RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 121
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekuputa Uye Kuvhepa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekuputa Uye Kuvhepa?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaunogona kuita
  • Kuputa mbanje kwakaipa here?
  • Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Zvidzore
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mwari Anoona Sei Kusvuta?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 121
Mukadzi wechidiki akapoteredzwa neutsi hwemidzanga yefodya uye hwezvinhu zvinoshandiswa pakuvhepa.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekuputa Uye Kuvhepa?

“Kwatinogara, zvinotoshamisa kuona munhu ane makore ari pasi pe25 anoti haasati amboputa kana kuvhepa.”—Julia.

Zviri munyaya ino

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaunogona kuita

  • Kuputa mbanje kwakaipa here?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvaunofanira kuziva

  • Fodya inouraya. Nicotine iyo yakanyanya kuwanda mufodya inokuvadza zvisingaiti uye inopinda muropa. Sangano reU.S. Centers for Disease Control and Prevention rinoti, “fodya ndicho chimwe chinhu chinoita kuti vanhu varware uye vakurumidze kufa, asi dambudziko iri rinogona kugadzirisika kana vanhu vakangorega kuiputa.”

    “Ndinoita basa rekutora mascan uye ndinoona mapikicha ekukuvara kunoita vanhu vanoputa. Ndinovhunduka pandinoona kuwanda kunenge kwakaita tsvina inoungana mutsinga dzinobvisa ropa kumwoyo. Ndinokoshesa muviri wangu chaizvo zvekuti handingambodi kuputa.”—Theresa.

    Waizviziva here? Fodya ine makemikari anenge 7 000 uye akawanda acho anokuvadza zvisingaiti. Gore rega rega, mamiriyoni evanhu anofa nezvirwere zvinokonzerwa nefodya.

  • Vanhu vanovhepa vanopinza makemikari anokuvadza mumiviri yavo. Vanoita zvekuongorora vanofunga kuti vanhu vanoita zvekuvhepa vanokuvadza mapapu avo zvekuti vanosvika pakufa. Kungofanana nefodya, zvinhu zvinoshandiswa pakuvhepa zvinewo nicotine. Rimwe pepa rinotaura nezvekuvhepa rinoti nicotine inogona “kuita kuti vechidiki vapindwe muropa nemamwe madhiragi.”

    “Zvimwe zvinhu zvinoshandiswa pakuvhepa zvakadai secotton candy uye cherry bomb zvinotapira saka zvinonyanya kufarirwa nevana uye vari kuyaruka. Kutapira kwazvinoita kunoita kuti vasafunge nezvekukuvadza kwazvinoita.”—Miranda.

    Waizviziva here? Utsi hunobuda pakuvhepa inenge isiri mvura chete. Hunenge huinewo makemikari anokuvadza zvisingaiti uye anobva aenda kumapapu.

Mufananidzo wemukadzi wechidiki ari kuvhepa. Pari kuratidzwa nhengo dzemuviri wake dzinogona kukanganisika: 1. Pfungwa. 2. Mukanwa. 3. mapapu, mwoyo, uye mudumbu.

Matambudziko anokonzerwa nekuputa uye kuvhepa

  1. (1) Kuva nedambudziko rekukanganwa uye kungoti kwindi, kunyanya kune vechidiki

  2. (2) Kuzvimba mumazino uye kuora mazino

  3. (3) Kuzvimba mapapu uye kuva nechirwere chemwoyo

    Kuita kuti chirwere cheasthma chiwedzere

    Kurwadziwa nemudumbu uye kunzwa kuda kurutsa

Zvaunogona kuita

  • Ziva chokwadi nezvenyaya yacho. Usangobvuma zvese zvese zvaunonzwa zvakadai sekuti kuvhepa hakukuvadzi uye kuti kunokubatsira kuti usazvidye mwoyo. Tsvaga mashoko akazara wozoita chisarudzo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese, asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.”—Zvirevo 14:15.

    “Paunofunga nezvekukuvadza kunoita kuputa uye kuvhepa, unobva waona kuti hakusi kungonakidzwawo zvako sezvaunoona zvichiitwa nevanhu vakakurumbira kana kuti nevezera rako.”—Evan.

    Zvekufunga nezvazvo: Vechidiki vanoputa kana kuvhepa vari kunyatsofara zvechokwadi here? Vanokwanisa kukurira dambudziko rekuzvidya mwoyo iye zvino uye mune ramangwana here? Kana kuti vari kutowedzera kuzvipinza mumatambudziko?

  • Tsvaga zvimwe zvinhu zvinokubatsira kuti usazvidye mwoyo. Zvimwe zvinhu zvinobatsira kuderedza kuzvidya mwoyo zvinosanganisira kuekisesaiza, kuverenga, kana kuti kutandara neshamwari dzinokukurudzira. Hauzonzwi uchida kuputa nekuti unenge uine zvinhu zvakanaka zvakawanda zvekuita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza, asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.”—Zvirevo 12:25.

    “Vanhu vanofunga kuti kuputa uye kuvhepa kunoita kuti vasazvidya mwoyo. Asi zvinhu izvi zvinongoita kuti unzwe zviri nani kwenguva diki uye zvinokukuvadza kweupenyu hwese. Pane zvimwe zvinhu zviri nani zvinobatsira kuti usazvidye mwoyo.”—Angela.

    Zvekufunga nezvazvo: Ndezvipi zvaungaita kuti usazvidya mwoyo? Kana uchida mamwe mashoko, ona nyaya iri pachikamu chakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti” ine musoro unoti “Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?”

Mukomana ari kusvetukira mugungwa achibva mubhoti mvura ichinaya.

Kuderedza kuzvidya mwoyo nekushandisa chinhu chinopinda muropa kwakafanana nekusvetukira mugungwa kuti usanayiwe; zvinotoita kuti uzvipinze mumatambudziko akawanda!

  • Gara wakagadzirira kuti usafurirwe. Unogona kufurirwa nevaunodzidza navo kuchikoro kana kuti kukanganiswa nevarayidzo yaunosarudza. Mamovie, mapurogiramu epaTV uye social media inoita kuti kuputa nekuvhepa zviite sezvinhu zvinonakidza.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Vanhu vakuru vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’—VaHebheru 5:14.

    “Pandaiva kuchikoro, vakawanda vezera rangu vaindiremekedza nekuti ndaisaputa kana kuvhepa. Pandakavaudza kuti ndaisazoita zvinhu izvozvo, vainge vava kutondidzivirira. Saka kunyange zvazvo zvichiita sezvisina musoro, kuudza vamwe paumire kunogona kukudzivirira.”—Anna.

    Zvekufunga nezvazvo: Unokwanisa kukunda muedzo wekufurirwa nevezera rako here? Pane pawakamboukunda here? Kana uchida mamwe mashoko, ona pakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe” muchitsauko 15 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2.

  • Sarudza shamwari dzako nekuchenjera. Kana shamwari dzako dzisingafaririwo zvekuputa nekuvhepa hauzovi pamuedzo wekuzviita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi uya anoshamwaridzana nemapenzi zvichamuipira.”—Zvirevo 13:20.

    “Zvinobatsira chaizvo kushamwaridzana nevanhu vanozvidzora uye vakavimbika. Paunoona kubudirira kwavanoita muupenyu, unobva wanzwa uchida kuvatevedzerawo.”—Calvin.

    Zvekufunga nezvazvo: Shamwari dzako dzinokubatsira kuti usaita zvinhu zvisina kuchena uye zvinokuvadza muviri wako here kana kuti dzinotoita kuti zvikuomere kuti urege kuita zvinhu izvozvo?

Kuputa mbanje kwakaipa here?

Vanhu vakawanda vanoti mbanje haikuvadzi. Asi idzodzo inhema!

  • Vechidiki vanoputa mbanje vanova pangozi yekupindwa muropa nayo. Nyanzvi dzakaona kuti mbanje inogona kukuvadza uropi, uye kuita kuti munhu asave akachenjera.

  • Sangano reU.S. Substance Abuse and Mental Health Services Administration, rakati “Ongororo inoratidza kuti vanhu vanosvuta mbanje kazhinji havawanzowirirani nevamwe, vanofoira kuchikoro, havawanzobudiriri pamabasa avanoita uye havanakidzwi neupenyu.”

    “Ndainzwa ndichida kuputa mbanje kuitira kuti ndisanyanya kuzvidya mwoyo. Asi pandakafunga kupindwa muropa kwandaizoitwa nayo, mari yandaizoshandisa pakuitenga uye kukanganisa kwayaizoita utano hwangu, ndakaona kuti kuputa mbanje kwaizoita kuti nditowedzera kuzvidya mwoyo.”—Judah.

Zvinotaurwa nevezera rako

  • Olivia.

    “Kubvira ndichiri mudiki vabereki vangu vakandibatsira kuti ndidzidzire mapinduriro andaizoita kana mumwe munhu akandinyengetedza kuti ndipute kana kuti kuvhepa. Vakandidzidzisa kuti ndisanyengedzwa kuti ndiite zvakaipa. Zvakaita kuti ndigare ndakagadzirira uye ndivimbe nezvandinotenda.”—Olivia.

  • Matthew.

    “Gore negore, mamiriyoni evanhu anofa nemhaka yekuputa. Handingadi kuva mumwe wavo nekungoti chete zvinoitwa nevakawanda”—Matthew.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe