RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 107
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhema uye chokwadi
  • Zvaungaita kuti usabvume kufurirwa kuita zvebonde
  • Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndingaita Sei Kana Ndichinzi Ndiite Zvepabonde?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 107
Mukomana wechidiki ari kuchikoro, akabata foni yake vamwe vakomana vachimufurira kuti aite chisarudzo chakaipa.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?

“Pandaiva kuchikoro, kana munhu akati akamborara nemumwe munhu, vamwe vaibva vada kumutevedzerawo. Vaidaro nekuti hapana anoda kuita zambiringa munyemba.”—Elaine, 21.

Wakambonzwa here uchida kuita zvebonde nekuti zvinoita sekuti munhu wese ndizvo zvaari kuita?

Wakambonzwa here uchida kuita zvebonde nekuti munhu waunoda ari kuedza kukunyengetedza kuti urare naye?

Kana zviri izvo, nyaya ino ichakubatsira kuti usabvume kunyengerwa nemwoyo wako kana nevamwe vanhu uye kuti uite zvisarudzo zvakanaka.

  • Nhema uye chokwadi

  • Zvaungaita kuti usabvume kufurirwa kuita zvebonde

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nhema uye chokwadi

NHEMA: Munhu wese ari kuita zvebonde (kunze kwangu).

CHOKWADI: Mune imwe ongororo, vanhu vaviri pavanhu vatatu vega vega vane makore 18 vaiti vakamborara nemumwe munhu. Izvi zvinoreva kuti vanhu vakawanda, vanopfuura 30 muzana, havana kumborara nemumwe munhu. Haasi “munhu wese” ari kuita zvebonde.

NHEMA: Kuita zvebonde kuchaita kuti tiwedzere kudanana.

CHOKWADI: Kunyange zvazvo vamwe vakomana vangataura mashoko aya vachiedza kunyengetedza vasikana kuti varare navo, ichocho hachisi chokwadi. Kakawanda kacho mukomana anozoramba musikana wacho pashure pekurara naye, izvo zvinoita kuti musikana wacho avhiringidzike chaizvo nekuti aifunga kuti mukomana wacho anomuda uye akavimbika kwaari.a

NHEMA: Bhaibheri rinorambidza kuita zvebonde.

CHOKWADI: Bhaibheri haritauri kuti pane chakaipa nekuita zvebonde asi rinotaura kuti bonde rinofanira kungoitwa chete nemurume nemudzimai vakaroorana.—Genesisi 1:28; 1 VaKorinde 7:3.

NHEMA: Kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri kuchaita kuti ndisanakidzwe neupenyu.

CHOKWADI: Kana ukarega kuita zvebonde kusvikira waroora kana kuroorwa uchava nemufaro nekuti hauzonetseke kana kuzvipa mhosva izvo zvinowanzoitika kana munhu akaita zvebonde asati aroora kana kuroorwa.

Pfungwa inokosha ndeiyi: Kumbomira kuita zvebonde usati waroora kana kuroorwa hakuna kumbobvira kwakanganisa upenyu hwemunhu. Asi kuita zvebonde usati waroora kana kuroorwa kwakanganisa vamwe.

Zvaungaita kuti usabvume kufurirwa kuita zvebonde

  • Iva nechokwadi nezvinhu zvaunotenda. Bhaibheri rinotaura kuti vanhu vakuru “vanoita kuti simba ravo rekunzwisisa ridzidziswe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:14) Nekuti vanonyatsotenda zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi, hazvisi nyore kuti vamwe vavafurire kuita zvinhu zvakaipa.

    “Ndinoshanda nesimba kuti ndiite zvinhu zvakanaka uye kuti ndive nemukurumbira wakanaka. Handibvumi kuita chinhu chinogona kuita kuti ndirasikirwe nezvinhu izvi.”—Alicia, 16.

    Zvekufunga nezvazvo: Unoda kuva nemukurumbira wakaita sei? Unoda here kurasikirwa nemukurumbira iwoyo wakanaka uchiitira kuti ufadze mumwe munhu?

  • Funga zvinozoitika. Bhaibheri rinoti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Funga nezvekuti upenyu hwako uye hwemunhu waunenge uchida kurara naye hunogona kuchinja sei kana ukabvuma kurara naye.b

    “Kuita zvebonde nemunhu wausina kurooorana naye kunozoita kuti uzvipe mhosva kana kutanga kunzwa sekuti haudiwi, tisingatombotauri zvinhu zvakadai sekuita pamuviri pausina kuronga kana kuita chirwere chinotapuriranwa pabonde.”—Sienna, 16.

    Zvekufunga nezvazvo: Bhuku rinonzi Sex Smart rinoti: “Kana shamwari dzako dzichikufurira kuti uite zvinhu zvinogona kukukanganisa, ndivo here vanhu vaunoda kutamba navo kana kuteerera mazano avo panyaya dzinokosha dzeupenyu?”

  • Iva nemaonero akanaka. Kuita zvebonde hakuna kuipa. Bhaibheri rinototi vakaroorana vanofanira kufadzwa naro.—Zvirevo 5:18, 19.

    “Bonde rakasikwa naMwari kuti vanhu vanakidzwe naro. Asi zvaanoda ndezvekuti riitwe nevanhu vakaroorana chete.”—Jeremy, 17.

    Zvekufunga nezvazvo: Kana ukazoroora kana kuroorwa rimwe zuva, unenge wava kukwanisa kuita zvebonde. Uye unenge wava kunyatsokwanisa kunakidzwa naro usingafungi nezvezvakaipa zvinozoitika zvatambokurukura nezvazvo.

a Izvi hazvirevi kuti nguva dzese, mukomana ndiye anonyengetedza musikana kuti varare vese. Dzimwe nguva musikana anoedzawo kunyengetedza mukomana kuti arare naye.

b Zvimwe zvinhu zvinogona kuitika zvinosanganisira kuva nepamuviri pausina kuronga uye zvichienderana nemazera evanhu vacho, nyaya yacho inogona kuendeswa kumatare edzimhosva kana munhu akarara nemunhu achiri mudiki.

Zvinotaurwa nevezera rako

Mikayla.

“Kuita zvebonde nemunhu wausina kuroora kana kuroorwa naye haisi nzira yekuratidza kuti unoda munhu wacho. Unoratidza kuti unoda munhu iyeye nekumuremekedza uye kuzviremekedzawo zvekuti unomirira kusvikira waroora kana kuroorwa. Kana waroorwa unenge usisanetseke nekuti unoziva kuti wawakaroorana naye anokuda zvepachokwadi uye haasi kuda kungorara newe chete.”—Mikayla.

Caiman.

“Kurara nemunhu wausina kuroorana naye hakuiti kuti unzwe uchida kuramba uchidanana nemunhu iyeye. Zvakatojairika kuti mumwe anozoramba mumwe wake sekunge kuti ari kurasa pepa resiwiti. Mufaro unobva pakurara nemunhu wausina kuroorana naye ndewenguva pfupi, uye hauna zvaunobatsira nekuti matambudziko anozouya haaperi.”—Caiman.

Kudzokorora: Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?

  • Iva nechokwadi nezvinhu zvaunotenda. Kashoma kuti munhu ane chokwadi nezvinhu zvaanotenda abvume kufurirwa kuita zvinhu zvaanoziva kuti zvakaipa.

  • Funga zvinozoitika. Funga nezvekuti upenyu hwako uye hwemunhu waunenge uchida kurara naye hunogona kuchinja sei kana mukarara mese.

  • Iva nemaonero akanaka. Kuita zvebonde hakuna kuipa. Mwari anongoda kuti murume nemudzimai vakaroorana vanakidzwe naro chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe