RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 15
  • Zvaungaita Kana Uchisurukirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kana Uchisurukirwa
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Swedera pedyo naMwari
  • Verenga mavhesi anonyaradza
  • Verenga unzwe kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika
  • Usanyanya kuzvidya mwoyo
  • Tsvaga shamwari
  • Ita maekisesaizi
  • Kuramba Tiri Shamwari Munyika Isina Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Unogona Kufarikanya Ushamwari Hunopfuurira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tiine Ushamwari Nehama Nehanzvadzi Dzedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 15
Mukadzi ari kutarisa panze nepahwindo.

Zvaungaita Kana Uchisurukirwa

Unombonzwa kusurukirwa here? Kana uchinzwa saizvozvo, unogona kunzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akati: “Ndakaita seshiri iri yega iri padenga remba.” (Pisarema 102:7) Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira padambudziko iri rekusurukirwa.

  • Swedera pedyo naMwari

  • Verenga mavhesi anonyaradza

  • Verenga unzwe kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika

  • Usanyanya kuzvidya mwoyo

  • Tsvaga shamwari

  • Ita maekisesaizi

Swedera pedyo naMwari

Kunyange uchigara uri wega, unogona kuwana mufaro kana ukaverenga Shoko raMwari uye ukava pedyo naye. (Mateu 5:3, 6) Zvinhu zvinotevera zvinogona kukubatsira.

  • Bhaibheri riri paIndaneti rakarurama uye riri nyore kunzwisisa

  • Mavhidhiyo anotaura dzidziso dzinokosha dziri muBhaibheri

  • “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa”—Mibvunzo inobvunzwa nevanhu vakawanda

  • “Tevedzera Kutenda Kwavo”—Chikamu ichi chine nyaya dzevarume nevakadzi vemuBhaibheri vaiva vakatendeka

  • “Zvakangotika Zvega Here?”—Chikamu ichi chinoratidza kunaka uye kushamisa kunoita zvinhu zvakasikwa

Verenga mavhesi anonyaradza

Mavhesi aya akanyaradza vakawanda. Panzvimbo pekuverenga mavhesi akawanda panguva imwe chete, edza kuverenga vhesi imwe chete wotora nguva yako uchifunga nezvayo uye nyengetera.—Mako 1:35.

  • Pisarema 23:1-6

  • Pisarema 34:1-22

  • Pisarema 46:1-11

  • Pisarema 63:6-8

  • Pisarema 91:1-6

  • Mateu 6:25-34

  • 2 VaKorinde 1:3, 4

  • VaFiripi 4:6, 7

  • 1 Petro 5:6, 7

Verenga unzwe kuti sei zvinhu zvakaipa zvichiitika

Kana ukaziva kuti nei zvinhu zvakaipa zvichiitika uye kuti Mwari achazvigadzirisa sei, zvichakubatsira kuti usanyanya kunetseka.—Isaya 65:17.

  • Nei Mwari achibvumira kutambura?

  • Bhaibheri rinoti kudii nezvekurwara?

  • Chiratidzo chemazuva ekupedzisira ndechipi?

  • Ndivanaani vakatasva mabhiza 4 anotaurwa muna Zvakazarurwa?

  • Umambo hwaMwari huchaitei?

Usanyanya kuzvidya mwoyo

Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuti usanyanya “kuzvidya mwoyo.”—Mateu 6:25.

  • Kukunda dambudziko rekushushikana

  • Kuva nemaonero akanaka

  • Kuzvidya mwoyo nekuti upenyu hunenge huri pangozi

  • Kuzvidya mwoyo nenyaya dzemari

  • Kuzvidya mwoyo kunoitika kune vechidiki

Tsvaga shamwari

Kuva neshamwari kunogona kukubatsira chaizvo kuti usanyanya kunetseka kunyange paunenge usingagoni kuonana nadzo. Kana uri pamba uye usingafaniri kubuda panze, unogona kupota uchifonera shamwari dzako kana kuti kutanga dzimwe itsva. Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuwana “shamwari yechokwadi” uye kuti iwewo uve shamwari yakanaka.—Zvirevo 17:17.

  • Shamwari yechokwadi yakaita sei?

  • Unofanira kuwedzera shamwari here?

  • Ko kana uchinzwa sekuti hauna shamwari?

  • Iva nerupo kuratidza kuti uri shamwari yakanaka

  • Tenda zvaunoitirwa kuratidza kuti uri shamwari yakanaka

Ita maekisesaizi

Bhaibheri rinoti “kusimbisa muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Kunogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka kana uchigara wega uye uchinzi usabva pamba. Nyaya dzinotevera dzinogona kukubatsira kuti ugare uine utano.

  • Chii chingandipa shungu dzekuekisesaiza?

  • Kuva neutano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe