RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 102
  • Ndosiya Chikoro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndosiya Chikoro Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei vamwe vachisiya chikoro?
  • Tanga wafunga zvinogona kuzoitika
  • Zvaunogona kuita
  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?
    Mukai!—2011
  • Ndosiyira chikoro panzira here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndoita Sei Kana Ndisingafariri Chikoro?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 102
Mukomana ari kuudza vamwe vake kuti haachadi zvechikoro.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndosiya Chikoro Here?

“Chikoro chava kundibhowa!” Kana ariwo manzwiro auri kuita, unogona kupindwa nepfungwa yekusiya chikoro. Nyaya ino ichakupa mazano anogona kukubatsira.

  • Nei vamwe vachisiya chikoro?

  • Tanga wafunga zvinogona kuzoitika

  • Zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Nei vamwe vachisiya chikoro?

Zvimwe zvikonzero zvacho ndeizvi:

  • Kuomerwa nechikoro. ‘Ndiri kuramba ndichingofoira.’

  • Kusafarira chikoro. ‘Handioni chikonzero chekuendera kuchikoro.’

  • Kushaya mari. ‘Ndiri kuda kusiya chikoro kuti nditsvage mari yekubatsira vanhu vekumba kwedu kuti vawane chekurarama nacho.’

Tanga wafunga zvinogona kuzoitika

Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.” ( Zvirevo 14:15) Zvinorevei? Kana uchifunga kusiya chikoro, unofanira kuziva zvinogona kuzoitika.

Zvibvunze kuti:

  • ‘Kana ndikasiya chikoro ndichakwanisa kuzowana basa zviri nyore here?’

    “Ziva kuti zvichida rimwe zuva uchafanira kutsvaga basa kuti uzoriritirawo mhuri yako. Saka unozokwanisa kuwana basa here kana usina kupedza chikoro?”—Julia.

  • ‘Ndikasiya chikoro ndinozokwanisa here kukunda matambudziko andinozosangana nawo?’

    “Chikoro chinokubatsira kuti ugadziririre ramangwana rako. Zvinhu zvakawanda zvauchasangana nazvo mune ramangwana, uchaona kuti zvakangofanana nezvawaisangana nazvo kuchikoro.”—Daniel.

  • ‘Ndikasiya chikoro ndichazokwanisa here kuva neunyanzvi hunodiwa kana ndava munhu mukuru?’

    “Iye zvino ungaona sekuti chikoro hachina zvachinobatsira, asi uchazoona kuti paunenge wava nemakore 23, unenge waakufanira kuchizvibhajetera zvinhu zvako wega, uye ndipo pauchatenda kuti maths dzawaiita kuchikoro dzakakubatsira.’”—Anna.

Zvaunogona kuita

  • Tsvaga anogona kukubatsira. Bhaibheri rinoti: “Panova nekubudirira kana vanhu vanopa mazano vakawanda.” (Zvirevo 11:14) Kana uri kuona kuti uri kufoira, kumbira kubatsirwa nemubereki wako, kana kuti mudzidzisi wako, kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye.

    “Kumbira kubatsirwa nemudzidzisi wako. Dzimwe nguva unogona kufunga kuti ndiye ane dambudziko, asi ukataura naye anogona kutokupa mazano anokubatsira.”—Edward.

  • Imbofunga kuti zvauri kudzidza kuchikoro zvichakubatsira sei mune ramangwana. Bhaibheri rinoti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.” (Muparidzi 7:8) Pauchapedza chikoro unenge wava neunhu uye unyanzvi hunodiwa muupenyu.

    “Paunenge wakura unenge usingachaiti homuweki kana kunyora mazamanishoni. Saka zvaunoita iye zvino paunosangana nezvinhu zvinokuomera kuchikoro, zvinenge zvichitokubatsira kuti ugokwanisa kukunda matambudziko auchazosangana nawo mune remangwana.”—Vera.

    Mukomana ari kubuda muchikepe chisati chamira. Vaanodzidza navo vari kumuti asaburuka.

    Kusiya chikoro kwakafanana nekubuda muchikepe chisati chamira; unozozvidemba kuti dai wakapedza hako chikoro!

  • Nyatsofunga zvimwe zvaungaita. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.” (Zvirevo 21:5) Usakurumidza kufunga kuti hapana zvekuita kunze kwekuti utosiya chikoro. Unogona kuverenga wega wozoenda kunonyora bvunzo chete.

    “Chikoro chinokudzidzisa kushanda nesimba, kugadzirisa matambudziko, uye kugona kushanda nevamwe zvakanaka. Zvaunodzidza kuchikoro zvinokubatsira muupenyu hwako hwese. Saka zviri nani chaizvo kuti upedze chikoro.”—Benjamin.

Pfungwa inokosha: Pedza chikoro uye zvichakubatsira kuti ugadzirire ramangwana rako.

Zvinotaurwa nevezera rako

Annabelle.

“Paunozotsvaga basa, makambani akawanda anoda kutora vanhu vakapedza chikoro. Kupedza chikoro chiratidzo chekuti uri munhu anokwanisa kupedza zvaanenge atanga. Saka kusiya chikoro hakubatsire.”—Annabelle.

Cole.

“Kuramba uri kuchikoro kunogona kukuomera, saka unogona kuona sekuti kusiya chikoro ndokuzvigona. Asi uchaona kuti paunenge wakura uchasanga nezvimwe zvinhu muupenyu zvinokuomera uye unenge uchida kuzvigadzirisa. Saka nguva yaunopedza uri kuchikoro inenge ichitokuumba kuti ukwanise kuzova munhu mukuru anogona kugadzirisa matambudziko.”—Cole.

Brynn.

“Paunenge wava munhu mukuru, uchaona kuti hapana hapo pauchazonzi ita maths. Asi pane zvinhu zvaunenge uchifanira kunge uchiita, zvakadai sekuronga nguva yako, kukwanisa kupedza zvinhu nenguva, uyewo kukurumidza kumuka. Saka kuenda kuchikoro kunokubatsira kuti uve neunyanzvi hwese uhwu.”—Brynn.

Kudzokorora: Ndosiya chikoro here?

  • Tanga wafunga zvinogona kuzoitika. Funga kuoma kwazvinogona kuzoita kuti uwane basa, uve neunyanzvi hunodiwa pakurarama, uye ukwanise kutsungirira matambudziko auchasangana nawo.

  • Tsvaga anogona kukubatsira. Kana uri kuona kuti uri kufoira, kumbira kubatsirwa nemubereki wako, kana kuti mudzidzisi wako, kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye.

  • Imbofunga kuti zvauri kudzidza kuchikoro zvichakubatsira sei mune ramangwana. Zvaunodzidza hazvingopereri kuchikoro. Zvichakubatsirawo kuti ukwanise kuva munhu anodzidza ari ega, anokwanisa kupedza zvinhu nenguva, uye anokwanisa kuita mabasa aanenge apiwa.

  • Nyatsofunga zvimwe zvaungaita. Usakurumidza kufunga kuti hapana zvekuita kunze kwekuti utosiya chikoro. Unogona kuverenga wega wozoenda kunonyora bvunzo chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe