakawanda vane tariro yekuti zvinhu zvichanaka pasinei nematambudziko akakura atiri kusangana nawo mazuva ano. Asi zvine musoro here kuti titarisire kuti zvinhu zvichanaka? Ehe! Bhaibheri rinotipa tariro yechokwadi yekuti zvinhu zvichanaka mune remangwana.

  • Bhaibheri rinotii nezveramangwana?

  • Zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana ndezvechokwadi here?

  • Tariro iyi ichazadziswa sei?

  • Tariro iyi ichazadziswa riini?

  • Tariro yatinopiwa neBhaibheri ingatibatsira sei mazuva ano?

Bhaibheri rinotii nezveramangwana?

Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vanosangana nematambudziko akakura. Asi rinovimbisa kuti matambudziko aya haazorambi aripo. Inzwa zvimwe zvarinotaura.

  • Dambudziko: Kushaya pekugara

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vachavaka dzimba vogaramo.”—Isaya 65:21.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Vanhu vachava nedzimba dzavo dzekugara.

  • Dambudziko: Kushaya mabasa uye urombo

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Vanhu vandakasarudza vachanyatsofadzwa nebasa remaoko avo.”—Isaya 65:22.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Vanhu vese vachava nebasa rinogutsa uye rinonakidza.

  • Dambudziko: Rusarura

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Machinda achatonga zvakarurama.”—Isaya 32:1.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Vanhu havazobatwi zvisina kunaka nemhaka yeruvara rwavo rweganda kana chinzvimbo chavo uye hapazovi nevarombo. Vanhu vese vachabatwa zvakaenzana.

  • Dambudziko: Kushaya zvekudya zvinovaka muviri uye nzara

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Vanhu vese vachawana zvekudya zvakawanda zvinopa utano. Hapana anozorara nenzara kana kushaya zvekudya zvinovaka muviri.

  • Dambudziko: Kuparwa kwemhosva uye kurwisana

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake, uye hapana achaita kuti vatye.”—Mika 4:4.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Munhu wese anenge asisina chekutya nekuti vakaipa vanenge vasisipo, uye “vakarurama vachagara nhaka yenyika.”—Pisarema 32:10, 29.

  • Dambudziko: Hondo

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzi kurwa zvakare.”—Isaya 2:4.

    Zvichange zvakaita ramangwana Panyika pachava nerugare. (Pisarema 72:7) Hapana achachema nemhaka yekufirwa nehama yake muhondo kana kunopotera kune imwe nzvimbo achitiza hondo.

  • Dambudziko: Zvirwere

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

    Zvichange zvakaita ramangwana: Panenge pasisina munhu akaremara uye hapana achazorwara. (Isaya 35: 5, 6) Bhaibheri rinotivimbisa kuti “hapazovi nerufu.”—Zvakazarurwa 21:4.

  • Dambudziko: Kusvibiswa uye kukanganiswa kwenharaunda

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—Isaya 35:1.

    Zvichaitika mune ramangwana: Nyika yese ichava paradhiso uye vanhu vachagara mairi sezvaidiwa naMwari pakutanga.—Genesisi 2:15; Isaya 45:18.

Zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana ndezvechokwadi here?

Unogona kunzwa sekuti zvinotaurwa neBhaibheri kungoriwo kurota. Asi tinokukumbira kuti unyatsoongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana. Nemhaka yei? Nekuti vimbiso dziri muBhaibheri dzakasiyana nevimbiso dzevanhu uye zvavanotaura vachiita zvekufungidzira. Vimbiso dziri muBhaibheri dzinobva kuna Mwari. Inzwa zvinotevera zvinoratidza kusiyana kwakaita vimbiso dzaMwari nedzevanhu:

  • Mwari akavimbika. Bhaibheri rinoti Mwari ‘haarevi nhema.’ (Tito 1:2) Uyewo Mwari chete ndiye anokwanisa kutaura zvichaitika mune remangwana. (Isaya 46:10) Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda inoratidza kuti zvinenge zvataurwa naMwari zvinoitika. Kuti unzwe zvakawanda, ona vhidhiyo inonzi Tingaziva Sei Kuti Bhaibheri Rinobva Kuna Mwari?

  • Mwari ane simba rekugadzirisa matambudziko edu. Bhaibheri rinoti Mwari ane simba rekuita “zvese zvaanenge achida kuita.” (Pisarema 135:5, 6) Tingatoti hapana chinotadzisa Mwari kuzadzisa vimbiso dzake. Mwari anodawo kutibatsira nekuti anotida.—Johani 3:16.

Unogona kunetseka uchiti, ‘Kana Mwari achida kutibatsira uye aine simba rekutibatsira, nei achirega tichisangana nematambudziko akawanda kudai?’ Kuti unzwe mhinduro yemubvunzo uyu, ona vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Tariro iyi ichazadziswa sei?

Mwari achashandisa Umambo hwake, hurumende yekudenga, kuti azadzise zvaakavimbisa. Akagadza Jesu Kristu kuti ave Mutongi weUmambo ihwohwo uye akamupa simba rekuti achengetedze nyika nevanhu vari pairi. Jesu paaiva panyika, akarapa vairwara, akapa vaiva nenzara zvekudya, akadzora mamiriro ekunze uye akatomutsa kunyange vanhu vakafa. (Mako 4: 39; 6:41-44; Ruka 4:40; Johani 11:43, 44) Akaratidza zvaaizoita saMambo weUmambo hwaMwari.

Kuti unzwe kuti Umambo hwaMwari huchakubatsira sei, ona vhidhiyo inonzi Umambo hwaMwari Chii?

Tariro iyi ichazadziswa rini?

Munguva pfupi iri kuuya! Chii chinoita kuti tive nechokwadi nazvo? Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvaizoitika, zvaizoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo kutonga nyika. (Ruka 21:10, 11) Zviri kuitika panyika mazuva ano ndizvo zvakanga zvataurwa neBhaibheri.

Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchatonga Riini Panyika?”

Tariro yatinopiwa neBhaibheri ingatibatsira sei mazuva ano?

Mumwe munyori weBhaibheri akafananidza tariro inopiwa neBhaibheri ‘nechinhu chinotsigisa mweya.’ (VaHebheru 6:19) Sezvinongoita chinhu chinotsigisa ngarava, icho chinoibatsira kuti irambe iri panzvimbo imwe chete panguva inorova dutu, tariro yatinopiwa neBhaibheri nezveramangwana, inogona kutibatsira kuti tikurire matambudziko atiri kusangana nawo mazuva ano. Tariro yedu inogona kutibatsirawo kuti tirambe takadzikama, tifare uye tive neutano hwakanaka.—1 VaTesaronika 5:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe