Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Kutaura Nemunhu Kuti Uparidze Zvisina Kurongwa
Nei Zvichikosha: Patinoita ushumiri hwepaimba neimba, tinowanzowana vakawanda vasiri pamba. Zvisinei, tinogona kusangana nevanhu ivavo patinoshandisa zvifambiso zveruzhinji, patinenge takamirira chiremba, tichimbozorora kubasa kana kuti kuchikoro, uye mune dzimwewo nzvimbo. Jehovha anoda kuti vanhu vose vave nemukana wekunzwa mashoko eUmambo. (1 Tim. 2:3, 4) Kakawanda kacho tisu tinofanira kutanga kutaura navo kuti tikwanise kuparidzira.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Vhiki imwe neimwe edza kutanga kukurukura nemumwe munhu uine chinangwa chekuparidza zvisina kurongwa.