RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 13
  • Waneta Here neCovid-19?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waneta Here neCovid-19?
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvii zvinoratidza kuti munhu aneta?
  • Nei iyi iri nyaya hombe?
  • Mazano api emuBhaibheri anogona kukubatsira?
  • Mavhesi eBhaibheri anogona kukubatsira
  • Upenyu Huchadzokera Pahwaiva Here? Bhaibheri Ringakubatsira Sei Kurarama Munyika Yachinjwa neCOVID-19?
    Dzimwe Nyaya
  • Umambo hwaMwari Huchaitei Nezvirwere Zviri Panyika?
    Dzimwe Nyaya
  • Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano
    Zvakaitika
  • Vakaramba Vachiparidza Panguva Yechirwere cheCOVID-19
    Zvakaitika
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 13
Murume akagara pasofa akabata makiyi emota nemask.

Waneta Here neCOVID-19?

Uri kunzwa waneta here nekurarama uchitya kubatira chirwere cheCOVID-19? Kana zvakadaro, hausi wega. Kwemwedzi yakawanda, vanhu pasi rese vachinja mararamiro avo kuti vasabatira chirwere ichi. Dr. Hans Kluge vesangano reutano reWorld Health Organization vanoti, vakawanda “vakazvipira kurasikirwa nezvinhu zvakawanda vachiitira kuti chirwere cheCOVID-19 chisapararire. Mumamiriro ezvinhu akadaro, hazvishamisi kuti munhu aore mwoyo, asurukirwe uye anzwe kurukutika.”

Kana uchinzwawo saizvozvo usanyanya kunetseka. Bhaibheri riri kubatsira vakawanda kuti vakwanise kugara vachifara munguva dzino dzakaoma uye rinogona kukubatsirawo.

  • Zvii zvinoratidza kuti munhu aneta?

  • Nei iyi iri nyaya hombe?

  • Mazano api emuBhaibheri anogona kukubatsira?

  • Mavhesi eBhaibheri anogona kukubatsira

Zvii zvinoratidza kuti munhu aneta?

Kana munhu akavhiringidzika munguva yakaita seino hazvirevi hazvo kuti ari kurwara asi zvinhu zvatinotarisira kuti zviitike sezvo chirwere ichi chava nenguva refu uye chavhiringidza upenyu hwevanhu. Vanhu vanovhiringidzika nenzira dzakasiyana-siyana asi zvimwe zviratidzo zvacho ndeizvi:

  • Kusada kuita zvimwe zvinhu

  • Kuchinja madyiro uye nguva yekurara

  • Kukurumidza kugumbuka

  • Kunetseka nekuita mabasa aunowanzoita zviri nyore

  • Kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete

  • Kurasa tariro

Nei iyi iri nyaya hombe?

Kuvhiringidzika kunogona kuisa upenyu hwedu kana hwevamwe pangozi. Kana tikasangwarira, tinopedzisira tava kurerutsa mirayiridzo yekuzvidzivirira pachirwere cheCOVID kunyange tichiziva hedu kuti chichiri kupararira nekuuraya vanhu. Nemhaka yekuti taneta nekutevedzera mirayiridzo yacho, tinopedzisira tava kutsvaga rusununguko rwekuita zvimwe zvinhu asi kuita izvozvo kunogona kuisa upenyu hwedu nehwevamwe pangozi.

Munguva dzino dzakaoma, vakawanda vari kuona chokwadi chinotaurwa neBhaibheri chichizadzika chekuti: “Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika, simba rako rinova shoma.” (Zvirevo 24:10) Bhaibheri rinotipa mazano anogona kutibatsira kana tasangana nezvinhu zvinoita kuti tiore mwoyo, zvakadai sechirwere ichi.

Mazano api emuBhaibheri anogona kukubatsira?

  • Usava pedyo nevamwe asi kwete kubva wazviita zindoga

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shamwari yechokwadi . . . yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

    Nei zvichikosha? Shamwari dzechokwadi dzinotivaka. (1 VaTesaronika 5:11) Asi kugara takaparadzana nevamwe kwenguva refu kunokanganisa utano hwedu.—Zvirevo 18:1.

    Edza izvi: Gara uchitaura neshamwari dzako uchidzifonera, uchitumira mae-mail kana mameseji. Paunenge wakasurukirwa taura navo, uye gara uchinzwawo kuti ivo vari sei. Udzanai zvamuri kuita kuti mugare muchifara panguva ino yatakatarisana nechirwere ichi. Tsvaga nzira dzekuitira shamwari yako chimwe chinhu chakanaka uye izvi zvichaita kuti mese munzwe zviri nani.

    Zvakataurwa nevamwe

    Megan.

    “Ndinoedza kutaura neshamwari dzangu tichionana pamavhidhiyo. Dzimwe nguva ndinotaura nemunhu mumwe chete. Asi dzimwe nguva zvinonakidza kuti tionane takawanda tichitamba mutambo kana kungotaura hedu nyaya. Zvinogona hazvo kusafanana nekunyatsoonana nemunhu chiso nechiso asi zvinobatsira. Chirwere ichi chaita kuti upenyu huome, saka zvakakosha kugara uchitaura neshamwari dzako uchidziudza zviri kutsi kwemwoyo wako. Zvinogona kunge zvakaoma asi tese tinoda kubatsirwa.”—Megan, Canada.

    Nathan naEmma nevana vavo, Eli naHope.

    “Tiri kusuwa hama neshamwari dzedu, asi takawana nzira dzekuvaratidza nadzo kuti tinovada. Semhuri, takagadzira makadhi nezvipo zvidiki, tikaisa mukati vhesi yeBhaibheri inokurudzira, tikazvipa shamwari dzedu kuti dzizive kuti tiri kufunga nezvadzo. Izvi zvakaita kuti tifare chaizvo! Kushandisa nguva yedu tichiitira vamwe zvakanaka kunotibatsira kuti tikanganwe nhamo dzedu.”—Emma nemurume wake, Nathan, nevana vavo, Eli naHope, United States.

  • Ita zvaunogona

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shandisa nguva yako nekuchenjera.’—VaEfeso 5:16.

    Nei zvichikosha? Kushandisa nguva yako nekuchenjera kunogona kukubatsira kuti urambe uchifara uye usanyanyonetseka.—Ruka 12:25.

    Edza izvi: Pane kuti uise pfungwa dzako pane zvausingachakwanisi kuita, funga zvinhu zvaunokwanisa kuita panguva ino. Pane mabasa kana kuti zvinhu zvaunofarira kuita zvawanga uchishayira nguva zvawava kukwanisa kuita iye zvino here? Unokwanisa here kuva nenguva yakawanda nemhuri yako?

    Zvakataurwa nevamwe

    Evan naSamantha nevana vavo, Eli naAdam.

    “Takaita mamwe mabasa akawanda pamba, kusanganisira kurima zvekudya, kudhirowa uye kugadzira pamba.”—Evan nemudzimai wake, Samantha, nevana vavo, Eli naAdam, South Africa.

    Ivan naEve.

    “Ini nemudzimai wangu tawana nguva yakawanda yekuva pamwe chete. Hatisati tambova nenguva yakawanda kudaro mumakore 30 atakaroorana. Izvi zvaita kuti tiwedzere kudanana uye kunyatsoziva zvinogonekwa nemumwe uye zvaasingagoni. Tava kunyatsokwanisa kutsigirana panomuka matambudziko.”—Ivan nemudzimai wake, Eve, Italy.

  • Ita zvaunenge waronga

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinhu zvese ngazviitike . . . zvakarongeka.”—1 VaKorinde 14:40.

    Nei zvichikosha? Vanhu vakawanda vanonzwa vakagadzikana uye vachifara kana vaine purogiramu yavakaronga yekuita zvinhu.

    Edza izvi: Nyora pasi zvinhu zvaunoda kuita. Nyora kuti uchaita nguvai zvinhu zvekuchikoro, zvekubasa, mabasa epamba uyewo zvinhu zvine chekuita nekunamata. Zvipewo nguva yekuita zvimwe zvinhu zvakadai sekuva nemhuri yako, kumbobuda panze muchifurwa nemhepo uye kuekisesaiza. Gara uchiongorora purogiramu yako, woigadziridza kana ukaona kuti pane panoda kuchinjwa.

    Zvakataurwa nevamwe

    Kgaogelo.

    “Ndiri kuramba ndichiedza kuita zvinhu zvandaimboita COVID isati yatanga. Kana zviri zvimwe zvandisingachakwanisi kuita ndava kushandisa nguva yacho kuekisesaiza asi nguva dzandichiri kumuka makuseni handina kuchinja. Kuita izvi kuri kundibatsira kuti ndibvise pfungwa pachirwere ichi, ndonyanya kufunga nezvekubatsira mhuri yangu uye shamwari.”—Kgaogelo, South Africa.

    Carmel.

    “Ndinofarira kumuka ndichigadzira zvekudya nekofi yangu semazuva ese. Ndinobva ndageza nekupfeka kunge ndiri kuda kubuda. Izvi zvinondibatsira kuti ndinzwe zvakanaka uye pfungwa dzigare dzakamuka.”—Carmel, France.

  • Ita zvinoenderana nekuchinja kwemwaka

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda.”—Zvirevo 22:3.

    Nei zvichikosha? Kuchinja kunoita mwaka kunogona kuita kuti uwane nguva shoma yekubuda panze uchifurwa nemhepo kana yokudziya mushana.

    Edza izvi: Kana mava kupinda munguva yechando, ita kuti imba yaunoswera uri inge ichipinda chiedza chezuva chakati wandei. Tsvaga zvimwe zvinhu zvekuita panze. Kana zvichiita, tsvaga hembe dzinodziya kuitira kuti ukwanise kuzobuda panze kunyange kuchitonhora.

    Kana mava kupinda munguva yekupisa, vanhu vakawanda vanenge vachida zvekubuda panze, saka unofanira kungwarira. Tsvaga kuti ndekupi kwaungaenda asi wotsvaga kusina kuzara vanhu.

    Zvakataurwa nevamwe

    Sameena.

    “Ndinogara kunzvimbo inogara ichinaya, saka ndinofanira kuronga zvinhu zvangu nenzira yekuti zviri nyore kuzvichinja. Pandinongoona kwabuda kazuva, ndinobva ndatobuda panze. Kumbofamba panze zvishoma kana kumbochovha bhasikoro kunondibatsira chaizvo kuti ndinzwe zviri nani.”—Sameena, France.

    Tiffany.

    “Nguva yekupisa yaiva nani nekuti paiva nezvakawanda zvataigona kuita panze asi sezvatava kupinda munguva yechando, ndine zvinhu zvandakanyora pasi zvandinoda kuzoita ndiri mumba.”—Tiffany, Canada.

  • Ramba uchitevedzera mirayiridzo yeCOVID

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Benzi harifungi uye rinozvivimba.”—Zvirevo 14:16.

    Nei zvichikosha? COVID inouraya, uye tinogona kubatira chirwere ichi kana tikasangwarira.

    Edza izvi: Gara uchitarisa mirayiridzo yamuri kupiwa kwamunogara woona kuti uchiri kuitevedzera here. Funga kuti zvaunoita zvinogona kukanganisa sei iwewe, mhuri yako nevamwewo.

    Zvakataurwa nevamwe

    Daryn.

    “Ndiri kuita zvandinogona kuti chirwere ichi chisapararira. Kunyange vamwe vakasateerera mitemo yekuchengetedza utano, ini ndinoita zvinhu zvinondichengetedza pamwe chete nemhuri yangu.”—Daryn, South Africa.

  • Simbisa ushamwari hwako naMwari

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

    Nei zvichikosha? Mwari anogona kukubatsira kuti ukurire chero dambudziko raungasangana naro.—Isaya 41:13.

    Edza izvi: Verenga Bhaibheri zuva nezuva. Purogiramu iyi yekuverenga Bhaibheri inogona kukubatsira kuti ungazviita sei.

Taura neZvapupu zvaJehovha kuti unzwe zvavari kuita kuti varambe vachipinda misangano panguva ino yechirwere cheCOVID-19. Semuenzaniso, pasi rese vari kupinda misangano yeungano vachionana pamavhidhiyo uye ndizvo zvavakaita pazuva rekuyeuka kufa kwaJesu uyewo pagungano ravanoita gore negore.

Zvakataurwa nevamwe

Roberto.

“Nguva yandinenge ndisina hangu zvekuita ndinoishandisa kuverenga Bhaibheri. Zvinosimbisa kutenda kwangu muna Jehovha.a Ndinonyatsoona kuti ramangwana redu rakajeka chaizvo.”—Roberto, Italy.

Alta naJannie.

“Ini nemurume wangu tinoverenga Bhaibheri pamwe chete toedza kubata mavhesi nemusoro. Kunyengetera, kuverenga Bhaibheri, uye kuudza vamwe tariro yemuBhaibheri kunotibatsira kuti tirambe tichifara.”—Alta nemurume wake, Jannie, South Africa.

a Jehovha izita raMwari sezvinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.

Mavhesi eBhaibheri anogona kukubatsira

Isaya 30:15: “Simba renyu richabva pakuramba makadzikama uye pakuvimba neni.”

Zvazvinoreva: Kuvimba nemazano atinopiwa naMwari kunogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama munguva dzakaoma.

Zvirevo 15:15: “Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa, asi munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.”

Zvazvinoreva: Kuisa pfungwa dzedu pane zvinhu zvakanaka kunogona kuita kuti tifare kunyange patinenge tiri munguva dzakaoma.

Zvirevo 14:15: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”

Zvazvinoreva: Tevedzera mirayiridzo yekuchengetedza utano uye usakurumidza kufunga kuti haina basa.

Isaya 33:24: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”

Zvazvinoreva: Mwari anovimbisa kubvisa zvirwere zvese.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe