RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 24-27
  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganisa Kunoitwa Vamwe Nokusvuta
  • Mutengo Wacho Mukuru
  • Zviri Nani Kuchinja Here?
  • Kubatsira Kwokurega
  • Zvinoita Kuti Kurega Kuome Zvikuru
  • Gadzirira Kurwisana Nezvipingamupinyi
    Mukai!—2010
  • Mwari Anoona Sei Kusvuta?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
  • “Unogona Kurega—Isu Takarega!”
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 24-27

Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?

KUSVUTA hakusi kweavo vanoda kurarama upenyu hurefu nohunofadza. Pane mukana wokuti munhu mumwe chete pavaviri vanosvuta kwenguva yakareba pakupedzisira achaurayiwa nefodya. Mukuru mukuru weWorld Health Organization (WHO) akati: “Mudzanga . . . chinhu chakagadzirwa nounyanzvi chinopa mwero wakakwana wechikakananda unoita kuti ari kuusvuta apindwe muropa kwoupenyu hwose usati wamuuraya.”

Saka, chimwe chikonzero chokurega kusvuta ndechokuti kusvuta fodya kunokanganisa utano noupenyu. Kusvuta kwakabatanidzwa nezvirwere zvinopfuura 25 zvinouraya. Somuenzaniso, ndiko kunonyanya kuparira hosha yomwoyo, sitiroko, bronchitis yakaipa kwazvo, kusashanda zvakanaka kwemapapu (emphysema), nekenza dzakasiyana-siyana, kunyanya kenza yemapapu.

Chokwadi, munhu angasvuta kwemakore akawanda asati abatwa nechimwe chezvirwere izvi. Asi panguva ino, kusvuta hakuiti kuti munhu wacho anyanye kudiwa nevamwe. Kushambadzira kunoratidza vanosvuta sevanhu vakanaka kwazvo uye vane utano hwakanaka. Izvozvo hazvisi zvechokwadi. Kusvuta kunoita kuti mweya waunofema unhuwe uye kunoita kuti mazino nenzara zvitsvukuruke. Muvarume kunoparirawo kuti vasave nesimba mumba. Kunoita kuti anosvuta akosore uye azarirwe. Vanosvuta vane mukana wakakura wokukurumidza kuunyana ganda repachiso uye kuva nezvimwe zvinetso zveganda.

Kukanganisa Kunoitwa Vamwe Nokusvuta

Bhaibheri rinoti: “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Kuda vavakidzani vako—uye nhengo dzemhuri yako ndidzo vavakidzani vako vari pedyo zvikuru—chikonzero chine simba chokurega.

Kusvuta kunokuvadza vamwe. Kare anosvuta aigona kubatidza mudzanga chero paari pasina anomurambidza. Asi mafungire ari kuchinja, zvino nemhaka yokuti vanhu vakawanda vava kuziva kuti kufema utsi hunobva pamudzanga wevamwe kune njodzi. Somuenzaniso, asingasvuti akaroorana neanosvuta ane mukana wenjodzi yokuva nekenza yamapapu we30 muzana pane kuti dai akanga akaroorana neasingasvuti. Vana vanogara nevabereki vanosvuta vane mukana wakakura wokuva namabayo kana bronchitis mumakore avo maviri okutanga oupenyu zvichienzaniswa navana vanogara mumisha isina anosvuta.

Vakadzi vakazvitakura vanosvuta vanoisa vana vavo vasati vaberekwa panjodzi. Chikakananda, utsi hune muchetura, uye mamwe makemikoro anokuvadza ari muchiutsi chemidzanga zvinopinda muropa raamai ndokupfuurira kuenda kumwana ari mudumbu. Zvinoguma zvaitika zvinosanganisira mwero wakakura wokupfupfudza, kuberekwa kwevana vakafa uye kufa kwevana vachangoberekwa. Uyezve, mukana wokungofa kwemwana achangoberekwa wakakura nekatatu pana vanaamai vanosvuta vakazvitakura.

Mutengo Wacho Mukuru

Chimwe chikonzero chokurega imhaka yokuti kusvuta kunodhura. Kumwe kuongorora kwakaitwa neWorld Bank kunofungidzira kuti kutarisira utano hunokanganiswa zvakananga nokusvuta kunosvika kumabhiriyoni anenge $760 gore roga roga. Chokwadi, nhamba iyoyo hairatidzi kurwadziwa uye kutambura kunoita vanenge vabatwa nechirwere chinokonzerwa nefodya.

Mutengo wemidzanga kune anosvuta uri nyore kuwana kuti wakakura sei. Kana uchisvuta, verenga mari yaunoshandisa pamidzanga zuva rimwe kanokwana ka365. Izvi zvichakuratidza mari yaunoshandisa pagore. Verenga mari iyoyo kagumi, uye uchaona kuti midzanga ichakudyira marii kana ukasvuta kwemamwe makore gumi. Mhinhuro yacho ingakushamisa. Funga nezvechimwe chinhu chaungaita nemari iyoyo.

Zviri Nani Kuchinja Here?

Indasitiri yefodya inoshambadzira midzanga ine tara uye chikakananda chishoma—inoshambadzirwa ichinzi midzanga isingaremi kana kuti inofefetera—senzira yokuderedza nayo njodzi dzoutano dzinounzwa nokusvuta. Zvisinei, avo vanochinja kuti vashandise midzanga ine tara kana chikakananda chishoma vanoita havi yechikakananda chakafanana nechavaiwana kare. Somugumisiro, vanosvuta vanochinja kazhinji vanotsiva nokusvuta midzanga yakawanda, vachinyanya kukweva uye kumbumura kakawanda, kana kuti kusvuta chikamu chakakura chomudzanga mumwe chete. Kunyange avo vasingachinji kuti vatsive, utano hwavo hahunyanyi kuchinja kana zvichienzaniswa nokubatsira kunoita kurega zvachose.

Zvakadini nezvikwepa nezvimonera? Kunyange zvazvo indasitiri yefodya yakagara ichishambadzira zvikwepa nezvimonera sezvinhu zvinoratidza mukurumbira wemunhu wacho, utsi hwazvinobudisa hunongouraya sezvinoita hwemidzanga. Kunyange kana vanosvuta vasingakwevi utsi hwechimonera kana hwechikwepa vane mukana wakawedzera wokuva nekenza yepamiromo, yomukanwa neyeparurimi.

Fodya isina chiutsi haikuvadzi here? Iyi iri paviri: bute uye fodya yokutsenga. Bute ifodya youpfu, kazhinji inotengeswa iri mumagaba kana kuti mumapakiti. Kazhinji, vanoishandisa vanoiisa mumuromo wezasi kana mudama. Fodya yokutsenga inotengeswa yakaita kunge tumiti turefu, kunyanya iri mupakiti. Sezvinotaurwa nezita racho, inotsengwa, kwete kusvetwa. Bute nefodya yokutsenga zvose zvinokonzera kufema kunonhuwa, mazino akasviba, kenza yomukanwa neyegurokuro, kupindwa muropa nechikakananda, tupundu tuchena mukanwa tunogona kuparira kenza, kupera kwematadza, uye kupera kwemazino. Zviri pachena kuti kusveta kana kutsenga fodya haisi nzira yakanaka yokutsiva nayo kuisvuta.

Kubatsira Kwokurega

Ngatitii wave uchisvuta kwenguva yakareba. Chii chinoitika paunorega? Mumaminiti 20 wapedza mudzanga wako wokupedzisira, kufamba kweropa rako kuchaderera kusvika pamwero wakanaka. Pashure pevhiki muviri wako unenge usisina chikakananda. Pashure pemwedzi kukosora kwako, kuvharika kwemhino, kupera simba, uye kuzarirwa zvinovamba kuderera. Pashure pemakore mashanu mukana wako wokufa nekenza yemapapu uchave waderera ne50 muzana. Pashure pemakore 15 mukana wako wokuva nechirwere chemwoyo unoderera kusvika pane weuyo asina kumbosvuta zvachose.

Uchanakirwa nezvokudya zvako. Mweya waunoburitsa paunofema, muviri nezvipfeko zvichanhuwirira zviri nani. Hauzonetsekizve kana kudhurirwa nokutenga fodya. Uchanzwa waita chimwe chinhu. Kana une vana, muenzaniso wako uchaderedza mukana wavo wokuti vasvute. Zvichida uchararama kwenguva refu. Uyezve, uchave uchiita maererano nezvinodiwa naMwari, sezvo Bhaibheri richiti: “ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama . . . zvose.” (2 VaKorinde 7:1) Usafunga kuti wakanonoka kurega; kana ukakurumidza kurega, zvichanyanya kunaka.

Zvinoita Kuti Kurega Kuome Zvikuru

Zvakaoma kurega kusvuta—kunyange kuna avo vanenge vachida chaizvo. Kunyanya, izvi imhaka yokuti chikakananda chiri mufodya chinhu chinodhaka zvikuru chinopinda muropa. “Paipiwa zvinhu zvinodhaka nhamba, chikakananda chakaonekwa kuti chinopinda muropa kukunda heroin [ne]cocaine,” inodaro WHO. Kusiyana neheroin necocaine, chikakananda hachikurumidzi kudhaka munhu zvinoonekwa, saka zviri nyore kufunga kuti hachinyanyi kukuvadza. Asi kapfungwa kokufara kachinounza kanoita kuti vanhu vakawanda vanosvuta varambe vachinzwa izvozvo. Chikakananda chaizvoizvo chinochinja zvauri; chinonyaradza kunetseka. Zvisinei, kubviswa kwokunetseka kumwe kwacho imhaka yehavi yokuda chikakananda chacho.

Zvakaomawo kurega kusvuta nemhaka yokuti kusvuta itsika. Kunze kwokungopindwa muropa nechikakananda, vanosvuta vanovamba kamuitiro kokubatidza nokumbumura. ‘Chinhu chinoitwa nemaoko ako.’ ‘Zvinoita kuti nguva ifambe,’ vamwe vangadaro.

Chinhu chechitatu chinoita kuti zviome kurega ndechokuti fodya yazova chinhu choupenyu hwezuva nezuva. Indasitiri yefodya inopedza madhora anenge mabhiriyoni 228 gore rimwe nerimwe pakushambadzira kunoratidza vanosvuta sevanhu vakakurumbira, vakachangamuka, vane utano hwakanaka uye vakachenjera. Kazhinji vanoratidzwa vakatasva hachi, vachishambira, vachitamba tenisi, kana kuti vachiita chimwe chinhu chinofadza zvikuru. Mafirimu nepurogiramu dzeterevhizheni zvinoratidza vanhu vachisvuta—uye kazhinji havasi vanhu vakaipa. Fodya inotengeswa zviri pamutemo uye inowanika nyore nyore kunenge kunzvimbo iri yose. Vazhinji vedu tiri pedyo nomumwe munhu anosvuta. Haungagoni kutiza zvakadaro.

Zvinosuruvarisa kuti hapana piritsi raunogona kunwa kuti ubvise havi yokusvuta sezvingaitwa neaspirin inonyaradza musoro uri kutema. Kuti abudirire mubasa iri rakaoma rokurega, munhu anofanira kuda kurega. Kufanana nokuderedza uremu, zvinoda kushinga kukuru kwenguva refu. Mutoro wokubudirira uri pamunhu anosvuta.

[Bhokisi riri papeji 25]

Kukurumidza Kupindwa Muropa

Kuongorora kwakaitwa muUnited States kwakaratidza kuti mumwe pavanhu vaduku 4 akaedza midzanga pakupedzisira akapindwa muropa. Izvi zvaiva zvakafanana nevakapindwa muropa necocaine neheroin. Kunyange zvazvo inenge 70 muzana yevanosvuta vachiri kuyaruka vachidemba chavakazvitangira, vashoma vanogona kurega.

[Bhokisi riri papeji 25]

Chii Chiri Muutsi Hwomudzanga?

Utsi hwomudzanga hune tara, inoumbwa nemakemikoro anopfuura 4 000. Pamakemikoro aya, 43 anozivikanwa kuti anokonzera kenza. Pakati pawo pane cyanide, benzene, wood alcohol, neacetylene (inoshandiswa kupfutidza tochi). Utsi hwomudzanga hunewo nitrogen oxide uye utsi hune muchetura, ose ari maviri magasi ane muchetura. Chinhu chikuru chirimo chikakananda, chinhu chinodhaka chinopinda muropa zvikuru.

[Bhokisi riri papeji 26]

Kubatsira Mudiwa Kuti Arege

Kana uri munhu asingasvuti anoziva njodzi dzokusvuta, zvichida unonetseka kana shamwari dzako kana kuti vadiwa vakaramba vachisvuta. Chii chaungaita kuti uvabatsire kurega? Kunetsa, kukumbira, kumanikidza uye kushora hazviwanzobudiriri. Mashoko akawanda okutsoropodza haabudiririwo. Pane kuti arege, musvuti angatotora mudzanga kuti asanyanya kunetseka neizvi zvinenge zvichiitwa. Saka edza kunzwisisa kuti zvakaoma sei kurega uye kuti kune mumwe zvingava zvakanyanya kuoma pane mumwe.

Haugoni kuita kuti mumwe munhu arege kusvuta. Simba rinobva mukati uye chido chokurega zvinofanira kuva zvomunhu anosvuta. Unofanira kutsvaka nzira dzorudo dzokukurudzira uye kutsigira chido chokurega.

Ungaita izvozvo sei? Panguva yakakodzera, ungataura kuti unomuda wobva wati unonetseka chaizvo netsika yake yokusvuta. Tsanangura kuti uchatsigira chisarudzo chipi nechipi chokurega. Chokwadi, kana izvi zvikaitwa kakawanda, zvingatadza kushanda uye zvingashaya zvazvinoreva.

Chii chaungaita kana mudiwa wako akasarudza kurega? Ramba uchiyeuka kuti angava nezviratidzo zvokurega, zvinosanganisira kushatirwa uye kuora mwoyo. Kutemwa nomusoro uye kunetseka pakurara angavawo matambudziko. Yeuchidza mudiwa wako kuti zviratidzo izvi zvinongova zvenguva pfupi uye zvinoratidza kuti muviri wake uri kugadzirira nokuda kwoutano hutsva hwakanaka. Iva anofara uye ane chivimbo. Taura kuti unofara sei kuti ava kurega. Munguva yose yokurega, batsira mudiwa wako kuti adzivise mamiriro ezvinhu anonetsa angaita kuti asvute zvekare.

Zvakadini kana akasvuta zvekare? Edza kusanyanya kugumbuka. Iva netsitsi. Ona zvaitika zvacho sechidzidzo kwamuri mose, zvichiita kuti kuedza kwomunguva inotevera kubudirire.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Indasitiri yefodya inopedza madhora anenge mabhiriyoni 228 gore rimwe nerimwe pakushambadzira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe