RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 100
  • Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu, Ndoita Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu, Ndoita Sei?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvausingafaniri kuita
  • Zvaungaita
  • Ndingaita Sei Kuti Vabereki Vangu Vavimbe Neni?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Sei Vabereki Vangu Vasingadi Kuti Ndimbofarawo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Vabereki Vangu Vasingandivimbi?
    Mukai!—2008
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 100
Vabereki vari kutaura nemwanasikana wavo vachiratidza kunetseka nekuti anonoka kudzoka kumba.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndatyora Mutemo Wevabereki Vangu, Ndoita Sei?

Mhuri dzese dzine mitemo, yakadai sekuti mwana anofanira kunge ava pamba nguvai, mashandisiro aanoita foni, tsika dzaanofanira kuva nadzo, nezvimwewo.

Ko kana ukatyora mutemo wevabereki vako? Haugoni kuchinja zvinenge zvaitika, asi unogona kuedza kuita kuti zvinhu zvisawedzere kuipa. Nyaya ino ichakuratidza kuti ungazviita sei.

  • Zvausingafaniri kuita

  • Zvaungaita

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Zvausingafaniri kuita

  • Kana vabereki vako vasiri kuziva kuti wakatyora mutemo wavakakupa, unogona kuva pamuedzo wekuvhara-vhara nyaya yacho.

  • Kana vasiri kuziva kuti une mutemo wawakatyora, unogona kunzwa uchida kupa tuzvikonzero kana kuti kuda kupa mumwe munhu mhosva.

Kuita izvi hakuzokubatsiri. Nei? Nekuti kuvharidzira zvakaitika kana kuti kupa tuzvikonzero zvinhu zvinoitwa nevana. Zvinongoratidza vabereki vako kuti hausati wakura.

“Kunyepa hakubatsire. Nekufamba kwenguva chokwadi chichabuda pachena uye chirango chauchazopiwa chinenge chakura kupfuura kudai wakangotaura chokwadi pakutanga.”—Diana.

Zvaungaita

  • Bvuma mhosva yako. Bhaibheri rinoti: “Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri, asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.” (Zvirevo 28:13) Vabereki vako vanoziva kuti unombotadzawo. Asi havadi kuti uvanyepere.

    “Vabereki vako vachakunzwira tsitsi kana ukavaudza chokwadi. Kana ukataura chokwadi sezvachiri, vachawedzera kuvimba newe.”—Olivia.

  • Kumbira ruregerero. Bhaibheri rinoti: “Pfekai kuzvininipisa.” (1 Petro 5:5) Zvinotoda kuzvininipisa kuti munhu ati “ndine urombo” uye kuti asape tuzvikonzero.

    “Munhu anoramba achipa tuzvikonzero anokanganisa hana yake zvekuti inopedzisira isisarove. Nekufamba kwenguva anenge asisanetseke nekuita zvinhu zvakaipa.”—Heather.

  • Bvuma kurangwa. Bhaibheri rinoti: “Teererai kurayirwa.” (Zvirevo 8:33) Pane kuramba uchingochema-chema, teerera zvaunenge warambidzwa kuita nevabereki vako.

    “Ukaramba uchigunun’una uchatowedzera chirango chako, uye nyaya yacho inobva yaita hombe. Edza kubvuma chirango chaunenge wapiwa, uye usanyanye kufunga nezvezvinhu zvaunenge usisakwanisi kuita.”—Jason.

  • Shanda nesimba kuti vabereki vako vavimbezve newe. Bhaibheri rinoti: “[Bvisai] unhu hwekare hunoenderana nemararamiro amaimboita uye huri kuodzwa maererano nekuchiva kwahwo kunonyengera.” (VaEfeso 4:22) Ramba uchiita zvakanaka, kuti vakwanise kukuvimba.

    “Kana ukaramba uchiita zvisarudzo zvakanaka, vabereki vako vachaona kuti hauzodzokorori zvawakakanganisa, uye vachapedzisira vava kuvimba newe zvekare.”—Karen.

ZVAUNOGONA KUITA: Ita zvakawanda kupfuura zvavanenge vakakuudza kuti uite. Semuenzaniso, kana paine kwawaenda, unogona kufonera vabereki vako uchivaudza kuti wava kudzoka, kunyange usiri kunokoka kudzoka. Izvi zvichaita kuti uite seuri kuvaudza kuti, ‘Ndinoda kuti muvimbe neni zvekare.’

Zvinotaurwa nevezera rako

Darius.

“Paunovanzira vabereki vako zvawakaita, unenge uchitovanyepera. Zvawakaita zvichapedzisira zvabuda pachena, uye zvinhu zvichabva zvawedzera kukuipira pane zvazvaizoita kudai wakagara hako wataura chokwadi.”—Darius.

Sierra.

“Patinopa mumwe munhu mhosva yezvinhu zvatakaita, tinoratidza kuti tichiine pfungwa dzemwana mudiki uye hatisati takura zvakakwana kuti tibvume zvatinenge takanganisa. Vabereki vedu vanopedzisira vasisavimbe nesu kana tisina kukumbira ruregerero nezvezvinhu zvatakaita.”—Sierra.

Kudzokorora: Ndatyora mutemo wevabereki vangu, ndoita sei?

  • Bvuma mhosva yako. Vabereki vako vanoziva kuti unokanganisawo. Asi havadi kuti uvanyepere.

  • Kumbira ruregerero. Taura kuti “ndine urombo” nemwoyo wese, uye kunda muedzo wekuda kuzopa tuzvikonzero.

  • Bvuma kurangwa. Teerera zvinhu zvaunenge warambidzwa kuita nevabereki vako.

  • Shanda kuti uvimbwe newe. Ita zvinhu zvinoita kuti vabereki vako vavimbe newe zvekare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe