RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 23
  • Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Zvakaitika
ijwex nyaya 23
Mukadzi ari muchipatara ari kukurukura nevanhu Bhaibheri achishandisa foni.

Kunyaradza Vamwe Pasinei Nedambudziko Reutano

Mumwe mukadzi anonzi Clodean, Chapupu chaJehovha uye anogara kuSouth Africa. Akapinda muchipatara kuti aitwe oparesheni yakakura. Aiva nezvirwere zvakati kuti uye aifanira kusarudza kuti orapwa sei. Paakanga asati aitwa oparesheni uye pashure pekunge yaitwa, aigara akaneta, achirwadziwa, uye achinetseka. Pashure pemwedzi miviri nehafu abudiswa muchipatara, Clodean akanga asati ava kukwanisa kugara. Uye nekuda kwechirwere cheCOVID-19 hapana aikwanisa kumushanyira.

Clodean akanga asingadi kuramba achifunga nezvemarwadzo ake, saka akakumbira Mwari kuti amupe simba rekuti akwanise kunyaradza vamwe. Pane mumwe mukadzi aigara pedyo naClodean uye mukadzi uyu aiva nemunin’ina wake akanga ambodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Saka Clodean paakanga ava kungokwanisa kugara, akabva ataura nemukadzi uya akanga ambodzidza Bhaibheri. Akakurukura naye mashoko anonyaradza ari muBhaibheri uye izvi zvakaita kuti vatangezve kudzidza Bhaibheri. Akamutsanangurirawo zvakanakira kupinda misangano yechiKristu, uye akamubatsira kuti akwanise kuipinda achishandisa foni. Mukadzi wacho akakwanisa kupinda musangano uye akatopindurawo.

Mukadzi uyu aivawo nemunin’ina wake akafarira zvekudzidza Bhaibheri uye Clodean akatanga kudzidza naye. Munin’ina uyu akabva audza Clodean kuti panewo vamwe vaidawo kudzidza Bhaibheri. Chii chakazoitika? Clodean akatanga kudzidza Bhaibheri nevamwe vakadzi 4. Asi hazvina kugumira ipapo!

Clodean

Kuda vanhu kwakaita kuti Clodean atange kudzidza Bhaibheri nevamwe vakadzi 10 panguva yechirwere cheCOVID-19. Saka kureva kuti Clodean akanga ava kudzidza Bhaibheri nevanhu 16! Vamwe vavo vanogara vachipinda misangano yechiKristu vachishandisa foni. Kugara akabatikana achiita basa rekudzidzisa vamwe nezvaJehovha kuri kumubatsira kuti asaisa pfungwa pamatambudziko ake. Clodean anonzwa kuti kunyaradzwa kwaakaitwa pamatambudziko ake naJehovha “Mwari wekunyaradza kwese,” ndiko kuri kuita kuti akwanise kunyaradzawo vamwe.—2 VaKorinde 1:3, 4.

Vanhu vari kudzidza naClodean vari kunzwa sei nezvavari kudzidza? Mumwe wavo anoti: “Ndakabatsirwa muzvinhu zvakawanda. Asi chakanyanya kundifadza kuziva zita raMwari. Izvi zvandibatsira kuti ndiswedere pedyo naJehovha.” Mukadzi wekutanga akakurukura naClodean ava kutotarisira kubhabhatidzwa. Zvese izvi zviri kuita kuti Clodean afare uye ava kunzwa zviri nani chaizvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe